RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • jy chits. 38 p. 96-p. 97 ndim. 7
  • Johani Ari Kuda Kunzwa Mashoko Anobva Kuna Jesu

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Johani Ari Kuda Kunzwa Mashoko Anobva Kuna Jesu
  • Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
  • Mashoko Akafanana
  • Johani Mubhabhatidzi Aiva Ani?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Mibvunzo Inobva Kuvaravi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Jesu Anowedzera, Johani Achiderera
    Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
  • Johani Mubhabhatidzi—Muenzaniso Unotibatsira Kuramba Tichifara
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2019
Ona Zvimwe
Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
jy chits. 38 p. 96-p. 97 ndim. 7
Johani Mubhabhatidzi akagara ega mujeri

CHITSAUKO 38

Johani Ari Kuda Kunzwa Mashoko Anobva Kuna Jesu

MATEU 11:2-15 RUKA 7:18-30

  • JOHANI MUBHABHATIDZI ANOBVUNZA KANA JESU ARI IYE MESIYA

  • JESU ANORUMBIDZA JOHANI

Johani Mubhabhatidzi ava nerinenge gore ari mujeri. Asi ari kungonzwa nezvemabasa anoshamisa ari kuitwa naJesu. Chimbofunga kuti Johani anonzwa sei paanoudzwa nevadzidzi vake kuti Jesu amutsa mwanakomana wechirikadzi kuNaini. Asi Johani ari kuda kunzwa kuna Jesu mbune kuti izvi zviri kumborevei. Saka Johani anotuma vadzidzi vake vaviri. Anovatuma kuti vaitei? Vanofanira kubvunza Jesu kuti: “Ndimi Iye Anouya here kana kuti pane mumwe watinofanira kutarisira?”—Ruka 7:19.

Asi mubvunzo iwoyo uri kumborevei? Johani murume akazvipira pakunamata, uye makore maviri adarika akaona mudzimu waMwari uchiburuka pana Jesu paaimubhabhatidza akabva anzwa inzwi raMwari raitaura kuti mwanakomana wake. Saka hatingati kutenda kwaJohani kwadzikira. Kudai zvakadaro Jesu aisazotaura nezvaJohani sezvaanozoita musi iwoyo. Saka kana Johani aine chokwadi nazvo, chii chaita kuti abvunze Jesu mubvunzo uyu?

Johani anogona kunge ari kungoda kuti Jesu ataure pachake kuti ndiye Mesiya. Izvi zvingamusimbisa paari kuyaura ari mujeri. Uye mubvunzo waJohani unogona kunge une zvimwewo zvauri kureva. Anonyatsoziva uprofita hweBhaibheri hunoratidza kuti Akazodzwa waMwari achava mambo uye mununuri. Asi Johani ari mujeri apa Jesu wacho atova nemwedzi yakawanda abhabhatidzwa. Saka Johani ari kubvunza kana pachizova nemumwezve achauya, achaita seachatsiva Jesu, achazopedzisa kuzadzisa zvimwe zvakanzi zvaizoitwa naMesiya.

Murume anga akaremara nemukadzi anga ari bofu vanopembera nemufaro pavanoporeswa naJesu

Panzvimbo pekungoudza vadzidzi vaJohani kuti ‘Eheka ndini, pangagova naani mumwe,’ Jesu anovapa uchapupu hwekuti ari kutsigirwa naMwari paanorapa vanhu vakawanda vane zvirwere zvakasiyana-siyana. Anobva audza vadzidzi vaya kuti: “Endai munoudza Johani zvamuri kunzwa nokuona, zvokuti: Mapofu ari kuonazve, vanokamhina vari kufamba-famba, vane maperembudzi vari kucheneswa nematsi dziri kunzwa, vakafa vari kumutswa, uye varombo vari kuziviswa mashoko akanaka.”—Mateu 11:4, 5.

Mubvunzo waJohani unogona kunge uri kuratidza kuti ari kutarisira kuti Jesu aite zvakawanda kupfuura zvaari kutoita zvimwe achizoita kuti Johani wacho abudiswe mujeri. Asi Jesu ari kuudza Johani kuti asatarisire zvimwe zvinopfuura zvishamiso zvaari kutoita iye zvino.

Vadzidzi vaJohani pavanoenda, Jesu anoudza ruzhinji rwuripo kuti Johani haasi muprofitawo zvake. Ndiye “nhume” yaJehovha yakagara yataurwa pana Maraki 3:1. Ndiye zvekare muprofita Eriya anotaurwa nezvake pana Maraki 4:5, 6. Jesu anotsanangura kuti: “Chokwadi ndinoti kwamuri, Pane vakaberekwa nevakadzi hapana kumutswa mukuru kuna Johani Mubhabhatidzi; asi munhu muduku muumambo hwokumatenga mukuru kwaari.”—Mateu 11:11.

Paanotaura kuti munhu muduku muUmambo mukuru kuna Johani, Jesu ari kuratidza kuti Johani haasi kuzova muUmambo hwekumatenga. Johani akagadzirira Jesu nzira asi anozofa Kristu asati avhura nzira inoita kuti vanhu vakwanise kuenda kudenga. (VaHebheru 10:19, 20) Asi Johani muprofita akatendeka waMwari uye achagara pasi pano achitongwa neUmambo hwaMwari.

  • Chii chinoita kuti Johani abvunze kana Jesu ari Iye Anouya kana kuti pane mumwe achauya?

  • Jesu anotaura kuti Johani akazadzisa uprofita hupi?

  • Sei Johani Mubhabhatidzi achange asiri kudenga naJesu?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe