RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • jy chits. 47 p. 118-p. 119 ndim. 6
  • Musikana Wechidiki Anomutswa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Musikana Wechidiki Anomutswa
  • Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
  • Mashoko Akafanana
  • Jesus Anomutsa Vakafa
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Tinogona Kumuka Kubva Murufu!
    Dzidza Kumudzidzisi Mukuru
  • Jesu Anoita Zvishamiso Zvakawanda
    Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Kuporeswa Nekubata Nguo yaJesu
    Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
Ona Zvimwe
Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
jy chits. 47 p. 118-p. 119 ndim. 6
Jesu anomutsa mwanasikana waJairosi

CHITSAUKO 47

Musikana Wechidiki Anomutswa

MATEU 9:18, 23-26 MAKO 5:22-24, 35-43 RUKA 8:40-42, 49-56

  • JESU ANOMUTSA MWANASIKANA WAJAIROSI

Jairosi anoona kuti mukadzi anga aine chirwere chekubuda ropa aporeswa naJesu. Chokwadi Jesu haangambotadza kubatsirawo mwanasikana wake, kunyange zvazvo achifunga kuti anogona ‘kunge atofa.’ (Mateu 9:18) Zvichiri kuita here kuti abatsirwe?

Jesu achiri pakati pekutaura nemukadzi waachangobva kuporesa, vamwe varume vanosvika vachibva kumba kwaJairosi, voudza Jairosi kuti: “Mwanasikana wenyu afa!” Vanobva vawedzera kuti: “Muchiri kunetserei henyu mudzidzisi?”—Mako 5:35.

Mashoko anopedza simba zvechokwadi! Murume uyu anoremekedzwa zvikuru nevanhu, anobva apererwa. Mwanasikana wake mumwe chete afa. Asi mashoko acho anonzwikwa naJesu, saka anotendeukira kuna Jairosi otaura mashoko anokurudzira okuti: “Usatya, ingotenda chete.”—Mako 5:36.

Vanhu vachichema mwanasikana waJairosi

Jesu anobva aenda naJairosi kumba kwake. Pavanosvika, vanowana vanhu vari panhamo vachichema, vachiridza mhere uye vachizvirova-rova neshungu. Jesu anopinda mumba otaura mashoko anoshamisa okuti: “Mwana muduku haana kufa, asi akarara.” (Mako 5:39) Vanhu vanomuseka pavanonzwa mashoko iwayo. Vanoziva kuti musikana wacho afa zvechokwadi. Asi achishandisa simba raakapiwa naMwari, Jesu acharatidza kuti zvinoita kuti vanhu vamutswe sezvinongoitwa munhu akafa nehope.

Jesu anobva abudisa munhu wese panze kunze kwaPetro, Jakobho, Johani, nevabereki vemusikana afa. Jesu anoenda naivava vari vashanu pane mutumbi wemusikana uyu. Achimubata ruoko, anoti: “‘Tarita kumi,’ zvinoreva kuti: ‘Musikana, ndinoti kwauri, Muka!’ kana zvashandurwa.” (Mako 5:41) Anobva angomuka otanga kufamba. Fungidzira kuti Jairosi nemudzimai wake vanofara zvakadini pavanoona izvi! Achida kunyatsoratidza kuti musikana uyu amuka zvechokwadi, Jesu anovaudza kuti vamupe zvokudya.

Jesu anoudza vabereki ava kuti vasaudze vanhu zvaavaitira, sezvaagara achiita kana aporesa vanhu. Zvisinei, vabereki ava vasiri kugona nemufaro, nevamwewo vanhu, vanoparadzira mashoko acho “munzvimbo iyoyo yose.” (Mateu 9:26) Ungatadze kutaura nezvazvo nemufaro here kana munhu waunoda akamutswa kuvakafa? Uku ndiko kumutswa kwechipiri kwakanyorwa kwakaitwa naJesu.

  • Jairosi anotambira mashoko api, uye Jesu anomukurudzira sei?

  • Jairosi paanosvika pamba pake aina Jesu, anowana pakamira sei?

  • Sei Jesu achiti mwana afa akangorara hake?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe