RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • yc chidzidzo 2 pp. 6-7
  • Ribheka Aida Kufadza Jehovha

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ribheka Aida Kufadza Jehovha
  • Dzidzisai Vana Venyu
  • Mashoko Akafanana
  • Ribheka Aida Kufadza Jehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • “Ndinoda Kuenda”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2016
  • Kuwanira Isaka Mudzimai
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Rebheka—Mukadzi Aibishaira Aitya Mwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2004
Ona Zvimwe
Dzidzisai Vana Venyu
yc chidzidzo 2 pp. 6-7
Eriyezeri, Ribheka, vashandi, nengamera gumi, vachienda kuKenani

CHIDZIDZO 2

Ribheka Aida Kufadza Jehovha

Ribheka aiva mukadzi aida Jehovha. Murume wake ainzi Isaka. Aidawo Jehovha. Ribheka akaonana sei naIsaka? Ribheka akaratidza sei kuti aida kufadza Jehovha? Ngatidzidzei zvakawanda nezvake.

Vabereki vaIsaka vainzi Abrahamu naSara. Vaigara munyika yeKenani, maiva nevanhu vainge vasinganamati Jehovha. Asi Abrahamu aida kuti mwanakomana wake aroore mukadzi ainamata Jehovha. Saka akatuma mushandi wake, zvichida Eriyezeri, kuti atsvagire Isaka mudzimai munzvimbo yainzi Harani, maigara dzimwe hama dzaAbrahamu.

Ribheka aida kushanda nesimba kuti acherere ngamera mvura

Ribheka achidirira ngamera dzaEriyezeri mvura yokunwa

Eriyezeri akaenda nevamwe vashandi vaAbrahamu. Rwaiva rwendo rwakareba zvikuru. Vakaenda nengamera 10 dzainge dzakatakura zvokudya nezvipo. Eriyezeri aizoziva sei mukadzi wokusarudzira Isaka? Eriyezeri nevamwe vashandi pavakasvika muHarani, vakamira patsime nokuti Eriyezeri aiziva kuti nokukurumidza vanhu vaizouya kuzochera mvura. Akanyengetera kuna Jehovha kuti: ‘Kana ndikakumbira musikana kuti andipe mvura ondipa uye opawo ngamera dzangu, ndichaziva kuti uyu ndiye mukadzi wamasarudza.’

Musikana ainzi Ribheka akabva auya kutsime racho. Bhaibheri rinoti akanga akanaka chaizvo. Eriyezeri akamukumbira mvura yokunwa uye Ribheka akati: ‘Zvinoita. Ndichakupai mvura yacho uye ndichachererawo ngamera dzenyu.’ Chimbozvifunga! Ngamera dzine nyota dzinonwa mvura yakawanda, saka Ribheka aifanira kuramba achimhanya kutsime. Uri kuona here pamufananidzo kushanda nesimba kwaari kuita?— Eriyezeri akashamiswa nokupindurwa kwakaitwa munyengetero wake naJehovha.

Eriyezeri akapa Ribheka zvipo zvakanaka zvakawanda. Ribheka akakoka Eriyezeri nevamwe vashandi vaaiva navo kumba kwavo. Eriyezeri akatsanangura kuti nei Abrahamu ainge amutuma ikoko uye kuti Jehovha ainge apindura sei munyengetero wake. Hama dzaRibheka dzakabvuma kuti aroorwe naIsaka.

Ribheka akaenda kuKenani naEriyezeri akava mudzimai waIsaka

Asi unofunga kuti Ribheka aida here kuroorwa naIsaka?— Ribheka aiziva kuti Jehovha ainge atuma Eriyezeri ikoko. Saka hama dzaRibheka padzakamubvunza kuti aida here kuenda kuKenani onova mudzimai waIsaka, akati: ‘Hongu, ndinoda kuenda.’ Pakarepo akabva aenda naEriyezeri. Pavakasvika muKenani, akava mudzimai waIsaka.

Nokuti Ribheka akaita zvaidiwa naJehovha kuti aite, Jehovha akamukomborera. Papera makore akawanda, Jesu akaberekwa mumhuri yaRibheka! Kana ukaita saRibheka wofadza Jehovha, achakukomborerawo.

VERENGA MUBHAIBHERI RAKO

  • Genesisi 12:4, 5; 24:1-58, 67

MIBVUNZO:

  • Ribheka aiva ani?

  • Nei Abrahamu aisada kuti Isaka aroore mukadzi wemuKenani?

  • Eriyezeri akaziva sei kuti Ribheka ndiye mukadzi aifanira kuroorwa naIsaka?

  • Tingaitei kuti tiite saRibheka?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe