RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • jy chits. 70 p. 166-p. 167 ndim. 2
  • Jesu Anoporesa Murume Akazvarwa Ari Bofu

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Jesu Anoporesa Murume Akazvarwa Ari Bofu
  • Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
  • Mashoko Akafanana
  • Kuporesa Munhu Akaberekwa Riri Bofu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • Kusatenda Kwechisimbwa kwavaFarise
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • VaFarisi Vanotambudza Murume Aimbova Bofu
    Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
  • Jesu Anorapa Pazuva reSabata
    Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
Ona Zvimwe
Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
jy chits. 70 p. 166-p. 167 ndim. 2
Mumwe murume anotanga kuona paanonogeza mudziva reSiroami

CHITSAUKO 70

Jesu Anoporesa Murume Akazvarwa Ari Bofu

JOHANI 9:1-18

  • MUPEMHI AKAZVARWA ARI BOFU ANOPORESWA

Sabata rinosvika Jesu achiri muJerusarema. Iye nevadzidzi vake pavanenge vachifamba muguta, vanoona mumwe mupemhi akazvarwa ari bofu. Vadzidzi vanobvunza Jesu kuti: “Rabhi, ndiani akatadza, munhu uyu kana vabereki vake, zvokuti akaberekwa ari bofu?”—Johani 9:2.

Vadzidzi vanoziva kuti murume uyu haana kumborarama humwe upenyu asati azvarwa, asi vanogona kunge vari kunetseka kuti munhu anogona kuita chivi here ari mudumbu raamai vake. Jesu anopindura kuti: “Munhu uyu haasi iye akatadza kana kuti vabereki vake, asi zvakaitwa kuti mabasa aMwari aratidzwe pachena paari.” (Johani 9:3) Saka murume uyu, kunyange vabereki vake handivo vane mhosva kana kuti vakaita chivi chakakonzera upofu hwake. Asi chivi chakabva kuna Adhamu ndicho chinoita kuti vanhu vose vaberekwewo vaine chivi izvo zvinogona kukonzera urema, hwakadai seupofu. Asi upofu hwemurume uyu hunopa Jesu mukana wekuratidza mabasa aMwari, sezvaakamboita pane zvimwe zviitiko paakarapa vanhu vanorwara.

Jesu anoratidza kuti mabasa aya anoda kuitwa nguva isati yapera. Anoti: “Tinofanira kuita mabasa aiye akandituma achiri masikati; usiku huri kuuya pasina munhu anozogona kuita basa. Chero bedzi ndiri munyika, ndiri chiedza chenyika.” (Johani 9:4, 5) Hapasisina nguva zvechokwadi Jesu asati apinda muzarima reguva maasingazokwanise kuita chero chii. Asi iye zvino achiri kukwanisa kupa nyika chiedza.

Jesu azora dhaka pamaziso ebofu

Asi Jesu achaporesa murume uyu here, uye kana achamuporesa, achazviita sei? Jesu anosvipira pasi okanya ivhu nemate ake. Anoisa rimwe racho pamaziso emurume uyu oti: “Enda ugeze mudziva reSiroami.” (Johani 9:7) Murume wacho anoita zvaaudzwa, uye paanodaro anobva atanga kuona! Chimbofungidzira kuti akafara sei, kuonawo kekutanga muupenyu hwake!

Vavakidzani nevamwe vaimuziva ari bofu vanoshamiswa. Vanobvunza kuti: “Uyu haasi iye munhu aigara pasi achipemha here?” Vamwe vanopindura kuti: “Ndiye.” Asi vamwe vanoramba kuzvitenda voti: “Kana, asi akafanana naye.” Murume wacho anozopindura achiti: “Ndini.”—Johani 9:8, 9.

Vanomubvunza kuti: “Saka maziso ako asvinudzwa sei?” Anopindura achiti: “Munhu anonzi Jesu akanya ivhu, akarinamira pamaziso angu, akati kwandiri, ‘Enda kuSiroami ugeze.’ Naizvozvo ndaenda, ndikageza, ndikaona.” Vanobva vabvunza kuti: “Munhu iyeye ari kupi?” Mupemhi wacho anopindura kuti: “Handizivi.”—Johani 9:10-12.

Vanhu vacho vanoenda nemurume uyu kuvaFarisi, avo vanoda kuziva kuti aona sei. Anovaudza kuti: “Aisa ivhu pamaziso angu, uye ndageza ndikaona.” Pane kuti vafare kuti mupemhi uyu aporeswa, vamwe vaFarisi vanotoshora Jesu. Vanoti: “Uyu haasi munhu anobva kuna Mwari, nokuti haachengeti Sabata.” Vamwewo vachiti: “Munhu mutadzi angagona sei kuita zviratidzo zvorudzi irworwo?” (Johani 9:15, 16) Saka maonero avo apesana.

Sezvo ivo vacho vari kupesana, vaFarisi vanotendeukira kumurume uya ava kuona vomubvunza kuti: “Unotii pamusoro pake, zvaasvinudza maziso ako?” Anovapindura aine chivimbo nezvaJesu achiti: “Iye muprofita.”—Johani 9:17.

VaJudha vanoramba kuzvitenda. Vanofunga kuti zvimwe Jesu nemurume uyu varangana kuti vanyengedze vanhu. Vanofunga kuti kuzvipedza kuenda kunobvunza vabereki vemupemhi uyu kuti akanga ari bofu here zvechokwadi.

  • Upofu hwemumwe murume hwakakonzerwa nei, asi hahuna kukonzerwa nei?

  • Vanhu vaiziva murume uyu ari bofu vanoita sei paanoporeswa?

  • VaFarisi vane pfungwa dzipi dzakapesana nezvekuporeswa kwaitwa murume uyu?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe