RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • jl chidzidzo 20
  • Dare Rinotungamirira Rinoshanda Sei?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Dare Rinotungamirira Rinoshanda Sei?
  • Ndivanaani Vari Kuita Kuda kwaJehovha Mazuva Ano?
  • Mashoko Akafanana
  • Ndiani Ari Kutungamirira Vanhu vaMwari Mazuva Ano?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2017
  • Kubatira Pamwe noMutumbi Unodzora Nhasi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • “Muranda Akatendeka, Akangwara” Anoita Basa Rei?
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
  • “Tabvumirana Tese”
    Kupa “Uchapupu Hwakasimba nezveUmambo hwaMwari”
Ona Zvimwe
Ndivanaani Vari Kuita Kuda kwaJehovha Mazuva Ano?
jl chidzidzo 20

CHIDZIDZO 20

Dare Rinotungamirira Rinoshanda Sei?

[Mufananidzo uri papeji 23]

Dare rinotungamirira repanguva yevaKristu vepakutanga

[Mufananidzo uri papeji 23]

Kuverenga tsamba yakabva kudare rinotungamirira

Panguva yevaKristu vepakutanga, boka diki ‘revaapostora nevakuru vemuJerusarema’ ndiro raiva dare rinotungamirira raiita zvisarudzo zvinokosha zvaitevedzerwa nevamwe vaKristu vese vakazodzwa. (Mabasa 15:2) Pavaiita zvisarudzo vaibvumirana nekuti vaitanga vakurukura zvinotaurwa neMagwaro, vachibvuma kutungamirirwa nemweya waMwari. (Mabasa 15:25) Ndizvowo zviri kuitwa mazuva ano.

Riri kushandiswa naMwari pakuita kuda kwake. Hama dzakazodzwa dziri muDare Rinotungamirira dzinoda Shoko raMwari chaizvo uye dzine ruzivo rwakawanda panyaya dzeupenyu nepanyaya dzekunamata. Dzinoungana vhiki rega rega kuti dzikurukure nyaya dzine chekuita nesangano rese reZvapupu zvaJehovha. Sezvaingoitwa kare, ungano dziri kupiwa mirayiridzo yemuBhaibheri pachishandiswa tsamba kana kuti vatariri vematunhu nevamwewo vanotumwa nesangano. Izvi zvinoita kuti tibatane pamafungiro edu uye pane zvatinoita. (Mabasa 16:4, 5) Dare Rinotungamirira rinoona nezvekugadzirwa kwezvekudya zvekunamata, rinokurudzira munhu wese kuti aise basa rekuparidza Umambo pekutanga muupenyu, uye rinotungamirira panyaya dzekupa hama mabasa musangano.

Rinobvuma kutungamirirwa nemweya waMwari. Dare Rinotungamirira rinobvuma kutungamirirwa naChangamire wezvinhu zvese, Jehovha, uye neMusoro weungano, Jesu. (1 VaKorinde 11:3; VaEfeso 5:23) Vari mudare iri havazvioni sevatungamiriri vevanhu vaMwari. Ivo pamwe chete nevaKristu vese vakazodzwa “vanoramba vachitevera Gwayana pasinei nekwarinoenda.” (Zvakazarurwa 14:4) Dare Rinotungamirira rinokoshesa chaizvo kurinyengeterera kwatinoita.

  • Ndivanaani vaiva mudare rinotungamirira panguva yevaKristu vepakutanga?

  • Dare Rinotungamirira rinoratidza sei kuti rinoda kutungamirirwa naMwari?

DZIDZA ZVIMWE

Verenga Mabasa 15:1-35 uone kuti dare rinotungamirira repanguva yevaKristu vepakutanga rakakurukura rikagadzirisa sei nyaya yainetsa, richishandisa Magwaro uye richitungamirirwa nemweya mutsvene.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe