RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • jy chits. 95 p. 222-p. 223 ndim. 9
  • Jesu Anotaura Maonero Anoita Mwari Kurambana Uye Anoratidza Kuti Anoda Vana

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Jesu Anotaura Maonero Anoita Mwari Kurambana Uye Anoratidza Kuti Anoda Vana
  • Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
  • Mashoko Akafanana
  • Zvidzidzo Pachatanuro Naparudo Rwavana
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
  • Chatanuro—Chii Chinotaura Bhaibheri Chaizvoizvo?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • Kudza “Zvasungwa Pamwe Chete Pajoko naMwari”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2018
  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
Ona Zvimwe
Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
jy chits. 95 p. 222-p. 223 ndim. 9
Vanhu vachiunza vana vavo kuna Jesu

CHITSAUKO 95

Jesu Anotaura Maonero Anoita Mwari Kurambana Uye Anoratidza Kuti Anoda Vana

MATEU 19:1-15 MAKO 10:1-16 RUKA 18:15-17

  • JESU ANORATIDZA MAONERO ANOITA MWARI KURAMBANA

  • CHIPO CHEKUSAROORA KANA KUSAROORWA

  • KUVA SEVANA VADUKU KUNOKOSHA

Jesu nevadzidzi vake vanobva kuGarireya, voyambuka Jodhani vakananga kumaodzanyemba vachipfuura nemuPereya. Paakapedzisira kuuya muPereya, Jesu akaudza vaFarisi maonero anoita Mwari nyaya yekurambana. (Ruka 16:18) Iye zvino vaFarisi vanomutsa nyaya iyi kuti vaedze Jesu.

Mosesi akanyora kuti mukadzi anogona kurambwa kana murume wake akaona “chimwe chinhu chisina kunaka” paari. (Dheuteronomio 24:1) Vanhu vane maonero akasiyana-siyana panyaya yekuti vanhu vanofanira kurambana kana zvaita sei. Vamwe vanofunga kuti kunyange tunyaya tuduku-duku tunogona kunzi chikonzero chokurambana. Saka vaFarisi vanobvunza kuti: “Zvinobvumirwa nomutemo here kuti murume arambe mudzimai wake nokuda kwechikonzero chero chorudzi rupi zvarwo?”—Mateu 19:3.

Pane kuti ade kufadza vanhu, Jesu anovapindura neunyanzvi achitaura nezvekutanga kwakaitwa wanano naMwari. Anoti: “Hamuna kuverenga here kuti iye akavasika kubva pakutanga akavaita munhurume nomunhukadzi? Uyewo kuti akati, ‘Saka murume achasiya baba vake naamai vake onamatira mudzimai wake, uye vaviri vacho vachava nyama imwe’? Zvokuti havasisirizve vaviri, asi nyama imwe. Naizvozvo, ngaparege kuva nomunhu anoparadzanisa zvasungwa pamwe chete pajoko naMwari.” (Mateu 19:4-6) Mwari paakatanga wanano yaAdhamu naEvha, haana kuita urongwa hwekuti vazorambana.

VaFarisi vanobva vaita nharo naJesu vachiti: “Saka nei Mosesi akarayira [kupa mukadzi] rugwaro rwokumudzinga nokumuramba?” (Mateu 19:7) Jesu anovaudza kuti “Mosesi akakubvumirai kuramba madzimai enyu nokuda kwokuoma kwemwoyo yenyu, asi izvozvo hazvina kunge zvakadaro kubvira pakutanga.” (Mateu 19:8) Paari kuti “pakutanga,” haasi kutaura nezvemazuva aMosesi asi ari kureva pakatangwa wanano naMwari mumunda weEdheni.

Jesu anobva ataura chokwadi chinokosha achiti: “Ndinoti kwamuri munhu wose anoramba mudzimai wake, kunze kwokunge aita ufeve [unzenza hwepabonde kana kuti por·neiʹa muchiGiriki], akaroora mumwe, iye anoita upombwe.” (Mateu 19:9) Saka Magwaro anobvumira vanhu kurambana kana pachinge paine mumwe wavo aita unzenza hwepabonde bedzi.

Vadzidzi vaJesu vanobva vati: “Kana zvakadaro kumurume nomudzimai wake, kuroora hakukurudzirwi.” (Mateu 19:10) Kana munhu achifunga nezvekuroora kana kuroorwa anofanira kuziva kuti wanano ndeyeupenyu hwese.

Jesu anozotsanangura nezvekusaroora kana kusaroorwa achiti kune vamwe vanozvarwa vari ngomwa, vasingakwanisi kuita zvebonde. Vamwe vanoremadzwa nevanhu vova ngomwa. Vamwe vanenge vachida zvebonde, asi vanozvidzora vachiitira kuti vakwanise kuisa pfungwa dzavo pazvinhu zvine chekuita neUmambo. Jesu anobva akurudzira vateereri vake kuti: “Regai anogona kuzviwanira nzvimbo [yekuramba asina kuroora kana kuroorwa] azviwanire nzvimbo.”—Mateu 19:12.

Vanhu vanotanga kuuya nevana vavo kuna Jesu. Zvisinei, vadzidzi vanotanga kutsiura vanhu ivavo vachifunga kuti vari kunetsa Jesu. Achiratidza kusafara nazvo Jesu anoti: “Regai vana vaduku vauye kwandiri; musaedza kuvadzivisa, nokuti umambo hwaMwari ndohwevakadai. Chokwadi ndinoti kwamuri, Munhu wose asingagamuchiri umambo hwaMwari somwana muduku haazombopindi mahuri.”—Mako 10:14, 15; Ruka 18:15.

Ichi chidzidzo chakanaka zvikuru! Kuti tipinde muUmambo hwaMwari, tinofanira kuva vanhu vanozvininipisa uye vari nyore kudzidzisa sevana vaduku. Jesu anoratidza kuti anoda vana vaduku paanovatora ovabata mumaoko ake achivakomborera. Vaya vanogamuchira “umambo hwaMwari somwana muduku,” anovadawo saizvozvo.—Ruka 18:17.

  • VaFarisi vanoedza Jesu vachiti kudii panyaya yekurambana?

  • Maererano nemashoko aJesu, Mwari anobvumira kuti vanhu varambane kana zvaita sei?

  • Nei vamwe vadzidzi vachizosarudza kuramba vasina kuroora kana kuroorwa?

  • Jesu anodzidzisa chidzidzo chipi nezvaanoita nevana vaduku?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe