RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • yc chidzidzo 14 pp. 30-31
  • Umambo hwaMwari Huchatonga Nyika

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Umambo hwaMwari Huchatonga Nyika
  • Dzidzisai Vana Venyu
  • Mashoko Akafanana
  • Shamwari dzaMwari Dzichagara muParadhiso
    Unogona Kuva Shamwari yaMwari!
  • Ndechipi Chiri Chinangwa chaMwari Nokuda Kwapasi?
    Mwari Anodei Kwatiri?
  • Ndivanaani Vachamutswa? Vachagara Kupi?
    Dzidza Kumudzidzisi Mukuru
  • Umambo Huchachinja Pasi Rose
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
Ona Zvimwe
Dzidzisai Vana Venyu
yc chidzidzo 14 pp. 30-31
Jesu Kristu achitonga saMambo nyika painenge yava Paradhiso

CHIDZIDZO 14

Pane Umambo Huchatonga Nyika Yose

Unofunga kuti Umambo hupi hwatiri kutaura nezvahwo?— Umambo hwaMwari uye ndihwo huchaita kuti nyika ive paradhiso. Ungada here kudzidza zvakawanda nezveUmambo uhwu?—

Umambo hwose huna mambo. Uye mambo wacho anotonga vanhu vomunyika yake. Unoziva here kuti Mambo weUmambo hwaMwari ndiani?— NdiJesu Kristu. Anogara kudenga. Nokukurumidza achange ava Mambo wemunhu wose ari panyika! Unofunga kuti tichafara here Jesu paanenge ava Mambo wenyika yose?—

Unoda kuzoitei muParadhiso?

Tichafara zvikuru! MuParadhiso, vanhu havazorwi kana kuenda kuhondo zvakare. Vanhu vose vachadanana. Hapana munhu achazorwara kana kufa. Mapofu achaona, matsi dzichanzwa, uye vanhu vasingagoni kufamba vachakwanisa kumhanya uye kusvetuka. Munhu wose achava nezvokudya zvakawanda. Uye mhuka dzichange dzava kuwirirana uye dzichava neushamwari nesu. Vanhu vakafa vachamutswa. Varume nevakadzi vakawanda vawakadzidza nezvavo mubhurocha rino vakadai saRibheka, Rakabhi, Dhavhidhi naEriya vachamutswawo! Unoda here kuzoonana nevanhu ivavo pavanenge vamutswa?—

Jehovha anokuda uye anoda kuti ufare. Kana ukaramba uchidzidza nezvaJehovha uye uchimuteerera, uchakwanisa kurarama nokusingaperi muparadhiso yakanaka kwazvo! Ndizvo zvaunoda here?—

VERENGA MUBHAIBHERI RAKO

  • Isaya 2:4; 11:6-9; 25:8; 33:24; 35:5, 6

  • Johani 5:28, 29; 17:3

MIBVUNZO:

  • Ndiani Mambo weUmambo hwaMwari?

  • Jesu achava Mambo wavanaani?

  • Zvinhu zvichange zvakaita sei Jesu paanenge ava kutonga nyika?

  • Kana uchida kurarama nokusingaperi muParadhiso, unofanira kuitei?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe