Rwiyo 51
Tinonamatira Kuna Jehovha
Rakaprindwa
1. Changamire Jehovha akakodzera
Pazvose zvaanoita akarurama.
Muromo wake haumbowiri pasi.
Hatisiyani naye kana zvodini.
Kutonga kwake kwobatsira narini.
2. Anotonga nechokwadi nokururama.
Paanogara pakakombwa nokubwinya.
Anokoka vanyoro, vouya kwa’ri.
Mukuru, tinonamatira kwaari.
Akakodzera kuti timunamate.
3. Iye haambokwani kana mumatenga.
Hapana mhandu ingamirisana naye.
Tovimba nezvinhu zvaakapikira.
Tisasiyane naye timuteere,
Uye kuzvipira kwedu kuwedzere.
(Onawo Dheut. 4:4; 30:20; 2 Madz. 18:6; Pis. 89:14.)