CHITSAUKO 4
Marongerwo Akaitwa Ungano
MUTSAMBA yake yekutanga yaakanyorera vaKorinde, muapostora Pauro akataura chimwe chinhu chinokosha pamusoro paMwari. Akanyora kuti: “Mwari haasi Mwari wenyonganyonga, asi ndewerugare.” Akazotizve nezvemisangano yeungano: “Zvinhu zvese ngazviitike nenzira yakakodzera uye zvakarongeka.”—1 VaK. 14:33, 40.
2 Kwekutanga-tanga kwetsamba iyoyo, muapostora wacho akatsiura ungano yeKorinde nekuti hama dzakanga dziri kukakavadzana. Pauro akabva avakurudzira kuti ‘vataure vachibvumirana,’ uye kuti ‘vanyatsobatana pamafungiro avo uye pamaonero avanoita zvinhu.’ (1 VaK. 1:10, 11) Akabva avaudza zvinhu zvakasiyana-siyana zvaiita kuti ungano isabatana. Akashandisa muenzaniso wezvakaita muviri wemunhu kuti aratidze kukosha kwekubatana uye kushanda pamwe chete. Akakurudzira vanhu vese vari muungano yechiKristu kuti varatidzirane rudo pasinei nemabasa avanoita muungano. (1 VaK. 12:12-26) Kubatana uku kunoita kuti ungano ive yakarongeka.
3 Asi ungano yechiKristu yaizorongwa sei? Ndiani aizoironga? Ndivanaani vaizotungamirira? Tinowana mhinduro dzakajeka dzemibvunzo iyi muBhaibheri.—1 VaK. 4:6.
YAIVA YAKARONGWA MAERERANO NEZVAIDIWA NAMWARI
4 Ungano yechiKristu yakatangwa paPendekosti ya33 C.E. Yaiva yakarongwa sei? Yaiva yakarongwa maererano nezvaidiwa naMwari. Izvi zvinoratidzwa nemashoko ari pana 1 Petro 5:10, 11. Zvakaitika muJerusarema makore anoda kusvika 2 000 akadarika zvinonyatsoratidza kuti ungano yevaKristu vakazodzwa yakatangwa naMwari. (Mab. 2:1-47) Yaiva chivakwa chake, imba yake. (1 VaK. 3:9; VaEf. 2:19) Marongerwo uye maitirwo ezvinhu muungano yechiKristu yepakutanga-tanga ndiwo anotevedzerwa nevaKristu nhasi.
Marongerwo uye maitirwo ezvinhu muungano yechiKristu yepakutanga-tanga ndiwo anotevedzerwa nevaKristu nhasi
5 Ungano yepakutanga yakatanga iine vanhu vanenge 120. Mweya mutsvene wakatanga kudururwa pavari, zvichizadzisa mashoko ari pana Joeri 2:28, 29. (Mab. 2:16-18) Uye musi iwoyo, vamwe vanhu vanenge 3 000 vakabhabhatidzwa mumvura vachibva vauya muungano yevakazodzwa nemweya. Vakanga vagamuchira shoko pamusoro paKristu “uye vakaramba vachizvipira pazvinhu zvaidzidziswa nevaapostora.” Izvi zvaitika, ‘Jehovha akaramba achivawedzera vaya vakanga vachiponeswa.’—Mab. 2:41, 42, 47.
6 Ungano yemuJerusarema yakakura zvekuti mupristi mukuru wechiJudha akanyunyuta kuti vadzidzi vakanga vazadza Jerusarema nekudzidzisa kwavo. Asi nekufamba kwenguva, vamwe vapristi vakagamuchira Shoko vakava vadzidzi.—Mab. 5:27, 28; 6:7.
7 Jesu akati: “Muchava zvapupu zvangu muJerusarema, muJudhiya mese nemuSamariya, uye kusvikira kunzvimbo dziri kure dzenyika.” (Mab. 1:8) Saka vanhu pavakatanga kutambudzwa zvikuru muJerusarema Stefani afa, vadzidzi vaigara imomo vakapararira muJudhiya neSamariya. Asi chero kwavaienda, vakaramba vachizivisa mashoko akanaka uye vachitendeutsa vamwe. (Mab. 8:1-13) Papera nguva yakati, vanhu vasina kuchecheudzwa, vaisava vaJudha vakaparidzirwa mashoko akanaka. (Mab. 10:1-48) Basa rese iri rekuparidza rakaita kuti pave nevadzidzi vakawanda uye ungano itsva dzakatangwa kunzvimbo dzaiva kunze kweJerusarema.—Mab. 11:19-21; 14:21-23.
8 Zvii zvakaitwa kuti zvinhu zvirambe zvichifamba negwara uye nenzira inodiwa naMwari muungano idzi dzainge dzichangotangwa? Mweya waMwari wakaita kuti pagadzwe vafudzi vadiki vaizofudza makwai. Pauro naBhanabhasi vakagadza vakuru parwendo rwavo rwekutanga rweumishinari. (Mab. 14:23) Munyori weBhaibheri Ruka akataura nezvemusangano wakaitwa naPauro nevakuru veungano yekuEfeso. Pauro akati kwavari: “Zvichengetedzei imi, pamwe neboka rese remakwai ramakagadzwa pakati paro nemweya mutsvene kuti muve vatariri varo, kuti mufudze ungano yaMwari, yaakatenga neropa reMwanakomana wake.” (Mab. 20:17, 28) Chakaita kuti vakodzere kuva vakuru ndechekuti vakanga vachiita zvinotaurwa neMagwaro. (1 Tim. 3:1-7) Tito uyo aishanda naPauro akapiwa simba rekugadza vakuru muungano dzekuKrete.—Tito 1:5.
9 Sezvo ungano dzakaramba dzichiwanda, vaapostora nevakuru vemuJerusarema vakaramba vachitungamirira sevatariri muungano dzese idzi. Ndivo vaiumba dare rinotungamirira.
10 Muapostora Pauro akanyorera ungano yekuEfeso achitsanangura kuti kana ungano ikabvuma kutungamirirwa nemweya waMwari yoziva kuti Jesu Kristu ndiye musoro, yaigona kuramba yakabatana. Muapostora wacho akakurudzira vaKristu ivava kuti vazvininipise voramba ‘vakabatana’ nevanhu vese vemuungano. (VaEf. 4:1-6) Akabva azotaura mashoko ari pana Pisarema 68:18 paairatidza nezveurongwa hwaJehovha hwekuva nevarume muungano vakakodzera kuva vaapostora, vaprofita, vaevhangeri, vafudzi, nevadzidzisi. Varume ivavo, zvipo zvinobva kuna Jehovha, vaizokurudzira ungano yese kuti isvike pakukura mune zvekunamata yofadza Mwari.—VaEf. 4:7-16.
MAZUVA ANO UNGANO DZINOTEVEDZERA ZVAIITWA NEVAAPOSTORA
11 Zvaiitwa muungano yepakutanga ndizvo zviri kutevedzerwa muungano dzese dzeZvapupu zvaJehovha. Dzese dzinoita chinhu chimwe chete nekuti dzinotungamirirwa nemuranda akatendeka. (Zek. 8:23) Jesu Kristu ndiye anoita kuti izvi zvikwanisike. Ari kuzadzisa vimbiso yake yekuti aizoramba aine vadzidzi vake vakazodzwa “mazuva ese kusvikira pakuguma kwenyika.” Vanhu pavanogamuchira mashoko akanaka, vanozvitsaurira nemwoyo wese kuna Jehovha vobhabhatidzwa kuti vave vadzidzi vaJesu vobva vabatana neungano. (Mat. 28:19, 20; Mako 1:14; Mab. 2:41) Vanoziva kuti Jesu Kristu, “mufudzi akanaka,” ndiye Musoro weboka racho rese rinosanganisira vakazodzwa ‘nemamwe makwai.’ (Joh. 10:14, 16; VaEf. 1:22, 23) “Boka rimwe chete” iroro rinoramba rakabatana nekubvuma kutungamirirwa naKristu uye nekuzviisa pasi ‘pemuranda akatendeka, akangwara,’ uyo akagadzwa naKristu. Ngatirambei tichivimba nemuranda akatendeka uyu.—Mat. 24:45.
MASANGANO ANE CHEKUITA NEKUNAMATA
12 Kuti muranda akatendeka akwanise kupa zvekudya zvekunamata panguva yakakodzera uye kuti mashoko akanaka eUmambo aparidzwe mugumo usati wasvika, pane mamwe masangano akaumbwa. Masangano aya akanyoreswa zviri pamutemo munyika dzakasiyana-siyana, uye anoshanda pamwe chete.
MARONGERWO AKAITWA BAZI
13 Pese panotangwa hofisi yebazi, panogadzwa Dare Rebazi iro rinoumbwa nevakuru vatatu kana kupfuura kuti ritarisire basa rinoitwa munyika yacho kana kuti mune dzimwe nyika dzarinenge ranzi ritarisire. Hama imwe chete inoshanda semurongi mudare iroro.
14 Ungano dzemunyika yacho dzinorongwa kuva matunhu. Kukura kwematunhu acho kunosiyana-siyana, zvichibva pakuti ungano dzacho ndedzemutauro upi uye dziri panzvimbo ipi uyewo dzakawanda sei. Mutariri wedunhu anogadzwa kuti ashanyire ungano dziri mudunhu raanenge ari achidzikurudzira. Hofisi yebazi inomupa mirayiridzo yekuti anofanira kuita sei basa rake.
15 Ungano dzinobvuma urongwa hwesangano hunoitirwa kutibatsira tese. Dzinozviisa pasi pevakuru vanenge vanzi vatarisire basa pamapazi, mumatunhu uye muungano. Dzinoziva kuti muranda akatendeka, akangwara ndiye anodzipa zvekudya zvekunamata panguva yakakodzera. Muranda akatendeka anozviisawo pasi paKristu, achitevedzera zvinotaurwa neBhaibheri, uye achibvuma kutungamirirwa nemweya mutsvene. Kana tese tikashanda takabatana, tichawana makomborero seaya akawanikwa nevaKristu vepakutanga. Nhoroondo yacho inoti: “Ungano dzakaramba dzichisimbiswa pakutenda uye dzichiwedzera zuva nezuva.”—Mab. 16:5.