Rwiyo 90
Runako Rwevachena Musoro
Rakaprindwa
1. Tine vakakwegura,
Vakura kwazvo.
Vari kutsungirira;
Uye kushinga.
Vanoshayiwa simba;
Vamwe kufirwa.
Baba, vasimbisei
Muramangwana.
(KORASI)
Baba, yeukai
Kutenda kwavo.
Muvasimbisewo;
Muti, “Mazvita!”
2. Jehovha anoona
Vakatendeka,
Vaya vachena bvudzi
Sevakanaka.
Vaivawo vaduku,
Tizviyeuke.
Vaishingairawo
Vachine simba.
(KORASI)
Baba, yeukai
Kutenda kwavo.
Muvasimbisewo;
Muti, “Mazvita!”
(Onawo Mat. 25:21, 23; Pis. 71:9, 18; Zvir. 20:29; Ruka 22:28; 1 Tim. 5:1.)