RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • jl chidzidzo 22
  • Pahofisi Yebazi Panoitwei?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Pahofisi Yebazi Panoitwei?
  • Ndivanaani Vari Kuita Kuda kwaJehovha Mazuva Ano?
  • Mashoko Akafanana
  • Tsamba yeBazi
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2006
  • Rokutanga Makore Zana Apfuura
    Mukai!—2001
  • Kubatira Pamwe noMutumbi Unodzora Nhasi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Kurongwa Kwakaitwa Dare Rinodzora
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
Ona Zvimwe
Ndivanaani Vari Kuita Kuda kwaJehovha Mazuva Ano?
jl chidzidzo 22

CHIDZIDZO 22

Pahofisi Yebazi Panoitwei?

[Mufananidzo uri papeji 25]

Solomon Islands

[Mufananidzo uri papeji 25]

Canada

[Mufananidzo uri papeji 25]

South Africa

Vari mumhuri yeBheteri vanoshanda mumadhipatimendi akasiyana-siyana, vachitsigira basa rekuparidza munyika imwe chete kana kuti dzakawanda. Vamwe vanoita basa rekushandura, kuprinda magazini nemabhuku, kurongedza zvinyorwa, kurekodha zvekuteerera nemavhidhiyo, nemamwewo mabasa.

Dare Rebazi ndiro rinotungamirira basa racho. Dare Rinotungamirira rinogadza vakuru vatatu kana kupfuura, vanonyatsokodzera, kuti vave muDare Rebazi iro rinotungamirira pabazi. Dare Rebazi rinogara richizivisa Dare Rinotungamirira mafambiro ari kuita basa kana matambudziko anenge amuka munharaunda yarakapiwa. Mashoko avanotumira ndiwo anobatsira Dare Rinotungamirira pakusarudza nyaya dzinofanira kunyorwa mumabhuku edu uye dzekudzidza pamisangano nepamagungano. Dare Rinotungamirira rinogara richitumirawo vamiririri varo kumapazi kuti vanobatsira Matare Emapazi kuti aite basa rawo zvakanaka. (Zvirevo 11:14) Panorongwawo musangano unokosha unosanganisira hurukuro inopiwa nemumiririri wemahofisi edu makuru yekukurudzira vanogara munharaunda yebazi racho.

Bazi rinotsigira ungano. Hama dzakasarudzwa dziri pabazi dzinopa mvumo yekuti pave neungano itsva. Panewo dzimwe hama dzinoona nezvebasa remapiyona, mamishinari, nevatariri vematunhu munharaunda yebazi racho. Vanoronga magungano edunhu neemunharaunda, vanotungamirira basa rekuvaka Dzimba dzeUmambo, uye vanoronga kuti mabhuku anenge achidiwa aendeswe kuungano dzakasiyana-siyana. Zvese zvinoitwa pabazi zvinobatsira kuti basa rekuparidza riitwe zvakarongeka.—1 VaKorinde 14:33, 40.

  • Matare Emapazi anobatsira sei Dare Rinotungamirira?

  • Mabasa api anoitwa pahofisi yebazi?

DZIDZA ZVIMWE

Vaenzi vanobvumirwa kutenderera vachiratidzwa mahofisi edu kubva musi weMuvhuro kusvika Chishanu. Tinokukoka kuti uuyewo. Paunouya, pfeka sezvaunoita paunoenda kumisangano. Kana ukauya kuzoona Bheteri kutenda kwako kuchasimbiswa.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe