RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • jy chits. 5 p. 18-p. 19 ndim. 6
  • Jesu Akazvarirwa Kupi Uye Riini?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Jesu Akazvarirwa Kupi Uye Riini?
  • Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
  • Mashoko Akafanana
  • Ngirozi Dzinozivisa Kuberekwa kwaJesu
    Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Jesu Anoberekerwa Muchitevere
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Jesu Kristu—Tinofanira Kuyeukei Nezvake?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
  • ‘Akaafungisisa Mumwoyo Make’
    Tevedzera Kutenda Kwavo
Ona Zvimwe
Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
jy chits. 5 p. 18-p. 19 ndim. 6
Mariya akagara padhongi, Josefa ari pamberi, vachienda kuBhetrehema

CHITSAUKO 5

Jesu Akazvarirwa Kupi Uye Riini?

RUKA 2:1-20

  • JESU ANOZVARIRWA MUBHETREHEMA

  • VAFUDZI VANOSHANYIRA JESU ACHANGOZVARWA

Kesari Agasto, mutongi weUmambo hweRoma, azivisa kuti munhu wose anofanira kuverengwa. Saka Josefa anofanira kuenda kuguta raakazvarirwa reBhetrehema, kumaodzanyemba kweJerusarema pamwe naMariya.

Vanhu vakawanda vauya muBhetrehema kuzoverengwa. Hapana dzimba dzokuti Josefa naMariya vagare zvokuti vanonogara munochengeterwa zvipfuwo zvakadai semadhongi nedzimwe mhuka. Jesu anozvarirwa imomo. Mariya anomuputira nemachira omuradzika muchidyiro chezvipfuwo.

Mwari anofanira kunge ari iye akaita kuti Kesari Agasto agadze mutemo uyu wekuverengwa kwevanhu. Achizviitirei? Nokuti izvi zvaizoita kuti Jesu azvarirwe kuBhetrehema, guta rakazvarirwa tateguru vake Mambo Dhavhidhi. Magwaro akanga agara ataura kuti guta iri ndiro raizozvarirwa Mutongi akanga avimbiswa.—Mika 5:2.

Uhwu usiku hunokosha zvechokwadi! Vafudzi vari musango vanoona chiedza chinopenya zvikuru pavari. Kubwinya kwaJehovha! Imwe yengirozi dzaMwari inoudza vafudzi kuti: “Musatya, nokuti, tarirai! ndinokuzivisai mashoko akanaka omufaro mukuru uchava nevanhu vose, nokuti nhasi maberekerwa Muponesi, uyo ari Kristu Ishe, muguta raDhavhidhi. Zvino ichi ndicho chiratidzo kwamuri: muchawana mucheche akaputirwa nemachira, akarara muchidyiro chezvipfuwo.” Dzimwe ngirozi dzakawanda dzinobva dzasvika pakarepo dzichiti: “Mwari ngaakudzwe kumusorosoro, uye panyika rugare ngaruve pavanhu vaanotendera.”—Ruka 2:10-14.

Mariya, Josefa, nevafudzi vanotarisa Jesu akarara muchidyiro chezvipfuwo

Ngirozi dzaenda, vafudzi vanosara vachitaurirana kuti: “Tinotofanira kuenda kuBhetrehema tinoona chinhu ichi chaitika, chataziviswa naJehovha.” (Ruka 2:15) Vanobva vakurumidza kuenda vowana Jesu ari pavaudzwa chaipo nengirozi. Pavanorondedzera zvavaudzwa nengirozi, vose vanozvinzwa vanoshamiswa. Mariya anofadzwa zvikuru nemashoko aya oachengeta mumwoyo make.

Nhasi uno vakawanda vanofunga kuti Jesu akazvarwa musi wa25 December. Asi munharaunda yeBhetrehema, mumwedzi waDecember kunenge kuchinaya uye kuchitonhora. Pamwe pacho kunotoita sinou. Hazvingamboita kuti vafudzi vaende kusango nezvipfuwo usiku mumwaka wakadaro. Hazvingaitiwo kuti mambo weRoma audze vanhu kuti vauye kuzoverengwa nguva yechando iye achitoziva kuti vagara vaine kapfungwa kokumupandukira. Jesu anofanira kunge akazvarwa muna October.

  • Nei Josefa naMariya vachifanira kuenda kuBhetrehema?

  • Zvinhu zvipi zvinoshamisa zvinoitika usiku hunozvarwa Jesu?

  • Nei zvisingaiti kuti titi Jesu akazvarwa musi wa25 December?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe