RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • jy chits. 7 p. 22-p. 23 ndim. 6
  • Vazivi Venyeredzi Vanoshanyira Jesu

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Vazivi Venyeredzi Vanoshanyira Jesu
  • Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
  • Mashoko Akafanana
  • “Varume Vatatu Vakachenjera” Vaiva Vanaani? Vakatevera “Nyeredzi” yeBhetrehema Here?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Ndiani Akatuma “Nyeredzi” Yacho?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Vakatungamirirwa Nenyeredzi
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Nzira Iyo Jesu Akadzivirirwa Nayo
    Dzidza Kumudzidzisi Mukuru
Ona Zvimwe
Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
jy chits. 7 p. 22-p. 23 ndim. 6
Vazivi venyeredzi vachitevera nyeredzi iri kuvatungamirira kumba kuri kugarwa naJosefa, Mariya naJesu

CHITSAUKO 7

Vazivi Venyeredzi Vanoshanyira Jesu

MATEU 2:1-12

  • VAZIVI VENYEREDZI VANOTEVERA NYEREDZI INOVASVITSA KUJERUSAREMA, YOZOVASVITSA KUNA JESU

Kune vamwe varume vekuMabvazuva vanodzidza nezvenyeredzi, vachiti izvi zvinoita kuti vakwanise kuona zvichaitika muupenyu hwevanhu. (Isaya 47:13) Vari kumusha kwavo, vanoona nyeredzi voitevera kwemazana emakiromita vakananga kuJerusarema, kwete kuBhetrehema.

Vasvika kuJerusarema, vazivi venyeredzi vanobvunza kuti: “Aripiko iye akaberekwa ari mambo wevaJudha? Nokuti takaona nyeredzi yake patakanga tiri kumabvazuva, uye tauya kuzomupfugamira.”—Mateu 2:1, 2.

Vazivi venyeredzi vachikotamira Mambo Herodhi

Mambo Herodhi weJerusarema anonzwa nezvazvo, obva ashatirwa. Saka anodana vapristi vakuru nevamwe vakuru vechitendero chechiJudha ovabvunza kuti Kristu anofanira kuzvarirwa kupi. Vachishandisa zvavakaverenga muMagwaro vanomupindura kuti: “MuBhetrehema.” (Mateu 2:5; Mika 5:2) Angonzwa izvozvo, Herodhi anoita kuti vazivi venyeredzi vaunzwe kwaari pachivande, ovaudza kuti: “Endai munonyatsotsvaka mwana wacho muduku, uye kana mamuwana mudzoke, mundiudze, kuti neniwo ndiende ndinomupfugamira.” (Mateu 2:8) Asi chiripo ndechokuti Herodhi ari kuda kuti kana awana mwana wacho omuuraya!

Vazivi venyeredzi pavanongoenda, chimwe chinhu chinoshamisa chinoitika. Nyeredzi iya yavakaona vachiri kuMabvazuva inofamba iri pamberi pavo. Zviri pachena kuti iyi haisi nyeredziwo zvayo asi kuti yatoiswa pamberi pavo kuti ivatungamirire. Vazivi venyeredzi vanoitevera kusvika yamira pamusoro chaipo pemba yaJosefa naMariya pavava kugara nemwanakomana wavo.

Vazivi venyeredzi vakatevera nyeredzi kuBheterehema vachipa Mariya naJesu zvipo

Pavanopinda mumba, vazivi venyeredzi vanowana Mariya nemwana wake Jesu. Vanobva vamukotamira, uye vanomupa zvipo zvegoridhe, nezvinonhuwira, nemura. Pashure paizvozvo, pavanenge vava kuda kudzokera kuna Herodhi, vanoyambirwa naMwari kuhope kuti vasaenda naikoko. Saka vanodzokera kumusha kwavo neimwe nzira.

Unofunga kuti ndiani akaita kuti nyeredzi itungamirire vazivi ava? Yeuka kuti haina kuvatungamirira kuti vabva vananga kuBhetrehema kwaiva naJesu. Yakavaendesa nokuJerusarema kwavakasvikosangana naMambo Herodhi, uyo aida kuuraya Jesu. Angadai akatomuuraya dai pasina kuti Mwari akapindira akazonyevera vazivi venyeredzi kuti vasaudza Herodhi kwaiva naJesu. Zviri pachena kuti nyeredzi iyi yakashandiswa nemuvengi waMwari, Satani, uyo aida kuuraya Jesu.

  • Tinoziva sei kuti nyeredzi yakaonekwa nevazivi venyeredzi yakanga isiri nyeredziwo zvayo?

  • Vazivi venyeredzi vanowana Jesu achigara pai?

  • Chii chingaita kuti titi Satani ndiye akatungamirira vazivi venyeredzi?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe