CHITSAUKO 1
Takarongwa Kuti Tiite Zvinoda Jehovha
PASI rese pane masangano akawanda, angava ezvitendero, ezvematongerwo enyika, ezvekutengeserana uye anoona nezvekugara zvakanaka kwevanhu. Sangano rega rega rine marongerwo aro, zvinangwa zvaro uye maitiro arinoita zvinhu. Asi sangano reZvapupu zvaJehovha rakasiyana nemasangano aya nekuti zvarinoita zvinobva muBhaibheri.
2 Tinofara kuti wabatanawo nesangano raJehovha. Wava kuita zvinodiwa naMwari nekuti wakanyatsozvionera zvaanoda. (Pis. 143:10; VaR. 12:2) Wava mushumiri anoshingaira ari kunamata nehama dzine rudo dziri pasi rese. (2 VaK. 6:4; 1 Pet. 2:17; 5:9) Kuita izvi kunoita kuti ufare uye ukomborerwe zvikuru sezvinovimbiswa neBhaibheri. (Zvir. 10:22; Mako 10:30) Kana ukaramba uchiita zvinodiwa naJehovha wakatendeka, uchava netariro yekuzorarama upenyu husingaperi.—1 Tim. 6:18, 19; 1 Joh. 2:17.
3 Musiki wedu ane sangano rine vanhu vanobva munyika dzese uye ndiye ari kuritungamirira. Tinonyatsovimba neutungamiriri hwake. Ndiye Mutongi wedu, ndiye Anotipa Mutemo uye ndiye Mambo wedu. (Isa. 33:22) Sezvo ari Mwari akarongeka, akaronga zvinhu kuti ‘tishande pamwe chete naye’ pakuzadzisa chinangwa chake.—2 VaK. 6:1, 2.
4 Sezvo nguva yekuti nyika ino iparadzwe iri kuramba ichiswedera, ngatirambei tichitungamirirwa naMambo akagadzwa, Kristu Jesu. (Isa. 55:4; Zvak. 6:2; 11:15) Jesu ndiye akataura kuti vateveri vake vaizoita mabasa makuru kupfuura aakaita paaiva panyika. (Joh. 14:12) Izvi zvaizova zvechokwadi nekuti vateveri vaJesu vaizowanda uye vaizoparidza munzvimbo dzakawanda. Vaizoparidza mashoko eUmambo kusvika kumativi mana enyika.—Mat. 24:14; 28:19, 20; Mab. 1:8.
5 Izvi ndizvo zviri kutoitika. Asi sekutaura kwakaita Jesu, basa iri rekuparidza rine nguva yarichaguma uye Jehovha ndiye anoziva nguva yacho. Zvinhu zvakataurwa naMwari zvatiri kuona zvichiitika, zvinonyatsoratidza kuti zuva rake guru rinotyisa rava pedyo.—Joe. 2:31; Zef. 1:14-18; 2:2, 3; 1 Pet. 4:7.
Tinofanira kuwedzera kushanda nesimba pakuita zvinodiwa naMwari. Izvi zvinoda kuti tinyatsoziva maitirwo ezvinhu musangano raMwari
6 Patinonzwisisa kuti zvinodiwa naJehovha ndezvipi, uye tichionazve kuti nguva yapera, tinofanira kuwedzera kushanda nesimba pakuita zvinodiwa naMwari. Izvi zvinoda kuti tinyatsoziva maitirwo ezvinhu musangano raMwari tobva tanyatsoita zvatinonzi tiite. Zvinhu zvinoitwa musangano raMwari zvinobva pamitemo nemirayiro nedzidziso zviri muShoko rake rakafemerwa.—Pis. 19:7-9.
7 Vanhu vaJehovha pavanotevedzera mirayiro iyi inobva muBhaibheri, vanogarisana nekushanda vakabatana. (Pis. 133:1; Isa. 60:17; VaR. 14:19) Chii chinoita kuti hama dzese dzatinonamata nadzo dzibatane? Rudo. Zvese zvatinoita zvinobva pakuti tinoda hama dzedu. (Joh. 13:34, 35; VaK. 3:14) Kana tikaita zvinhu izvi zvinodiwa naJehovha, ticharamba tichifambirana nechikamu chiri kudenga chesangano rake.
CHIKAMU CHIRI KUDENGA CHESANGANO RAJEHOVHA
8 Muprofita Isaya, Ezekieri naDhanieri vakaratidzwa chikamu chiri kudenga chesangano raJehovha. (Isa., chits. 6; Ezek., chits. 1; Dhan. 7:9, 10) Muapostora Johani akaratidzwawo zvachakaita, ndokubva anyora zvimwe zvacho mubhuku raZvakazarurwa. Akaona Jehovha agere pachigaro chaipenya uye akakomberedzwa nengirozi, idzo dzaiti: “Mutsvene, mutsvene, mutsvene, Jehovha Mwari Wemasimbaose, uyo akanga aripo uye aripo uye achauya.” (Zvak. 4:8) Johani akaonawo Gwayana raMwari, Jesu Kristu, “rimire pedyo nechigaro cheumambo.”—Zvak. 5:6, 13, 14; Joh. 1:29.
9 Kugara kwakaita Jehovha pachigaro kunoratidza kuti ndiye Mutungamiriri wesangano iri. Pana 1 Makoronike 29:11, 12 panotaura nezvake uye ukuru hwake pachiti: “Haiwa Jehovha, ukuru nesimba nerunako nekubwinya nekukudzwa ndezvenyu, nekuti zvinhu zvese zviri kudenga nepanyika ndezvenyu. Haiwa Jehovha, umambo ndehwenyu. Ndimi muri kuzviita kuti muve mukuru pane zvese. Pfuma nekukudzwa zvinobva kwamuri, uye munotonga zvinhu zvese, muruoko rwenyu mune simba neukuru, uye ruoko rwenyu runogona kusimudzira munhu uye kupa vanhu vese simba.”
10 Sezvo Jesu Kristu achishanda naJehovha, ane chinzvimbo chepamusoro uye akapiwa simba rakawanda. Mwari “akaisawo zvinhu zvese pasi petsoka dzake, akamuita kuti ave musoro wezvinhu zvese kuungano.” (VaEf. 1:22) Muapostora Pauro paaitaura nezvaJesu akati: “Mwari akamukwidziridza pachinzvimbo chepamusoro, akamuratidza mutsa nekumupa zita rinopfuura mamwe mazita ese, kuti muzita raJesu mabvi ese apfugame, evaya vari kudenga nevaya vari panyika nevaya vari pasi pevhu, uye kuti rurimi rwese rubvume pachena kuti Jesu Kristu ndiShe kuti Mwari Baba vakudzwe.” (VaF. 2:9-11) Saka tine chokwadi chekuti Jesu Kristu anotungamirira zvakanaka.
11 Muprofita Dhanieri akaratidzwa Wemazuva Mazhinji agere pachigaro chake kudenga uye ngirozi ‘dzine zviuru gumi zvakapetwa kane zviuru gumi dzakanga dzakamira pamberi pake.’ (Dhan. 7:10) Bhaibheri rinotaura nezveuto iri rengirozi kuti ‘mweya inoita basa dzvene, yakatumwa kuzoshumira vaya vachagara nhaka yeruponeso.’ (VaH. 1:14) Ngirozi dzese idzi dzakarongwa kuva mapoka ‘ezvigaro zveumambo, ushe, hurumende uye vanhu vane masimba.’—VaK. 1:16.
12 Kana tikazvipa nguva yekudzamisa pfungwa nezvezvakaita chikamu chiri kudenga chesangano raJehovha, tinogona kunzwisisa zvakaitwa naIsaya paakaona “Jehovha akagara pachigaro cheumambo chaiva pamusoro uye pakakwirira,” uye ‘maserafi akamira kumusoro kwake.’ Isaya akati: “Ndine nhamo! Ndangofanana nemunhu afa, nekuti ndiri munhu ane miromo isina kuchena, uye ndinogara pakati pevanhu vane miromo isina kuchena; nekuti maziso angu aona Mambo, iye Jehovha wemauto pachake!” Isaya paakaona zvakaita sangano raJehovha akashamiswa chaizvo uye akazviona asiri chinhu. Zvaakaona zvakamubata-bata zvekuti paakanzwa inzwi richibva kudenga pachitsvagwa munhu angatumwa kuita basa rinokosha, Isaya akabva angoti: “Ndiri pano! Nditumei!”—Isa. 6:1-5, 8.
13 Kuziva sangano raJehovha uye kunzwisisa mashandiro aro kunoita kuti vanhu vake vaitewo sezvakaitwa naIsaya. Sezvo sangano raJehovha riri kuramba richienderera mberi, tinoshanda nesimba kuti tifambirane naro uye zvatinoita zvinoratidza kuti tinovimba nesangano rake.
SANGANO RAJEHOVHA RIRI KUENDERERA MBERI
14 Chitsauko 1 chaEzekieri chinotiudza nezvaJehovha seagere pangoro huru yekudenga. Ngoro iyi inopenya inomiririra chikamu chisingaoneki chesangano raJehovha. Kugara kwake pangoro iyi kunoratidza kuti ndiye ari kuitungamirira uye ari kuishandisa kuzadzisa chinangwa chake. Zvese izvi anozviita nerudo.—Pis. 103:20.
15 Mukati mevhiri rimwe nerimwe rengoro iyi mune rimwe vhiri rakachinjika. Izvi ndizvo zvinoita kuti ngoro yacho igone kuenda kumativi mana. (Ezek. 1:17) Mavhiri acho anogona kungoerekana achinja kwaari kuenda. Asi hazvirevi kuti ngoro iyi inongoita zvayada. Jehovha haasiyi sangano rake richienda chero kwarada. Ezekieri 1:20 inoti: “Zvaienda kwese kwazvainzi nemweya zviende.” Saka Jehovha ndiye anoshandisa simba rake kuti sangano rake riende kwaanoda. Tinofanira kuzvibvunza kuti, ‘Ndiri kufambirana naro here?’
16 Kufambirana nesangano raJehovha hakungogumiri pakuenda kumisangano uye kuparidza. Chinokosha ndechekuti manzwisisiro atinoita nyaya dzekunamata awedzere. Tinofanira ‘kuva nechokwadi chekuti ndezvipi zvinokosha kupfuura zvimwe’ tofambirana neurongwa hwaMwari hwekutidzidzisa. (VaF. 1:10; 4:8, 9; Joh. 17:3) Tinofanira kuyeukawo kuti, kuti sangano rifambe zvakanaka panoda kurongeka uye kutevedzera zviri kudiwa. Saka kuti tiite basa raJehovha, zvakakosha kuti tishandise zvinhu zvese zvatinopiwa musangano rake. Upenyu hwedu hunofanira kuenderana neshoko ratinoparidza uye kuita izvozvo kunoratidza kuti tiri kufambirana nengoro yaJehovha yekudenga.
17 Tiri kuramba tichifambira mberi pakuita zvinodiwa naJehovha tichibatsirwa nesangano rake. Usakanganwa kuti Jehovha ndiye ari kutungamirira ngoro yake yekudenga. Saka patinofambirana nengoro yake tinenge tichiratidza kuti tinomuremekedza uye tinovimba naye. (Pis. 18:31) Bhaibheri rinovimbisa kuti: “Jehovha achapa vanhu vake simba. Jehovha achakomborera vanhu vake nerugare.” (Pis. 29:11) Jehovha anokomborera vanhu vake vakarongeka nekuvapa simba uye nekuita kuti vabatane. Saka kuva kweduwo musangano kunoita kuti tiwane makomborero aya. Chero bedzi tikaramba tichiita zvinodiwa naJehovha ticharambawo tichiwana makomborero.