RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • jy chits. 72 p. 170-p. 171 ndim. 2
  • Jesu Anotuma Vadzidzi 70 Kuti Vanoparidza

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Jesu Anotuma Vadzidzi 70 Kuti Vanoparidza
  • Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
  • Mashoko Akafanana
  • Jesu Anotuma Vamwe 70 Kundoparidzira
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2024
  • “Awa Yake Yakanga Isati Yasvika”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
  • Jesu Anoparidza Mashoko eUmambo
    Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
Ona Zvimwe
Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
jy chits. 72 p. 170-p. 171 ndim. 2
Vamwe vevaparidzi 70 veUmambo vanodzoka kuna Jesu vachimuudza nezvekuparidza kwavaita

CHITSAUKO 72

Jesu Anotuma Vadzidzi 70 Kuti Vanoparidza

RUKA 10:1-24

  • JESU ANOSARUDZA VADZIDZI 70 OVATUMA KUNOPARIDZA

Gore ra32 C.E. rava kuda kupera uye Jesu ava nemakore anenge matatu abhabhatidzwa. Iye nevadzidzi vake vanga vari kuMutambo wemaTebhenekeri kuJerusarema. Vanofanira kunge vachiri pedyo neJerusarema. (Ruka 10:38; Johani 11:1) Jesu anotozopedzisa mwedzi mitanhatu yasara yeushumiri hwake ari muJudhiya kana kuti ari munharaunda yePeriya mhiri kwaJodhani. Nzvimbo idzi dzinofanira kuparidzirwawo.

Makore maviri apfuura, pashure pePaseka ya30 C.E., Jesu akamboita mwedzi yakawanda achiparidza muJudhiya achipfuura nemuSamariya. Gore rakazotevera, mumazuva ePaseka ya31 C.E., vaJudha vaiva muJerusarema vakaedza kumuuraya. Kubvira ipapo, Jesu akazoita gore nehafu achinyanya kuparidza nechekuchamhembe, kuGarireya. Panguva iyoyo vakawanda vakava vateveri vake. MuGarireya, Jesu akadzidzisa vaapostora vake akazovatuma achiti: “Paridzai, muchiti, ‘Umambo hwokumatenga hwaswedera pedyo.’” (Mateu 10:5-7) Iye zvino anoronga basa guru rokuparidza muJudhiya.

Jesu anosarudza vadzidzi 70 ovatuma vaviri vaviri kuti vatange basa iri. Saka pane mapoka 35 evaparidzi veUmambo mundima ine basa rokukohwa rakakura asi “vashandi vashoma.” (Ruka 10:2) Vanofanotungamira vachienda munzvimbo dzinogona kuzoparidzwawo naJesu. Vadzidzi 70 ava vanofanira kurapa vanorwara uye kuudza vanhu mashoko ari kuparidzwa naJesu.

Vadzidzi ava havasi kuzoita zvokutevedza masinagogi vachidzidzisa. Jesu anovaudza kuti vaende mudzimba. Anovapa mirayiridzo yekuti: “Kwose kwamunopinda mumba tangai mati, ‘Imba ino ngaive norugare.’ Kana shamwari yorugare irimo, rugare rwenyu ruchava pairi.” Vari kufanira kufamba neshoko rokutii? Jesu anoti: “Muvaudze kuti, ‘Umambo hwaMwari hwaswedera pedyo nemi.’”—Ruka 10:5-9.

Mirayiridzo yaanopa vadzidzi 70 ava yakafanana neyaakapa vaapostora vake 12 gore rakapera. Anonyevera kuti havasi vese vachavatambira zvakanaka. Asi zvavachaita zvichaita kuti vaya vane chido chokuteerera vagadzirire kuzonzwa uye kudzidza kuna Jesu, Tenzi wavo, paachauya munguva pfupi iri kutevera.

Pasina nguva, mapoka 35 evaparidzi veUmambo anodzoka kuna Jesu. Vanomuudza vachifara kuti: “Ishe, kunyange madhimoni anozviisa pasi pedu patinoshandisa zita renyu.” Izvi zvechokwadi zvinoita kuti Jesu afare sezvinooneka mumashoko ake okuti: “Ndatotanga kuona Satani atowa semheni achibva kudenga. Tarirai! Ndakupai simba rokutsika-tsika nyoka nezvinyavada.”—Ruka 10:17-19.

Nemashoko aya Jesu ari kuvimbisa vateveri vake kuti vachakwanisa kukunda zvinhu zvinogona kuvakuvadza, sokunge kuti vari kutsika-tsika nyoka nezvinyavada. Uye vanogona kuva nechivimbo chakasimba chekuti mune remangwana Satani achadonha achibva kudenga. Jesu anobatsirawo vadzidzi vacho 70 kuona kuti zvii zvinonyanya kukosha. Anoti: “Musafara pamusoro peizvi, kuti midzimu inozviisa pasi penyu, asi farai nokuti mazita enyu anyorwa kumatenga.”—Ruka 10:20.

Jesu anofara zvikuru zvokuti anorumbidza Baba vake paruzhinji kuti vari kushandisa vashumiri vavo vanozvininipisa kuita mabasa makuru kudaro. Achitendeukira kuvadzidzi vake, anoti: “Anofara maziso anoona zvinhu zvamuri kuona. Nokuti ndinoti kwamuri, Vaprofita vazhinji nemadzimambo vaida kuona zvinhu zvamuri kuona asi havana kuzviona, nokunzwa zvinhu zvamuri kunzwa asi havana kuzvinzwa.”—Ruka 10:23, 24.

  • Jesu anoparidzira kupi mwedzi yake mitanhatu yekupedzisira, uye chii chiri kuita kuti anyanye kuparidzira ikoko?

  • Vadzidzi 70 vaizowana kupi vanhu?

  • Kunyange zvazvo vadzidzi 70 vaita basa guru, Jesu anotaura kuti chii chinonyanya kukosha?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe