RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • fg chidzidzo 5 mibv. 1-5
  • Mwari Akasikirei Nyika?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mwari Akasikirei Nyika?
  • Mashoko Akanaka Anobva Kuna Mwari!
  • Mashoko Akafanana
  • Chinangwa chaMwari Nokuda Kwenyika Ndechei?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Ndechipi Chiri Chinangwa chaMwari Nokuda Kwapasi?
    Mwari Anodei Kwatiri?
  • Paradhiso inotaurwa muBhaibheri iri kupi?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • “Toonana muParadhiso!”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2018
Ona Zvimwe
Mashoko Akanaka Anobva Kuna Mwari!
fg chidzidzo 5 mibv. 1-5

CHIDZIDZO 5

Mwari Akasikirei Nyika?

1. Nei Mwari akasika nyika?

Adhamu naEvha vari mumunda weEdheni uye vanozodzingwa muEdheni

Mwari akapa vanhu nyika. Ndiyo musha wedu. Saka vanhu vaviri vekutanga Adhamu naEvha havana kusikirwa kuti vagare kudenga. Mwari akazovasika atosika ngirozi kuti dzigare kudenga. (Jobho 38:4, 7) Mwari paakasika munhu wekutanga akamugarisa muparadhiso yakanaka chaizvo yainzi munda weEdheni. (Genesisi 2:15-17) Jehovha aida kuti Adhamu nevana vaaizobereka vararame nekusingaperi panyika vachifara.​—Verenga Pisarema 37:29; 115:16.

Panyika pese, munda weEdheni chete ndiwo waiva paradhiso. Vanhu vaviri vekutanga vaifanira kubereka vana, vozadza nyika. Nekufamba kwenguva, vaifanira kuita kuti nyika yese ive paradhiso. (Genesisi 1:28) Nyika haizombofi yakaparadzwa. Icharamba iri musha wevanhu nekusingaperi.​—Verenga Pisarema 104:5.

Ona vhidhiyo inonzi Mwari Akasikirei Nyika?

2. Nei nyika isiri paradhiso?

Adhamu naEvha havana kuteerera Mwari saka Jehovha akavabudisa mumunda weEdheni. Saka vanhu vakabviswa muparadhiso uye hapana akazokwanisa kuita kuti nyika ive paradhiso. Bhaibheri rinoti: “Nyika yakaiswa mumaoko evakaipa.”​—Jobho 9:24.​—Verenga Genesisi 3:23, 24.

Vanhu vachivaka dzimba muparadhiso panyika

Saka zvinoreva here kuti Jehovha akachinja chinangwa chake chaakasikira vanhu? Aiwa! NdiMwari Wemasimbaose. Hapana chaanotadza kuita. (Isaya 45:18) Achaita kuti vanhu vararame sezvaaida pakutanga.​—Verenga Pisarema 37:11, 34.

3. Nyika ichava sei Paradhiso?

Nyika ichava paradhiso Jesu paachange achitonga saMambo akagadzwa naMwari. Jesu achaparadza vese vasingadi kuteerera Mwari achibatsirwa nengirozi. Achaita izvi muhondo inonzi Amagedhoni. Jesu achabva aisa Satani muusungwa kwemakore 1 000. Vanhu vaMwari vachapona nekuti Jesu achange achivatungamirira uye achivachengetedza. Vachararama nekusingaperi muParadhiso pasi pano vachifara.​—Verenga Zvakazarurwa 20:1-3; 21:3, 4.

4. Kutambura kuchapera riini?

Mwari achabvisa riini zvakaipa zvese panyika? Jesu akazivisa “chiratidzo” chaizobatsira vanhu kuti vazive kuti mugumo wava pedyo. Zvinhu zviri kuitika panyika izvo zvinogona kuita kuti vanhu vaparare, zvinoratidza kuti “nyika yava kumagumo kwayo.”​—Verenga Mateu 24:3, 7-14, 21, 22.

Jesu paanenge achitonga nyika kwemakore 1 000 ari kudenga, achaita kuti kutambura kwese kupere. (Isaya 9:6, 7; 11:9) Panguva yaanenge achitonga, Jesu achange ariwo Mupristi Mukuru uye achaita kuti vanhu vanoda Mwari varegererwe zvivi zvavo. Saka Mwari achaita kuti zvirwere, nekuchembera nerufu zvipere achishandisa Jesu.​—Verenga Isaya 25:8; 33:24.

5. Ndivanaani vachagara muParadhiso?

Vanhu vari kudzidza paImba yeUmambo

PaImba yeUmambo uchaona vanhu vanoda Mwari uye vanoda kudzidza kuti vangaita sei kuti vamufadze

Vanhu vanoteerera Mwari ndivo vachagara muParadhiso. (1 Johani 2:17) Jesu akaudza vateveri vake kuti vaende kunotsvaga vanhu vanyoro vovadzidzisa zvavanofanira kuita kuti vafarirwe naMwari. Iye zvino Jehovha ari kubatsira mamiriyoni evanhu kuti agadzirire kuzorarama muParadhiso panyika. (Zefaniya 2:3) PaDzimba dzeUmambo dzeZvapupu zvaJehovha, vanhu vanodzidziswa kuti vave varume uye vanababa vakanaka uye vakadzi vanodzidziswa kuti vave madzimai navanaamai vakanaka. Vabereki nevana vanonamata pamwe chete vachidzidziswa kuti vangabatsirwa sei nemashoko akanaka.​—Verenga Mika 4:1-4.

Kuti uwane mamwe mashoko, ona chitsauko 3 chebhuku rinonzi Bhaibheri Rinotidzidzisei?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe