RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • jl chidzidzo 15
  • Vakuru Vanobatsira Sei Ungano?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Vakuru Vanobatsira Sei Ungano?
  • Ndivanaani Vari Kuita Kuda kwaJehovha Mazuva Ano?
  • Mashoko Akafanana
  • Marongerwo Akaitwa Ungano
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
  • “Fudzai Boka raMwari Ramunotarisira”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • “Mukudze Vakadai”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • Remekedzai “Vaya Vari Kushanda Nesimba Pakati Penyu”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
Ona Zvimwe
Ndivanaani Vari Kuita Kuda kwaJehovha Mazuva Ano?
jl chidzidzo 15

CHIDZIDZO 15

Vakuru Vanobatsira Sei Ungano?

[Mufananidzo uri papeji 18]

Finland

[Mufananidzo uri papeji 18]

Kudzidzisa

[Mufananidzo uri papeji 18]

Kufudza

[Mufananidzo uri papeji 18]

Kuparidza

Sangano redu harina vafundisi uye vakuru vanoshumiramo havabhadharwi. Asi pachitevedzerwa zvaiitwa pakatangwa ungano yechiKristu, vatariri varimo vanogadzwa pashure pekunge vaonekwa kuti vanokodzera basa racho, kuti ‘vafudze ungano yaMwari.’ (Mabasa 20:28) Vakuru ava varume vakasimba pakunamata uye vanotungamirira ungano vachiifudza, ‘vasingaiti zvekumanikidzwa asi zvichibva pamwoyo sezvinodiwa naMwari; vasingazviiti nekuda pfuma, asi nemwoyo wese.’ (1 Petro 5:1-3) Ibasa ripi ravanoita kuti vatibatsire?

Vanotichengetedza uye vanotidzivirira. Vakuru vanotungamirira ungano vachiichengetedza pane zvekunamata. Vanoziva kuti Mwari ndiye akavapa basa iroro rinokosha, saka havadzvinyiriri vanhu vake, asi vanotibatsira kuti tifare uye kuti zvinhu zvitifambire zvakanaka. (2 VaKorinde 1:24) Sezvinongoita mufudzi anonyatsochengeta gwai rimwe nerimwe raanenge ainaro, vakuru vanoedza kunyatsoziva munhu mumwe nemumwe ari muungano.—Zvirevo 27:23.

Vanotidzidzisa kuita kuda kwaMwari. Vhiki rimwe nerimwe, vakuru vanotungamirira pakudzidzisa pamisangano kuti vasimbise kutenda kwedu. (Mabasa 15:32) Varume ava vanotungamirirawo pabasa rekuparidza. Vanoshanda nesu vachitidzidzisa nzira dzese dzekuita ushumiri.

Vanokurudzira munhu mumwe nemumwe ari muungano. Kuti vatibatsire semunhu mumwe nemumwe pakunamata, vakuru vanogona kutishanyira kumba kwedu, kana kukurukura nesu paImba yeUmambo vachitibatsira nekutinyaradza vachishandisa Magwaro.—Jakobho 5:14, 15.

Vakuru vanewo mamwe mabasa avanoita asiri emuungano. Vazhinji vavo vanoenda kumabasa uye vane mhuri dzavanofanira kuchengeta uye zvese izvi zvinoda nguva nesimba. Hama idzi dzinoshanda nesimba, saka tinofanira kudziremekedza.—1 VaTesaronika 5:12, 13.

  • Chii chinoitwa nevakuru muungano?

  • Vakuru vanoratidza sei kuti vane hanya nemunhu mumwe nemumwe?

DZIDZA ZVIMWE

Chii chinoita kuti munhu akodzere kuva mukuru kana mushumiri weungano? Unogona kuverenga zvinoita kuti munhu akodzere mabasa aya zvinotaurwa muMagwaro pana 1 Timoti 3:1-10, 12, uye pana Tito 1:5-9.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe