RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • jy chits. 8 p. 24-p. 25 ndim. 1
  • Vanotiza Mutongi Akaipa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Vanotiza Mutongi Akaipa
  • Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
  • Mashoko Akafanana
  • Akadzivirira, Akariritira Uye Akaramba Achiita Basa Rake
    Tevedzera Kutenda Kwavo
  • Akadzivirira, Akariritira Uye Akaramba Achiita Basa Rake
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Akagamuchira Nhungamiro Youmwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2023
Ona Zvimwe
Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
jy chits. 8 p. 24-p. 25 ndim. 1
Mambo Herodhi anoti vana vose vadiki vechikomana vari muBhetrehema vaurayiwe

CHITSAUKO 8

Vanotiza Mutongi Akaipa

MATEU 2:13-23

  • VABEREKI VAJESU VANOTIZIRA KUIJIPITI NAYE

  • JOSEFA ANONOGARA NEMHURI YAKE KUNAZARETA

Josefa anomutsa Mariya achida kumuudza mashoko anoda kuti vabve vatoona zvokuita ipapo. Ngirozi yaJehovha ichangobva kuzviratidza kuna Josefa kuhope ichimuudza kuti: “Simuka, tora mwana muduku naamai vake utizire kuIjipiti, ugare ikoko kusvikira ndakuudza kuti udzoke; nokuti Herodhi ava kuda kutsvaka mwana muduku kuti amuparadze.”​—Mateu 2:13.

Josefa naMariya nemwanakomana wavo vanobva vatotiza usiku ihwohwo. Dai vangoti nonokei zvaizoipa nokuti Herodhi abva azivawo kuti vazivi venyeredzi vaya vakamubatisa pasi. Akavaudza kuti vadzoke nekwaari. Asi vakadzokera vasina kumuona. Herodhi anoguta nehasha. Sezvo achiri kuda kuuraya Jesu, anoita kuti vana vakomana vese vari muBhetrehema vari pasi pemakore maviri vaurayiwe. Makore aya anoatorera pane zvaakaudzwa nevazivi venyeredzi vakanga vabva kuMabvazuva.

Musoja ari kubvuta mwana kuna amai vake

Kuurayiwa kwevana ava kwakaipa zvikuru! Hatizivi hedu kuti vana vangani vakaurayiwa, asi kuchema nekuridza mhere kunoita vanaamai vacho kunozadzisa uprofita hweBhaibheri hwakataurwa nemuprofita waMwari Jeremiya.​—Jeremiya 31:15.

Pazviri kudai, Josefa naMariya vatizira kuIjipiti, uye vanoramba vachigara ikoko. Humwe usiku ngirozi yaJehovha inozozviratidza zvakare kuna Josefa kuhope. Inomuti: “Simuka, tora mwana muduku naamai vake, upinde munyika yaIsraeri, nokuti vaya vaitsvaka mweya womwana muduku vakafa.” (Mateu 2:20) Saka Josefa anobva adzokera nemhuri yake kumusha. Izvi zvinobva zvaita kuti humwe uprofita hweBhaibheri huzadziswe hwekuti Mwanakomana waMwari aizoshevedzwa kuti abude muIjipiti.​—Hosiya 11:1.

Zvinoita sekuti Josefa ari kuda kuti mhuri yake igare muJudhiya zvichida pedyo neBhetrehema kwavaigara vasati vatizira kuIjipiti. Asi anozonzwa kuti mwanakomana akaipa waHerodhi, Akerausi ndiye ava mambo weJudhiya. Mwari anonyeverazve Josefa nezvazvo kuhope. Saka Josefa nemhuri yake vanokwidza kumaodzanyemba vonogara muguta reNazareta muGarireya, kure nemuzinda wekunamata kwechiJudha. Jesu anokurira ikoko, zvobva zvazadzisa humwe uprofita hwekuti: “Iye achanzi wokuNazareta.”​—Mateu 2:23.

  • Mambo Herodhi anoita sei vazivi venyeredzi pavanorega kudzoka, uye Jesu anochengetedzwa sei?

  • Panodzoka Josefa nemhuri yake vachibva kuIjipiti, nei vasingadzokere kuBhetrehema?

  • Uprofita hupi hweBhaibheri hunozadziswa panguva iyi?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe