Rwiyo 5
Kristu, Muenzaniso Wedu
Rakaprindwa
1. Jehovha akaratidza rudo kwazvo
Paakapa vanhu Mwana wake.
Ova chingwa chedu, kuti tose tidye
Tiwane upenyu murugare.
2. Kristu akadzidzisa kunyengetera.
Zita raJehovha ritsveneswe.
Umambo huuye, kuda kwake kuitwe.
Zuva nezuva tipiwe kudya.
3. Chokwadi chaMwari akachidzidzisa.
Onyaradza vakamutevera.
Tidyare mbeu yokurumbidza Ushe.
Tikadaro tichagutsikana.
(Onawo Mat. 6:9-11; Joh. 3:16; 6:31-51; VaEf. 5:2.)