RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • jy chits. 26 p. 66-p. 67 ndim. 7
  • “Zvivi Zvako Zvakanganwirwa”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Zvivi Zvako Zvakanganwirwa”
  • Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
  • Mashoko Akafanana
  • Mwari Achandikanganwira Here?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Mwari “Akagadzirira Kukanganwira”
    Swedera Pedyo naJehovha
  • “Zvivi Zvako Zvakanganwirwa”
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2018
  • Chinoita Kuti Vanhu Varware
    Dzidza Kumudzidzisi Mukuru
Ona Zvimwe
Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
jy chits. 26 p. 66-p. 67 ndim. 7
Mumwe murume akaoma nhengo dzemuviri anodzikiswa nepadenga reimba

CHITSAUKO 26

“Zvivi Zvako Zvakanganwirwa”

MATEU 9:1-8 MAKO 2:1-12 RUKA 5:17-26

  • JESU ANOREGERERA ZVIVI ZVEMUMWE MURUME AKAOMA NHENGO DZEMUVIRI UYE ANOMUPORESA

Vanhu vemunzvimbo dzakawanda vava kuziva nezvaJesu. Vamwe vanotoenda munzvimbo dzinonetsa kusvika kuti vazomunzwa achidzidzisa uye kuti vaone zvishamiso zvake. Zvisinei, pashure pemazuva, anodzokera kuKapenaume kunova ndiko kwaanonyanya kushandira. Shoko rokuti adzoka rinopararira muguta iri riri pedyo neGungwa reGarireya. Izvi zvinoita kuti vakawanda vauye pamba paari kugara. Vamwe vavo vaFarisi nevadzidzisi veMutemo vabva muGarireya mose nemuJudhiya yose, kusanganisira Jerusarema.

‘Vazhinji vaungana, zvokuti hapasisina nzvimbo, kunyange nepasuo, uye anotanga kuvataurira shoko.’ (Mako 2:2) Zvinozoitika ipapo zvinokanga mate mukanwa. Chiitiko chacho chinotibatsira kunzwisisa kuti Jesu ane simba rekubvisa chacho chinoita kuti vanhu vatambure uye oita kuti vanhu vaanosarudza vave neutano hwakanaka.

Jesu paari kudzidzisa ari muimba iyi yakati maku nevanhu, vamwe varume vana vanouya vakatakura murume akaoma nhengo dzemuviri ari pakamubhedha. Vanoda kuti Jesu aporese shamwari yavo. Asi nekuwanda kwakaita vanhu, vanotadza kusvika ‘naye pana Jesu chaipo.’ (Mako 2:4) Chimbofungidzira kuti izvi zvinovarwadza zvakadini. Saka vanokwira padenga remba vovhura panokwana kamubhedha kake vomudzikisa nepaburi iroro vachimupinza mumba.

Jesu anotsamwa here kuti vari kumukanganisa zvaari kuita? Kana! Anotoshamiswa nekutenda kwevarume ava obva ati kumurume akaoma nhengo dzemuviri: “Zvivi zvako zvakanganwirwa.” (Mateu 9:2) Asi Jesu angakwanisa kuregerera zvivi here? Vanyori nevaFarisi vanotoiita nyaya vachiti: “Munhu uyu ari kutaurirei saizvozvi? Ari kumhura. Ndiani angakanganwira zvivi kunze kwomumwe chete, iye Mwari?”—Mako 2:7.

Achiziva kuti ndizvo zvavari kufunga, Jesu anoti kwavari: “Muri kufungirei zvinhu izvi mumwoyo menyu? Ndezvipi zviri nyore, kuti kumunhu akaoma rutivi rwomuviri, ‘Zvivi zvako zvakanganwirwa,’ kana kuti, ‘Simuka, utore kamubhedha kako, ufambe’?” (Mako 2:8, 9) Zvichibva pachibayiro chaachazopa, Jesu anogona kukanganwira zvivi zvemurume uyu.

Zvadaro Jesu anoratidza vose varipo kusanganisira vaya vari kumushora kuti ane simba rekuregerera zvivi panyika. Anotendeukira kumurume akaoma nhengo dzemuviri oti: “Ndinoti kwauri, Simuka, tora kamubhedha kako, uende kumba kwako.” (Mako 2:11, 12) Murume wacho anobva angosimuka, obuda akatakura kamubhedha kake munhu wose achizviona. Vanhu vanoshamiswa nazvo! Vanokudza Mwari vachiti: “Hatina kumboona zvakadai”!—Mako 2:11, 12.

Zvakakosha kuti ticherechedze kuti zvakataurwa naJesu zvinoratidza kuti urwere hunokonzerwa nechivi uye kuti kukanganwirwa zvivi kunoita kuti munhu ave mutano. Bhaibheri rinodzidzisa kuti baba vedu vekutanga, Adhamu, vakaita chivi uye kuti tose tava kurwarawo nekufa zvichibva pachivi ichocho. Asi kana Umambo hwaMwari hwava kutonga, Jesu achakanganwira zvivi zvevaya vose vanoda Mwari uye vanomushumira. Zvadaro urwere huchabva hwabviswa nokusingaperi.—VaRoma 5:12, 18, 19.

  • Chii chinoita kuti Jesu aporese murume akaoma nhengo dzemuviri muKapenaume?

  • Murume wacho anosvika sei pana Jesu?

  • Chii chatingadzidza panhoroondo iyi nezvekubatana kwakaita chivi neurwere, uye izvi zvinoita kuti tive netariro yei?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe