RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • jy chits. 127 p. 290-p. 291 ndim. 6
  • Anotongwa neSanihedrini Ozoendeswa Kuna Pirato

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Anotongwa neSanihedrini Ozoendeswa Kuna Pirato
  • Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
  • Mashoko Akafanana
  • Pamberi peSanihedrini, Ipapo Kuna Pirato
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Jesu Anoiswa Mumaoko Emauto Oendwa Naye Kunourayiwa
    Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
  • Pondiyo Pirato Aive Ani?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
  • Kubva Kuna Pirato Kuenda Kuna Herodhe Nokudzokera Zvakare
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
Ona Zvimwe
Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
jy chits. 127 p. 290-p. 291 ndim. 6
Jesu anomira pamberi paPirato

CHITSAUKO 127

Anotongwa neSanihedrini Ozoendeswa Kuna Pirato

MATEU 27:1-11 MAKO 15:1 RUKA 22:66–23:3 JOHANI 18:28-35

  • ANOMIRA PAMBERI PEDARE RESANIHEDRINI MANGWANANI

  • JUDHASI ISKARIYOTI ANOEDZA KUZVISUNGIRIRA

  • JESU ANOENDESWA KUNA PIRATO KUTI ANOTONGERWA RUFU

Petro paaramba Jesu kechitatu, kunze kwanga kwava kuda kutoedza. Dare risiri repamutemo ranga ragarwa neSanihedrini raparara. Kuchingochena, musi weChishanu, vanogara rimwe dare zvekare zvimwe nechinangwa chekuita kuti dare raitwa usiku rionekwe serepamutemo. Jesu anobva amiswa pamberi pavo.

Dare iri rinodzokororazve mashoko aro okuti: “Kana uri iwe Kristu, tiudze.” Jesu anopindura kuti: “Kunyange kana ndikakuudzai, hamungambozvitendi. Zvakare, kana ndikakubvunzai, hamungambopinduri.” Zvisinei, Jesu anovapindura neushingi achiratidza kuti ndiye akataurwa nezvake pana Dhanieri 7:13. Anoti: “Kubvira zvino Mwanakomana womunhu achange agere kuruoko rwaMwari rworudyi rune simba.”—Ruka 22:67-69; Mateu 26:63.

Vanoramba vachingomubvunza kuti: “Saka, uri Mwanakomana waMwari here?” Jesu anopindura kuti: “Imimi ndimi muri kutaura kuti ndini.” Kubvuma kwaaita uku vanobva vakuti kumhura, vochiona sechikonzero chekumutongera rufu. Vanobvunza kuti: “Tichadireizve humwe uchapupu?” (Ruka 22:70, 71; Mako 14:64) Saka vanobva vasunga Jesu voenda naye kuna Gavhuna weRoma Pondiyo Pirato.

Zvimwe Judhasi Iskariyoti anoona Jesu achiendwa naye kuna Pirato. Paanoona kuti Jesu atongerwa rufu, anotanga kunzwa kakuzvidemba. Zvisinei, pane kuti apfidze zvechokwadi kuna Mwari, anoenda kunodzosera masirivha aya 30. Judhasi anoudza vapristi vakuru kuti: “Ndakatadza pandakatengesa ropa rakarurama.” Asi vanomuchenamira vachiti: “Izvozvo zvinei nesu? Unofanira kuzvionera!”—Mateu 27:4.

Judhasi anosiya akanda masirivha aya 30 mutemberi obva atowedzera pachivi chake nekuedza kuzviuraya. Paanenge achiedza kuzvisungirira, kunenge kuti bazi remuti waari kuedza kuzvisungirira pariri rinotyoka. Anodonhera pamatombo ari pasi, muviri wake wobva watsemuka nepakati.—Mabasa 1:17, 18.

Jesu anoendeswa kumuzinda waPondiyo Pirato achiri mangwanani-ngwanani. Asi vaJudha vaenda naye ikoko vanoramba kupinda. Vanofunga kuti kupinda mune vanhu vasiri vaJudha kunovasvibisa. Izvi zvingazovaita kuti vasakodzera kudya makeke asina kuviriswa musi waNisani 15, musi wekutanga weMutambo Wemakeke Asina Kuviriswa, uyo unotorwa sekuenderera mberi kwenguva yePaseka.

Pirato anobuda ovabvunza kuti: “Munhu uyu munomupomera mhosva yei?” Vanomupindura kuti: “Kudai munhu uyu anga asiri munhu anoita zvakaipa, tingadai tisina kumuisa kwamuri.” Zvichida Pirato anoona kuti vari kuda kumumanikidza kuita zvido zvavo, saka anoti: “Mutorei imi mumutonge maererano nomutemo wenyu.” VaJudha vanoratidza pfungwa dzavo dzeumhondi nokumupindura kuti: “Isu hatibvumirwi nomutemo kuti tiuraye munhu.”—Johani 18:29-31.

Zviripo ndezvokuti kana vakauraya Jesu pamazuva emutambo wePaseka, zvinogona kukonzera mhirizhonga. Asi kana vakaita kuti aurayiwe nevaRoma, avo vane mvumo yekuuraya vanenge vapandukira hurumende, zvichaita kuti vaJudha ava vasanzi nevanhu vane mhosva.

Vatungamiriri vechitendero ava havaudzi Pirato kuti vatotongera Jesu rufu vachiti amhura. Vanotanga kutomupomera mhosva dzakasiyana-siyana vachiti: “Takawana munhu uyu [1] achitsausa rudzi rwedu, [2] achirambidza kutera mitero kuna Kesari uye [3] achiti iye ndiye Kristu mambo.”—Ruka 23:2.

Semumiririri wehurumende yeRoma, Pirato haangambotadza kunetseka paanonzwa kuti Jesu ari kupomerwa mhosva yekuzviita mambo. Saka anobva adzokera mumuzinda wake, odana Jesu, omubvunza kuti: “Ndiwe mambo wevaJudha here?” Apa ari kureva kuti, ‘Watyora mutemo weRoma nekuzviita mambo uchipandukira Kesari here?’ Zvimwe achida kunzwa kuti Pirato anzwa kuti kudii nezvake, Jesu anoti: “Unotaura izvi iwe pachako here, kana kuti vamwe vanhu vakuudza nezvangu?”—Johani 18:33, 34.

Achiita seasina chaanoziva nezvaJesu asi achiratidza kuti ari kuda kunzwa zvakawanda, Pirato anopindura kuti: “Ndiri muJudha here ini?” Anowedzera kuti: “Rudzi rwako iwewe nevapristi vakuru vakuisa kwandiri. Wakaitei?”—Johani 18:35.

Jesu haaedze kunzvenga nyaya yeumambo inova ndiyo iri mudariro. Gavhuna Pirato anoshamiswa zvikuru nemhinduro yaanopiwa naJesu.

MUNDA WEROPA

Judhasi anorasa masirivha 30 mutemberi

Vapristi vakuru havasi kuziva kuti voita sei nemasirivha asiyiwa akandwa mutemberi naJudhasi. Vanoti: “Hazvibvumirwi nomutemo kuakanda munzvimbo tsvene inochengeterwa pfuma, nokuti iwo mutengo weropa.” Saka vanoshandisa mari yacho kutenga munda wemuumbi wavachashandisa kuviga vatorwa. Unozopedzisira wava kuzivikanwa ‘seMunda Weropa.’—Mateu 27:6-8.

  • Nei Sanihedrini ichigara dare zvakare mangwanani?

  • Judhasi anofa sei, uye masirivha 30 aakapiwa akaitiswei?

  • VaJudha vari kuda kuti Pirato auraye Jesu nemhosva yei?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe