RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • jy chits. 90 p. 212-p. 213 ndim. 7
  • “Kumuka Noupenyu”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Kumuka Noupenyu”
  • Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
  • Mashoko Akafanana
  • “Ndakatenda”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • “Ndakatenda”
    Tevedzera Kutenda Kwavo
  • Jesu Anomutsa Razaro
    Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Tariro Yokumutswa Kwevakafa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
Ona Zvimwe
Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
jy chits. 90 p. 212-p. 213 ndim. 7
Jesu naMariya vanochema vamwe vanhu varipo vakatarisawo

CHITSAUKO 90

“Kumuka Noupenyu”

JOHANI 11:17-37

  • JESU ANOSVIKA RAZARO ATOFA

  • “KUMUKA NOUPENYU”

Achibva kuPereya Jesu anosvika pedyo neBhetani, musha uri chinhambwe chemakiromita matatu nechekumabvazuva kweJerusarema. Mariya naMarita vari kuchema hanzvadzi yavo Razaro uyo achangobva kufa. Vanhu vakawanda vauya kuzovanyaradza.

Marita anomhanyira Jesu

Mumwe munhu anoudza Marita kuti Jesu ava kusvika. Marita anomhanya kunomuchingura. Anomuudza zvingangove zvaiva mupfungwa dzake nemunun’una wake kwemazuva mana adarika paanoti: “Ishe, kudai makanga muri pano hanzvadzi yangu ingadai isina kufa.” Zvisinei, izvi hazvirevi kuti haana tariro. Marita anoti: “Ndinoziva kuti kunyange iye zvino zvinhu zvizhinji zvamunokumbira Mwari, Mwari achakupai.” (Johani 11:21, 22) Pfungwa yekuti Jesu achiri kugona kubatsira hanzvadzi yake anayo.

Jesu anomuudza kuti: “Hanzvadzi yako ichamuka.” Marita ane tariro yakafanana neyaiva naAbrahamu nevamwe yekuti kuchava nekumuka kwevakafa pasi pano, saka anobva afunga kuti Jesu ari kutaura nezvekumuka ikoko. Anoratidza kuti anotenda kuti izvi zvichaitika paanoti: “Ndinoziva kuti achamuka . . . pazuva rokupedzisira.”—Johani 11:23, 24.

Asi kungava here kuti Jesu anogona kutovabatsira iye zvino? Anoyeuchidza Marita kuti Mwari akamupa simba rokukunda rufu paanoti: “Anotenda mandiri, kunyange akazofa, achava mupenyu; uye munhu wose mupenyu uye anotenda mandiri haangambofi.”—Johani 11:25, 26.

Jesu haasi kureva kuti vadzidzi vake vachiri vapenyu havasi kuzombofa. Akatoudza vaapostora vake kuti kunyange iye pachake anofanira kufa. (Mateu 16:21; 17:22, 23) Jesu ari kusimbisa kuti kutenda maari kunogona kuita kuti munhu awane upenyu husingaperi. Vakawanda vachawana upenyu hwakadaro pavachamutswa. Asi vamwe vakatendeka vanenge vari vapenyu pachaguma nyika ino havazombofi. Pasinei nokuti upenyu uhwu vahuwana sei, vose vanotenda maari havazombofi.

Jesu, uyo achangobva kutaura kuti “Ndini kumuka noupenyu,” anokwanisa here kumutsa Razaro uyo ava nemazuva afa? Anobvunza Marita kuti: “Unotenda izvi here?” Marita anopindura kuti: “Hungu, Ishe; ndakatenda kuti ndimi Kristu Mwanakomana waMwari, Uya anouya munyika.” Achitenda kuti Jesu anokwanisa kuita chimwe chinhu zuva iroro chairo, Marita anomhanya kumba oudza munun’una wake pachivande kuti: “Mudzidzisi [auya] uye ari kukushevedza.” (Johani 11:25-28) Mariya anobva angobuda mumba, uye vanhu vanomutevera vachifunga kuti ari kuenda kuguva raRazaro.

Mariya anonanga kuna Jesu, opfugama pedyo netsoka dzake otaura mashoko akafanana neambotaurwa nemukoma wake okuti: “Ishe, kudai makanga muri pano, hanzvadzi yangu ingadai isina kufa.” Jesu anorwadziwa paanoona Mariya nevanhu vaainavo vachichema, zvekuti anogomera neshungu, onetseka, obva atanga kusvimha misodzi. Izvi zvinoshamisa vanhu vari kuona zviri kuitika. Asi vamwe vanotanga kuti: ‘Kana Jesu akakwanisa kusvinudza maziso emurume akazvarwa ari bofu, aisakwanisa here kuita kuti uyu arege kufa?’—Johani 11:32, 37.

  • Jesu paanosvika pedyo neBhetani, anoona zvinhu zvakamira sei?

  • Chii chinoita kuti Marita atende kuti kuchava nekumuka kwevakafa?

  • Jesu anoratidza sei kuti anokwanisa kuita chimwe chinhu nezverufu rwaRazaro?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe