RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • jr chits. 2 pp. 14-31
  • Kushumira Mu“mazuva Okupedzisira”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kushumira Mu“mazuva Okupedzisira”
  • Shoko raMwari Kwatiri Achishandisa Jeremiya
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • ZVAIITIKA MUNGUVA YAJEREMIYA
  • KUCHINJA KWEZVINHU MUJUDHA
  • ‘UNOFANIRA KUNYORA MASHOKO OSE’
  • KUMUKA KWEBHABHIRONI
  • MAZUVA OKUPEDZISIRA EDZINZA ROUMAMBO
  • BASA RAAKAITA PAKATI PEVAJUDHA VAKANGA VASARA
  • Bhuku reBhaibheri Nhamba 24—Jeremia
    “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera”
  • Jeremia—Muporofita Asingadikanwi Wamarutongeso aMwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • Uchasarudza Shamwari Dzakaita Sei?
    Shoko raMwari Kwatiri Achishandisa Jeremiya
  • “Ndaisa Mashoko Angu Mumuromo Mako”
    Shoko raMwari Kwatiri Achishandisa Jeremiya
Ona Zvimwe
Shoko raMwari Kwatiri Achishandisa Jeremiya
jr chits. 2 pp. 14-31

CHITSAUKO 2

Kushumira Mu“mazuva Okupedzisira”

1, 2. (a) Chii chakaonekwa naJeremiya chakaratidza dingindira remashoko ake ouprofita? (b) Nei uchifanira kufarira mashoko aJeremiya?

“URI kuonei?” Mwari akabvunza muprofita wake akanga achangotanga basa. Jeremiya aiva muduku akapindura kuti, “Ndiri kuona gate riri kufutidzirwa moto, uye muromo waro wakafuratira kuchamhembe.” Zvakaratidzwa Jeremiya izvozvo zvakafanoratidza kuti aizozivisa mashoko akaita sei. (Verenga Jeremiya 1:13-16.) Jehovha akanga achifanotaura kuti dambudziko rakafanana nebota rinopisa, raizodururwa panyika yaJudha kubva mugate racho pamusana pokusatendeseka kwakanga kwazara. Unofunga kuti nei muromo wegate racho wakanga wakarerekera kumaodzanyemba? Zvaireva kuti dambudziko raizobva kuchamhembe—Bhabhironi yaizopinda nechisimba ichibva ikoko. Uye ndizvo chaizvo zvakaitika. Mumakore aakashumira somuprofita, Jeremiya akaona kudururwa kunotevedzana kubva mugate iri raifashaira, zvichizoguma nokuparadzwa kweJerusarema.

2 Bhabhironi hakuchina, asi une chikonzero chokufarira mashoko ouprofita hwaJeremiya. Nei? Nokuti uri kurarama mu“mazuva okupedzisira” vakawanda pavari kuzviti vaKristu; asi Mwari asingavafariri ivo nemachechi avo. (Jer. 23:20) Asi kungofanana naJeremiya, iwe nezvimwe Zvapupu muri kuparidza mashoko, kwete ekutongwa chete, asiwo etariro.

Mufananidzo uri papeji 14

3. (a) Mashoko ari mubhuku romuBhaibheri raJeremiya akarongwa sei? (b) Chinangwa cheChitsauko 2 chebhuku rino ndechei?

3 Jeremiya angangova akaita zvokutaurira munyori nyaya yake muchikamu chokupedzisira chebasa rake rouprofita, pane kunyora zvinhu panguva yazvaiitika. (Jer. 25:1-3; 36:1, 4, 32) Bhuku racho harina kurongwa maererano nenguva yaiitika zvinhu nokuti Jeremiya akaronga zvikamu zvaro zvakawanda maererano nenyaya yainge ichitaurwa. Saka uchaona zvichibatsira kudzidza zvaiitika panguva inotaurwa mubhuku raJeremiya nereMariro uye kutevedzana kwaiita zviitiko zvacho. Ona chati iri papeji 19. Kuziva kuti ndiani akanga ari mambo waJudha panguva ipi uye kuti pane dzimwe nguva zvii zvaiitika muJudha nenzvimbo dzakapoteredza kuchakubatsira kunzwisisa zviri nani zvakataurwa naJeremiya kana kuti zvaakaita. Uye uchanyatsova akagadzirira kubatsirwa nemashoko aMwari kuvanhu vake sezvaakaziviswa naJeremiya.

ZVAIITIKA MUNGUVA YAJEREMIYA

4-6. Zvinhu zvakanga zvakamira sei kuvanhu vaMwari vekare makumi emakore Jeremiya asati atanga basa rekuprofita?

4 Jeremiya akaprofita panguva apo zvinhu zvakanga zvisina kugadzikana. Yaiva nguva yairwisana Asiriya, Bhabhironi neIjipiti. Anenge makore 93 Jeremiya asati atanga basa rake rouprofita, Asiriya yakakunda umambo hwaIsraeri hwokuchamhembe hwemadzinza gumi uye yakabvisa vagari vakawanda vomunyika yacho. Panguva iyoyo, Jehovha akadzivirira Jerusarema namambo waro aiva akatendeka Hezekiya, pakurwiswa neAsiriya. Ungayeuka chishamiso chakaitwa naMwari paakauraya masoja 185 000 evavengi. (2 Madz. 19:32-36) Mumwe wevanakomana vaHezekiya aiva Manase. Jeremiya anofanira kunge akaberekwa panguva yokutonga kwaManase kwemakore 55, Judha payakanga iri pasi pokutonga kweAsiriya.—2 Mak. 33:10, 11.

5 Jeremiya akanyora mabhuku 1 ne2 eMadzimambo matinoverenga kuti Manase akavakazve nzvimbo dzakakwirira dzakanga dzaparadzwa nababa vake. Manase akavaka atari dzaBhaari uye dzeuto rose rokudenga, kunyange mutemberi yaJehovha. Uye Manase akateura ropa rakawanda rakanga risina mhosva, achiita kuti mwanakomana wake apiwe sechibayiro chinopiswa kuna mwari wenhema. Muchidimbu, “akaita zvakaipa zvizhinji pamberi paJehovha.” Pamusana pezvakaipa zvose izvozvo, Mwari akataura kuti Jerusarema neJudha dzaizowirwa nedambudziko, sezvakanga zvatoitika kuSamariya neIsraeri. (2 Madz. 21:1-6, 12-16) Manase afa, mwanakomana wake Amoni akapfuudzira tsika dzababa vake dzokunamata zvidhori, asi zvinhu zvaizochinja nokukurumidza. Pashure pemakore maviri, Amoni akapondwa, uye mwanakomana wake Josiya aiva nemakore masere akatanga kutonga muna 659 B.C.E.

6 Pakutonga kwaJosiya kwemakore 31, Bhabhironi yakatanga kuwana simba raipfuura reAsiriya zvishoma nezvishoma. Mumamiriro ezvinhu akadai, Josiya akawana mukana wokuti Judha isununguke pakutongwa nedzimwe nyika. Kusiyana nababa vake nasekuru, Josiya akashumira Jehovha akatendeka uye akatanga kuchinja kukuru mune zvokunamata. (2 Madz. 21:19–22:2) Mugore rake rechi12 achitonga, Josiya akaparadza nzvimbo dzakakwirira, matanda matsvene, uye zvifananidzo zvaishandiswa pakunamata kwenhema muumambo hwake hwose uye pashure pacho akarayira kuti temberi yaJehovha igadziriswe. (Verenga 2 Makoronike 34:1-8.) Zvinofadza kuti Jeremiya akagadzwa somuprofita waMwari mugore rechi13 rokutonga kwaJosiya (647 B.C.E.).

Waizodai wakanzwa sei kudai waiva muprofita panguva yakararama Jeremiya?

7, 8. (a) Kutonga kwaMambo Josiya kwakanga kwakasiyana sei nokutonga kwemadzimambo akamutangira, Manase naAmoni? (b) Josiya aiva munhu akaita sei? (Ona bhokisi riri papeji 20.)

7 Paigadziriswa temberi, mugore rechi18 rokutonga kwaMambo akanaka Josiya, mupristi mukuru akawana “bhuku romutemo.” Mambo wacho akaita kuti munyori wake amuverengere bhuku racho. Josiya akaziva nezvokukanganisa kwevanhu vake, akatsvaka kutungamirirwa naJehovha achishandisa muprofitakadzi Huridha, uye akakurudzira vanhu vaaitonga kuti vachengete mirayiro yaMwari. Huridha akaudza Josiya kuti Jehovha aizounza “dambudziko” kuvaJudha pamusana pokusatendeseka kwavo. Zvisinei, dambudziko racho raisazouya panguva yairarama Josiya pamusana pemaonero akanaka aaiita kunamata kwakachena.—2 Madz. 22:8, 14-20.

Chati iri papeji 19

8 Mambo Josiya akatangazve kuparadza zvose zvaiva nechokuita nokunamata zvidhori. Akanga akatsunga zvokuti akaenda kunyange kunyika yaimbova youmambo hwokuchamhembe hweIsraeri kuti aputse nzvimbo yakakwirira uye atari yaiva kuBheteri. Akarongawo kuti pave nomutambo mukuru wePaseka. (2 Madz. 23:4-25) Funga kuti izvi zvinofanira kunge zvakafadza Jeremiya zvakadini! Zvisinei, zvakanga zvakaoma kuita kuti vanhu vachinje mararamiro avo. Manase naAmoni vakanga vaita kuti vanhu vanamate zvidhori, saka kunamata kwakachena kwakanga kwadzikira zvikuru. Pasinei nezvakaitwa naJosiya kuti pave nokunamata kwakachena, Mwari akaita kuti Jeremiya ataure kuti vanamwari vevaJudha vakanga vakawanda semaguta avo. Vanhu vaigara munyika yaigarwa nomuprofita wacho vakanga vakaita somudzimai asina kutendeseka—vakanga vasiya Jehovha uye vakanga vaita ufeve navanamwari vokune dzimwe nyika. Jeremiya akazivisa kuti: “Makaisa atari zhinji semigwagwa yeJerusarema nokuda kwechinhu chinonyadzisa, atari dzokuti mukwidzire Bhaari utsi hwezvibayiro.”—Verenga Jeremiya 11:1-3, 13.

9. Mumakore okupedzisira okutonga kwaJosiya, zvii zvakaitika zvaibatanidza dzimwe nyika?

9 Kuzivisa kwakaita Jeremiya mashoko akadaro hakuna kuita kuti vaJudha vachinje, uyewo hakuna kuchinja chokwadi chokuti nyika dzakanga dzakavapoteredza dzakanga dzichirwira kuti dzitonge nharaunda yacho. Muna 632 B.C.E., mauto akabatana evaBhabhironi nevaMedhiya akakunda Ninivhi, guta guru reAsiriya. Kwapera makore matatu, Farao Neko wokuIjipiti akatungamirira uto rake kuenda kuchamhembe kuti anobatsira vaAsiriya vakanga vachitambudzika. Nokuda kwezvikonzero zvisina kunyorwa muBhaibheri, Josiya akaedza kuita kuti mauto eIjipiti adzokere paMegidho, asi akakuvadzwa zvakaipisisa. (2 Mak. 35:20-24) Chiitiko chinosuwisa ichi chaizoita kuti zvematongerwo enyika uye zvokunamata zvichinje sei muJudha? Uye Jeremiya aizotarisana nematambudziko api matsva?

KUCHINJA KWEZVINHU MUJUDHA

10. (a) Nguva dzakavapo Josiya afa dzakafanana nedzatiri kurarama madziri pakudini? (b) Kuongorora zvaiitwa naJeremiya kungakubatsira sei?

10 Fungidzira kuti Jeremiya anofanira kunge akanzwa sei paakaziva kuti Josiya akanga afa! Arwadziwa, akaimba nziyo dzokuchema mambo wacho. (2 Mak. 35:25) Iyi yakanga yatova nguva yokunetseka, uye kusagadzikana kwezvinhu munyika dzakawanda kwakaita kuti vaJudha vawedzere kunetseka. Nyika dzaikwikwidzana—Ijipiti, Asiriya neBhabhironi—dzairwira kutonga nharaunda yacho. Uye zvokunamata zvakachinja munyika yeJudha pakafa Josiya. Uku kwaiva kuguma kweutongi hwaifarira zvaiitwa naJeremiya uye kwaiva kutanga kwehwaivenga zvaaiita. Mazuva ano hama dzedu dzakawanda dzinotarisana nokuchinja kwakafanana, kubva pakuva norusununguko rwokunamata kusvika pakutambudzwa uye kurambidzwa kunamata. Ndiani anoziva kuti vangani vedu vachatarisana nokuchinja kwakafanana? Izvozvo zvingaitei patiri? Tingaitei kuti tirambe takaperera? Tichifunga nezvemibvunzo iyoyo, zvichakurudzira kucherechedza matambudziko ayo Jeremiya akasangana nawo akaakunda.

JOSIYA—MAMBO WOKUPEDZISIRA PAMADZIMAMBO AKANAKA AJUDHA

Mufananidzo uri papeji 20

Pakafa baba vake Amoni, Josiya akava mambo waJudha aine makore masere. Ava nemakore 15, akatanga kutsvaka Mwari uye ‘kufamba nenzira yose yatateguru vake Dhavhidhi.’ Paakanga ava nemakore 19, akatanga kuchenesa Judha neIsraeri achibvisa nzvimbo dzavo dzavaishandisa pakunamata kwenhema uye achiparadza zvidhori zvavo. Ava nemakore 25, akatanga kuita kuti temberi yaJehovha igadziriswe.—2 Madz. 21:19–22:2; 2 Mak. 34:2-8.

Bhuku roMutemo, zvimwe chairo rakanyorwa naMosesi, rakawanikwa paigadziriswa temberi uye Josiya akariverengerwa. Akazvininipisa, akabvarura nguo dzake, uye akasvimha misodzi. Josiya akaronga kuti vapristi, vaRevhi, uye vose vaaitonga, vakuru nevadiki, vanzwe bhuku racho richiverengwa. Nyaya yacho inoti mambo akaita sungano, “yokuti atevere Jehovha uye yokuti achengete mirayiro yake . . . nomwoyo wake wose uye nomweya wake wose.” Pashure paizvozvo, Josiya akaita basa guru rokubvisa kunamata kwenhema. Mambo wacho akaitirawo Jehovha Paseka huru, yakanga isina imwe yakafanana nayo yakamboitwa kubvira munguva yaSamueri.—2 Mak. 34:14–35:19.

11. Chii chakaitika muJudha pashure pokunge Josiya afa?

11 Vagari veJudha vakagadza Jehoahazi mwanakomana waJosiya kuti ave mambo muJerusarema. Jehoahazi, anozivikanwawo saSharumu, akatonga kwemwedzi mitatu chete. Farao Neko paakadzokera kumaodzanyemba pashure pokurwisa vaBhabhironi, akabvisa mambo wacho mutsva akaenda naye kuIjipiti, uye Jeremiya akazivisa kuti Jehoahazi “haazodzokizve.” (Jer. 22:10-12; 2 Mak. 36:1-4) Neko akagadza Jehoyakimu, mumwe wevanakomana vaJosiya panzvimbo pake. Jehoyakimu haana kutevedzera muenzaniso wakanaka wababa vake. Haana kuedza kuita zvakaitwa nababa vake zvokubvisa kunamata zvidhori kwaiitwa munyika yacho, asi akatozvinamata.—Verenga 2 Madzimambo 23:36, 37.

12, 13. (a) Jehoyakimu paakatanga kutonga, zvinhu zvakanga zvakamira sei mune zvekunamata? (b) VaJudha vaitungamirira mune zvekunamata vakabata sei Jeremiya?

12 Pakatanga kutonga Jehoyakimu, Jehovha akaudza Jeremiya kuti aende kutemberi kuti ashore vaJudha pachena pamusana pouipi hwavo. Vaifunga kuti sezvo vaiva netemberi yaJehovha vaizodzivirirwa. Asi kana vaisazorega ‘kuba nokuponda nokuita upombwe nokupika zvenhema nokukwidzira Bhaari utsi hwezvibayiro nokutevera vamwe vanamwari,’ Jehovha aizosiya temberi yake. Uye ndizvo zvaaizoitawo kuvanyengeri vainamata mairi, sokungosiya kwaakaita tebhenekeri yaiva paShiro mumazuva oMupristi Mukuru Eri. Nyika yeJudha ‘yaizova nzvimbo yakaparadzwa.’ (Jer. 7:1-15, 34; 26:1-6)a Funga nezveushingi hwaifanira kuva naJeremiya kuti azivise mashoko iwayo! Kunenge kuti akazviita pachena pamberi pevanhu vakakurumbira vane simba. Dzimwe hama nehanzvadzi mazuva ano dzakafungawo kuti dzaifanira kushinga kuti dziparidzire mumugwagwa kana kutaura nevanhu vakapfuma kana kuti vane zvinzvimbo zvepamusoro. Zvisinei, tinogona kuva nechokwadi neizvi: Mwari anototitsigira chete sezvaakaita Jeremiya.—VaH. 10:39; 13:6.

Mufananidzo uri papeji 22

13 Tichitarisa mamiriro ezvinhu ezvekunamata uye ezvematongerwo enyika muJudha, vaitungamirira mune zvekunamata vaizoitei nezvakataurwa naJeremiya? Maererano nezvakataurwa nomuprofita wacho, “vapristi nevaprofita nevanhu vose vakabva va[ndi]bata, vachiti: ‘Chokwadi uchafa.’” Vakanga vakatsamwa kwazvo, vachiti: “Murume uyu akafanirwa nomutongo worufu.” (Verenga Jeremiya 26:8-11.) Zvisinei, vavengi vaJeremiya havana kukwanisa kumuuraya. Jehovha aiva nomuprofita wake kuti amununure. Kana ari Jeremiya, kunyange zvazvo vavengi vake vaiita sokuti vakanga vakawanda uye kuti vaigona kumukurira, haana kutya. Iwewo haufaniri kutya.

Ungasiyanisa sei mamiriro ezvinhu panguva yaitonga Manase, Amoni, naJosiya? Ungadzidzei pamaitiro akaita Jeremiya basa rake rakanga rakaoma?

‘UNOFANIRA KUNYORA MASHOKO OSE’

14, 15. (a) Jeremiya nomunyori wake, Bharuki, vakatanga basa rei mugore rechina rokutonga kwaJehoyakimu? (b) Jehoyakimu aiva munhu akaita sei? (Ona bhokisi riri papeji 25.)

14 Mugore rechina rokutonga kwaJehoyakimu, Jehovha akaudza Jeremiya kuti anyore mashoko ose aakanga audzwa naJehovha kubvira mumazuva aJosiya. Saka Jeremiya akataura, munyori wake Bharuki achinyora zvose zvaakanga audzwa naMwari mumakore 23 akanga apfuura. Mashoko ake okutongwa aisanganisira madzimambo uye umambo hunenge 20. Jeremiya akarayira Bharuki kuti averenge mupumburu wacho zvinonzwika muimba yaJehovha. Izvi zvakaitirwei? Jehovha akati: “Zvichida veimba yaJudha vachateerera dambudziko rose randiri kufunga kuvaitira, kuti zvimwe mumwe nomumwe angatendeuka panzira yake yakaipa, uye kuti ndivakanganwire kukanganisa kwavo nechivi chavo.”—Jer. 25:1-3; 36:1-3.

15 Mumwe muchinda paakaverengera Jehoyakimu mupumburu wacho, mambo akaucheka akaupisa. Akabva arayira kuti Jeremiya naBharuki vaunzwe kwaari. “Asi Jehovha akaramba akavavanza.” (Verenga Jeremiya 36:21-26.) Pamusana pemaitiro aJehoyakimu akanga akaipisisa, Jehovha achishandisa muprofita wake akazivisa mambo wacho kuti ‘aizovigwa sezvinoitwa mbongoro hono.’ Aizo“zvuzvurudzwa uye achiraswa kunze, kuseri kwemagedhi eJerusarema.” (Jer. 22:13-19) Unofunga kuti uprofita uhwu hwakajeka kudaro hunganzi ndiJeremiya akangowedzeredza mashoko here?

16. Jeremiya akazivisa mashoko api akanaka?

16 Pasinei nokuti aifanira kuzivisa mashoko okutongwa, Jeremiya akanga asiri muprofita wezvakaipa. Akazivisawo mashoko etariro. Jehovha aizonunura vaIsraeri vakanga vasara kubva kuvavengi vavo ovadzorera kunyika yavo, kwavaizogara vakachengeteka. Mwari aizoita sungano “itsva” “inogara nokusingagumi” nevanhu vake, onyora mitemo yake mumwoyo yavo. Aizokanganwira kukanganisa kwavo orega kuyeuka zvivi zvavo. Uyezve, muzukuru waDhavhidhi aizo“ita kuti pave nokururamisira nokururama munyika.” (Jer. 31:7-9; 32:37-41; 33:15) Uprofita uhwu hwaizozadzika mumakumi uye mumazana emakore aizotevera, kunyange kumwe kuzadzika kune chokuita noupenyu hwedu kunogona kutipa tariro yeramangwana risingagumi. Asi kare munguva yakararama Jeremiya, vavengi veJudha vakaramba vachirwira kutonga nharaunda yacho.—Verenga Jeremiya 31:31, 33, 34; VaHebheru 8:7-9; 10:14-18.

KUMUKA KWEBHABHIRONI

17, 18. Zvii zvaibatanidza nyika dzakawanda zvakaitika pamakore okupedzisira okutonga kwaJehoyakimu uye kwaZedhekiya?

17 Muna 625 B.C.E., vaBhabhironi nevaIjipiti vakarwa hondo yakachinja zvinhu paKakemishi, pedyo neRwizi rwaYufratesi makiromita anenge 600 kuchamhembe kweJerusarema. Mambo Nebhukadhinezari akakunda mauto aFarao Neko, zvichigumisa simba reIjipiti munharaunda yacho. (Jer. 46:2) Nebhukadhinezari zvino akanga ava nesimba paJudha, uye Jehoyakimu akamanikidzwa kuva mushandi wake. Zvisinei, pashure pemakore matatu achitonga ari pasi paNebhukadhinezari, Jehoyakimu akamupandukira. (2 Madz. 24:1, 2) Nebhukadhinezari neuto rake vakabva vapinda munyika yeJudha muna 618 B.C.E. vakakomba Jerusarema. Chimboedza kufungidzira kuti yaiva nguva yakaoma sei, kunyange kumuprofita waMwari Jeremiya. Zvinoita sokuti Jehoyakimu akafa panguva yokukomba kwacho.b Mwanakomana wake Jehoyakini akakanda mapfumo pasi ndokuzvipa kuvaBhabhironi pashure pokugara pachigaro choumambo chaJudha kwemwedzi mitatu chete. Nebhukadhinezari akatora pfuma yeJerusarema uye akatapa Jehoyakini, mhuri dzamambo nedzevarume vaikudzwa veJudha, varume vakasimba venyika yacho uye mhizha dzayo. Pakati penhapwa dzacho paiva naDhanieri, Hananiya, Mishaeri, naAzariya.—2 Madz. 24:10-16; Dhan. 1:1-7.

18 Nebhukadhinezari akabva aita kuti Zedhekiya, mumwe wevanakomana vaJosiya, ave mambo weJudha. Ndiye aizova wokupedzisira pamadzimambo epasi edzinza raDhavhidhi. Kutonga kwake kwakaguma Jerusarema netemberi yaro pazvakaparadzwa muna 607 B.C.E. (2 Madz. 24:17) Zvisinei, mumakore 11 okutonga kwaZedhekiya, magariro evanhu uye zvematongerwo enyika zvakanga zvisina kugadzikana muJudha. Zviri pachena kuti Jeremiya aifanira kuvimba zvakazara neUya akanga amupa basa rokuprofita.

JEHOYAKIMU—MAMBO AKAURAYA MUPROFITA WAJEHOVHA

Mufananidzo uri papeji 25

Jehoyakimu aiva nemakore 25 paakatanga kutonga muJudha, uye akatonga kweanenge makore 11. Zvaakaita zvakanyorwa muchidimbu pana 2 Makoronike 36:5-8 panotaura kuti haana kungoita zvakaipa chete, asi “zvinosemesa.” Achirega kuteerera kunyevera kwaiita Jeremiya, Jehoyakimu akatonga asingaruramisiri, achitora zvinhu nechisimba uye achiponda. Muprofita Urija paakataura mashoko akafanana neaJeremiya, Jehoyakimu akaita kuti aurayiwe. Zvinoita sokuti mambo wacho akafa Jerusarema parakanga rakakombwa nevaBhabhironi.—Jer. 22:17-19; 26:20-23.

19. Vanhu vairarama panguva yaJeremiya vakaitei nemashoko ake, uye nei uchifanira kuda kuziva nezvazvo?

19 Chimbofungidzira uriwe Jeremiya. Kubvira panguva yaJosiya, Jeremiya akanga aona kusagadzikana mune zvematongerwo enyika uye kudzikira mune zvokunamata kwevanhu vaMwari. Zvisinei, aiziva kuti zvinhu zvaizowedzera kuipa. Vanhu vomuguta raaigara vakamuudza kuti: “Usaprofita uchishandisa zita raJehovha, kuti urege kufira mumaoko edu.” (Jer. 11:21) Kunyange zvakanga zvaprofitwa naJeremiya pazvakaitika, vaJudha vakati: “Kana riri shoko rawatiudza uchishandisa zita raJehovha, hatisi kuzokuteerera.” (Jer. 44:16) Asi upenyu hwevanhu hwakanga huri mungozi, sezvazvakangoita mazuva ano. Mashoko aunozivisa anobva kuna Jehovha, sezvakanga zvakangoita aJeremiya. Saka, unogona kusimbisa kushingairira kwaunoita ushumiri nokuongorora kudzivirira kwakaita Jehovha muprofita wake kusvika panguva yakaparadzwa Jerusarema.

Tingadzidzei pamaitiro aJeremiya panguva yokutonga kwaJehoyakimu? Jeremiya akazivisa uprofita hupi hunokosha hunosvika kunguva yatiri kurarama?

MAZUVA OKUPEDZISIRA EDZINZA ROUMAMBO

20. Nei nguva yokutonga kwaZedhekiya yakanga yakaomera Jeremiya zvikuru? (Ona bhokisi riri papeji 29.)

20 Zvimwe makore akanga akaoma zvikuru ebasa raJeremiya rouprofita aiva panguva yokutonga kwaZedhekiya. Kungofanana nevakawanda vakanga vamutangira, Zedhekiya “akaramba achiita zvakaipa pamberi paJehovha.” (Jer. 52:1, 2) Aiva pasi pevaBhabhironi, uye Nebhukadhinezari akamuita kuti aite mhiko muzita raJehovha iyo yaimusungira kuti azviise pasi pamambo weBhabhironi. Pasinei neizvozvo, Zedhekiya akazopandukira. Panguva iyoyo, vavengi vaJeremiya vakamumanikidza kuti atsigire kupandukira kwacho.—2 Mak. 36:13; Ezek. 17:12, 13.

21-23. (a) MuJudha maiva nemapoka api aipikisana panguva yokutonga kwaZedhekiya? (b) Jeremiya akabatwa sei pamusana pezvaaitsigira, uye nei uchifanira kuziva zvakawanda nezvazvo?

21 Zviri pachena kuti pakutanga kwokutonga kwaZedhekiya, nhume dzakasvika kuJerusarema dzichibva kumadzimambo eEdhomu, Moabhi, Amoni, Tire uye Sidhoni. Zvimwe chinangwa chavo chaiva chokuti Zedhekiya abatane navo pakurwisana naNebhukadhinezari. Zvisinei, Jeremiya akakurudzira Zedhekiya kuti azviise pasi peBhabhironi. Jeremiya akabva apa nhume dzacho majoko kuti aratidze kuti nyika dzavowo dzaifanira kushumira Bhabhironi. (Jer. 27:1-3, 14)c Vanhu havana kufarira zvakaitwa naJeremiya, uye Hananiya akatoita kuti zviomere Jeremiya kuti azivise mashoko ake. Hananiya aiva muprofita wenhema aizivisa pachena muzita raMwari kuti joko reBhabhironi raizotyorwa. Zvisinei, mashoko aJehovha achishandisa Jeremiya aiva okuti, gore risati rapera, munyengeri Hananiya aizofa. Izvozvo ndizvo zvakaitika.—Jer. 28:1-3, 16, 17.

22 Judha yakanga zvino yava nemapoka maviri aipikisana—vaya vaitsigira kuzviisa pasi peBhabhironi nevaya vaikurudzira kupandukira. Muna 609 B.C.E., Zedhekiya akapandukira nokutsvaka kubatsirwa neuto reIjipiti. Zvino Jeremiya aifanira kurwisana nokusagadzikana kwevaya vaitsigira kupandukira. (Jer. 52:3; Ezek. 17:15) Nebhukadhinezari nemauto ake vakadzokera kuJudha kuti vanomisa kupandukira kwacho, vakakunda maguta ose eJudha ndokukombazve Jerusarema. Mashoko aJeremiya kuna Zedhekiya nevanhu vaaitonga panguva yakanga yakaoma kudaro aiva okuti Jerusarema raizokundwa nevaBhabhironi. Vaya vakaramba vari muguta racho vaizofa. Vaya vakaenda kuvaKadheya vaizopona.—Verenga Jeremiya 21:8-10; 52:4.

23 Machinda eJudha akataura kuti Jeremiya aiva mutengesi aitsigira vaBhabhironi. Jeremiya paakataura chokwadi, machinda eJudha akamurova ndokumuisa muimba yezvisungo zvomumakumbo. (Jer. 37:13-15) Kunyange zvakadaro, Jeremiya akanga asiri kuzodira mvura pamashoko aJehovha. Saka machinda acho akakurudzira Zedhekiya kuti auraye Jeremiya. Vakaisa muprofita wacho mumugodhi wakanga usina mvura maangadai akafira mumatope. Asi Ebhedhi-mereki, muItiopiya aishumira mumba mamambo akanunura Jeremiya. (Jer. 38:4-13) Mazuva ano vanhu vaJehovha vanotambudzwa kakawanda pamusana pokuti hana dzavo dzinovarambidza kubatanidzwa mumagakava ezvematongerwo enyika. Zviri pachena kuti zvakaitika kuna Jeremiya zvinogona kukusimbisa kuti utarisane nemiedzo ndokuikurira.

ZEDHEKIYA—MAMBO WOKUPEDZISIRA WEPASI PAMADZIMAMBO AJUDHA

Mufananidzo uri papeji 29

Zedhekiya aiva mbwende yomutongi, aingotevedzera zvaidiwa nemachinda ake uye aingoita maererano nokutya kwake. Pakakombwa Jerusarema kokupedzisira nevaBhabhironi, Zedhekiya akatsvaka kutungamirirwa naMwari achishandisa Jeremiya. Asi mambo wacho akatadza kutevedzera mashoko acho paakaudzwa kuti akande mapfumo pasi. Zedhekiya akavharira Jeremiya nokuti akanga asingafariri mashoko ake. (Jer. 21:1-9; 32:1-5) Kunyange zvakadaro, mambo wacho akaramba achibvunza Jeremiya asi achizviita muchivande kuitira kuti asagumbura machinda eJudha. Pavakatsvaka kuuraya Jeremiya, Zedhekiya akataura achitya kuti: “Iye ari mumaoko enyu. Nokuti mambo haangakudzivisii kuita chero chinhu chipi zvacho.” Pashure pokunge Jeremiya asunungurwa kubva pane vaida kumuuraya, mambo akamubvunza zvakare uye akabvuma kuti aitya kuti kana aizoteerera Mwari, vanhu vaizomuitira zvakaipa.—Jer. 37:15-17; 38:4, 5, 14-19, 24-26.

Zvisinei, Zedhekiya ‘haana kuzvininipisa pamberi paJeremiya, uye akaramba achiomesa mutsipa wake nokuomesa mwoyo wake kuti arege kudzokera kuna Jehovha.’—2 Mak. 36:12, 13; Ezek. 21:25.

24. Tsanangura zvakaitika muna 607 B.C.E.

24 Muna 607 B.C.E., vaBhabhironi vakazopaza masvingo eJerusarema uye guta racho rakawa. Mauto aNebhukadhinezari akapisa temberi yaJehovha, akaparadza masvingo eguta racho, uye akauraya varume vaikudzwa veJudha. Zedhekiya akaedza kutiza, asi akangobatwa ndokuendeswa kune akanga amukunda. Vanakomana vaZedhekiya vakaurayiwa akatarisa, uye Nebhukadhinezari akabva aita kuti aitwe bofu, asungwe uye aendeswe kuBhabhironi. (Jer. 39:1-7) Mashoko aJeremiya nezveJudha neJerusarema akazadzika zvechokwadi. Pane kuti afare, muprofita waMwari akachema pamusana pedambudziko rakanga rawira vanhu vake. Tinogona kuverenga manzwiro ake mubhuku romuBhaibheri reMariro. Tinofanira kunyatsosvikwa pamwoyo sezvatinoverenga bhuku racho.

BASA RAAKAITA PAKATI PEVAJUDHA VAKANGA VASARA

25, 26. (a) Zvii zvakaitika pashure pokuwa kweJerusarema? (b) Vanhu vomunguva yaJeremiya vakaitei pavakanzwa mashoko ake pashure pokuwa kweJerusarema?

25 Chii chaiitika kuna Jeremiya paiitika zvose izvi? Machinda eJerusarema akanga amusunga, asi vaBhabhironi vakanga vakunda vakamuitira mutsa nokumusunungura. Pave paya, Jeremiya akazosangana nevaJudha vakanga vatapwa, asi akasunungurwa. Kwakanga kuchine zvakawanda zvokuti aite pakushumira Mwari; aiva nebasa rokuita pakati pevakanga vapona. Nebhukadhinezari akagadza Gedhariya kuti ave gavhuna wenyika yacho yakanga yakundwa, achivimbisa vaJudha vakanga vasara kuti vaizova norugare kana vaizoshumira mambo weBhabhironi. Zvisinei, vamwe vaJudha vaipandukira vakauraya Gedhariya. (Jer. 39:13, 14; 40:1-7; 41:2) Jeremiya akakurudzira vaJudha vakanga vasara kuti varambe vachigara munyika yacho uye kuti vasatya mambo weBhabhironi. Zvisinei, vatungamiriri vavo vakati Jeremiya aiva murevi wenhema uye vakatizira kuIjipiti, vakatorawo Jeremiya naBharuki zvechisimba ndokuenda navo. Asi Jeremiya akaprofita kuti Nebhukadhinezari aizopinda nechisimba okurira nyika iyoyo uye ounza dambudziko pavapoteri ivavo vechiJudha.—Jer. 42:9-11; 43:1-11; 44:11-13.

26 Vanhu vokunyika yaJeremiya havanazve kuteerera muprofita wechokwadi waMwari. Nei? Vakati, “Kubvira panguva yatakarega kukwidzira ‘mambokadzi wokumatenga’ utsi hwezvibayiro nokumudururira zvinopiwa zvinonwiwa takashayiwa zvinhu zvose, uye tapera nebakatwa uye nenzara.” (Jer. 44:16, 18) Chokwadi izvi zvinoratidza kuti vanhu vomunguva yaJeremiya vaisiririsa zvikuru mune zvokunamata! Ukuwo, izvi zvinofanira kutikurudzira kuziva kuti munhu asina kukwana anogona kuramba akatendeka kuna Jehovha pasinei nokuti vanhu vaanorarama navo havana kutenda!

27. Chii chatinoziva nezvemakore okupedzisira ebasa raJeremiya rouprofita?

27 Chiitiko chokupedzisira chakanyorwa naJeremiya—kusunungurwa kwaJehoyakini mujeri nomutsivi waNebhukadhinezari, Evhiri-merodhaki, chinonzi chakaitika muna 580 B.C.E. (Jer. 52:31-34) Panguva iyoyo, Jeremiya anofanira kunge aiva nemakore anenge 90. Hatina mashoko akavimbika anotaura nezvokufa kwake. Zvinoita sokuti akararama makore ake okupedzisira ari muIjipiti uye akafira ikoko akatendeka pashure pemakore anenge 67 achishumira Jehovha. Akashumira mumakore apo kunamata kwechokwadi kwaitsigirwa uyewo mumakore akawanda apo kunamata kwakatsauka kwakanga kwakazara. Akawanawo vaimupa nzeve pakati pevanhu vaitya Mwari. Zvisinei, vakawanda vacho vakaramba mashoko ake, vachitomuitira utsinye. Izvozvo zvakaita kuti Jeremiya akundikane here? Kwete! Kubvira pakutanga chaipo, Jehovha akanga amuudza kuti: “Vacharwa newe, asi havazokukundi, nokuti ‘Ini ndinewe.’” (Jer. 1:19) Basa redu seZvapupu zvaJehovha mazuva ano rakafanana neraJeremiya. Saka tinogona kutarisira kuti vanhu vatiitirewo zvakafanana. (Verenga Mateu 10:16-22.) Naizvozvo, tingadzidzei kuna Jeremiya, uye tinofanira kuita sei ushumiri hwedu? Ngatikurukurei mibvunzo iyi.

Chii chakaitika kuna Zedhekiya nevanhu vake vakaramba mashoko aJeremiya? Unotii nezvaJeremiya?

a Kufanana kuripo pana Jeremiya 7:1-15 na26:1-6 kwakaita kuti vamwe vagumise kuti ndima dzacho dzose dzinotaura nezvechiitiko chimwe chete.

b Dhanieri 1:1, 2 inotaura kuti Jehoyakimu akaiswa mumaoko aNebhukadhinezari. Izvi zvinoita sokuti raiva gore rechitatu rokutonga kwaJehoyakimu ari pasi paNebhukadhinezari. Izvi zvingareva kuti mambo wacho akafa panguva yokukomba kwacho, kwakazobudirira pakupedzisira. Bhaibheri harina parinombotsigira zvakataurwa naJosephus kuti Nebhukadhinezari akauraya Jehoyakimu ndokuita kuti mutumbi wake ukandwe kunze kwemasvingo eJerusarema ukasavigwa.—Jer. 22:18, 19; 36:30.

c Jeremiya 27:1 painotaura nezvaJehoyakimu kunenge kukanganisa kwakaitwa nomunyori nokuti ndima 3 12 dzinotaura nezvaZedhekiya.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe