CHIKAMU 11
Jehovha Anotinzwa Here?
Mwari anonzwa minyengetero yedu. 1 Petro 3:12
Jehovha “Munzwi wemunyengetero.” (Pisarema 65:2) Anoda kuti titaure naye zvichibva pamwoyo.
Nyengetera kuna Jehovha chete, kwete kune vamwe vanhu.
Tinogona kunyengeterera zvinhu zvakawanda. 1 Johani 5:14
Nyengetera kuti kuda kwaMwari kuitwe kudenga nepanyika.
Nyengetera muzita raJesu kuti uratidze kuti unokoshesa zvaakakuitira.
Kumbira Jehovha kuti akubatsire kuita zvakanaka. Unogona kunyengetererawo zvekudya, basa, pekugara, zvekupfeka kana utano hwako.