RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • od chits. 14 pp. 141-156
  • Kuita Kuti Ungano Irambe Iine Rugare Uye Yakachena

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuita Kuti Ungano Irambe Iine Rugare Uye Yakachena
  • Takarongwa Kuti Tiite Zvinoda Jehovha
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • KUGADZIRISA KUSANZWISISANA KUDIKI
  • KUPA ZANO REMUMAGWARO
  • KUCHERECHEDZA VAYA VANOFAMBA ZVISINA KUKODZERA
  • ZVINGAITWA KANA VANHU VATADZIRANA
  • KUGADZIRISA MHOSVA DZAKANYANYA KUKURA
  • CHIZIVISO CHEKUTSIURA
  • KANA PAKASARUDZWA KUTI ADZINGWE
  • CHIZIVISO CHEKUDZINGA
  • KUZVIBVISA MUSANGANO
  • KUDZORERWA
  • CHIZIVISO CHEKUDZORERWA
  • VANA VADIKI VAKABHABHATIDZWA PAVANOITA CHIVI
  • VAPARIDZI VASATI VABHABHATIDZWA PAVANOITA CHIVI
  • JEHOVHA ANOKOMBORERA KUNAMATA KUNE RUGARE UYE KWAKACHENA
  • Nguva Dzose Bvuma Kurangwa naJehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
  • Kuratidza Rudo Uye Kunzwira Tsitsi Vatadzi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2024
  • Kubatsira Vaya Vanenge Vabviswa Muungano
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2024
  • Vakuru, Tongai Nokururama
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
Ona Zvimwe
Takarongwa Kuti Tiite Zvinoda Jehovha
od chits. 14 pp. 141-156

CHITSAUKO 14

Kuita Kuti Ungano Irambe Iine Rugare Uye Yakachena

GORE negore zviuru zvevanhu zvinodirana zvichiuya kuimba yaJehovha yekunamata kwechokwadi, zvichizadzisa zvakaprofitwa muBhaibheri. (Mika 4:1, 2) Tinofara chaizvo kuvagamuchira ‘muungano yaMwari’! (Mab. 20:28) Vanofarawo kushumira Jehovha pamwe chete nesu uye kuva muparadhiso yezvekunamata. Mweya mutsvene uye mazano ari muShoko rake zvinotibatsira kuti ungano irambe iine rugare uye yakachena.—Pis. 119:105; Zek. 4:6.

2 Kushandisa zvinotaurwa neBhaibheri kunoita kuti tive ‘neunhu hutsva.’ (VaK. 3:10) Hatinyanyi kugumburiswa netunyaya tudiki kana kuti kusanzwisisana kwatingava nako nevamwe. Kuva nemaonero aJehovha kunotibatsira kuti tisaita mapoka asi kuti tishande takabatana sesangano rimwe chete rinowanikwa pasi rese.—Mab. 10:34, 35.

3 Asi dzimwe nguva panogona kuitika zvinhu zvinokanganisa rugare uye kubatana kweungano. Zvinokonzerwa nei? Kazhinji kacho vanhu vanenge vatadza kushandisa zvinotaurwa muBhaibheri. Tese tinokanganisa nekuti tine chivi. (1 Joh. 1:10) Mumwe angatadza kuzvibata kana kuti anogona kutsauka pakutenda izvo zvinogona kusvibisa ungano. Tinogona kugumbura mumwe munhu nekutaura tisina kufunga kana kuti nezvatinoita, kana kuti ndisu tingagumburwa nezvingaitwa nevamwe. (VaR. 3:23) Pakadai tinofanira kuita sei kuti tigadzirise zvinhu?

4 Jehovha anoziva kuti zvinhu zvakadai zvinogona kuitika. Shoko rake rine mazano ekutibatsira kana izvi zvichinge zvaitika. Vafudzi kana kuti vakuru vane rudo varipo kuti vatibatsire. Kana tikashandisa mazano avo emuBhaibheri, zvichaita kuti tiwirirane zvekare nehama dzedu toramba tiine ukama hwakanaka naJehovha. Kana tikatsiurwa kana kurangwa nemhaka yezvakaipa zvatinenge taita, tinofanira kuziva kuti kutsiurwa ikoko chiratidzo chekuti Baba vedu vekudenga vanotida.—Zvir. 3:11, 12; VaH. 12:6.

KUGADZIRISA KUSANZWISISANA KUDIKI

5 Dzimwe nguva vanhu vari muungano vanogona kutadza kunzwisisana pakanyaya kadiki. Nyaya yacho inofanira kugadziriswa nekukurumidza uye murudo. (VaEf. 4:26; VaF. 2:2-4; VaK. 3:12-14) Kakawanda kacho uchaona kuti kusanzwisisana kwaungaita nemumwe muKristu kunogona kugadziriswa nekushandisa zvakataurwa nemuapostora Petro zvekudanana kwazvo “nekuti rudo runovhara zvivi zvizhinji.” (1 Pet. 4:8) Bhaibheri rinoti: “Tese tinokanganisa kazhinji.” (Jak. 3:2) Kana tikaitira vamwe zvatinoda kuti ivo vatiitirewo, zvinova nyore kuzovakanganwira uye kukanganwa kusanzwisisana kudiki kwatinenge tinako.—Mat. 6:14, 15; 7:12.

6 Kana ukaziva kuti mumwe munhu akagumburwa nezvawakataura kana kuti zvawakaita, unofanira kukurumidza kugadzirisa nyaya yacho. Yeuka kuti kusawirirana kwaunoita nehama yako kunogona kukanganisa ukama hwako naJehovha. Jesu akaudza vadzidzi vake kuti: “Saka kana uchiuya nechipo chako kuatari wobva wayeuka uri ikoko kuti hama yako ine chigumbu newe, siya chipo chako ipapo pamberi peatari, woenda. Tanga wayanana nehama yako, wozodzoka wopa chipo chako.” (Mat. 5:23, 24) Zvimwe panenge pasitorina nyaya hombe. Saka haufaniri kunyararira munhu wacho. Kana vanhu vese muungano vakagara vachitaurirana vakasununguka, kusanzwisisana kunoita kushoma uye kana kukamuka zvinova nyore kukugadzirisa.

KUPA ZANO REMUMAGWARO

7 Dzimwe nguva vatariri vanoona zvakakodzera kupa munhu zano kuti achinje maitiro ake. Asi hazvisi nyore nguva dzese. Muapostora Pauro akanyora tsamba kuvaKristu vekuGaratiya achiti: “Hama, kunyange kana mumwe munhu ava kurasika asingazivi, imi vakasimba pamweya edzai kururamisa munhu akadaro neunyoro.”—VaG. 6:1.

8 Kana vatariri vakafudza boka, ungano ichadzivirirwa kuti isakanganiswa pakunamata uye hapazovi nematambudziko akakura. Vakuru vanoedza kuita kuti basa ravo rienderane nezvakataurwa naJehovha achishandisa Isaya kuti: “Mumwe nemumwe achaita senzvimbo yekuhwanda mhepo, nzvimbo yekuhwanda mvura ine dutu, sehova dzemvura munyika isina mvura, semumvuri wedombo guru munyika yakaoma.”—Isa. 32:2.

KUCHERECHEDZA VAYA VANOFAMBA ZVISINA KUKODZERA

9 Muapostora Pauro akanyevera kuti paizova nevanhu vaizokanganisa vamwe muungano. Akati: “Tiri kukupai mirayiro. . . kuti musiyane nehama inofamba zvisina kukodzera uye zvisingaenderani nemirayiro yamakagamuchira kwatiri.” Akajekesa mashoko aya paakati: “Kana paine asingateereri mashoko edu ari mutsamba ino, rambai makamuisa mucherechedzo uye musawadzana naye, kuti anyare. Asi panzvimbo pekumuona semuvengi, rambai muchimurayira sehama.”—2 VaT. 3:6, 14, 15.

10 Dzimwe nguva munhu anogona kunge asiri kuita chivi chakanyanya kukura chingaita kuti adzingwe muungano asi achiratidza pachena kusaremekedza mitemo yaMwari inofanira kutevedzerwa nevaKristu. Izvi zvinosanganisira kuva nyope yemakoko, kungoshora zvese zvese kana kuti utsvina. Anogona kunge ‘achipindira mune zvisinei naye.’ (2 VaT. 3:11) Kana kuti anenge achironga kuwana zvinhu kune vamwe zvechitsotsi kana kuti achivaraidzwa nezvinhu zviri pachena kuti hazvina kukodzera. Maitiro ake anenge akaipa zvekuti anozvidzisa ungano uye kukanganisa vamwe vaKristu.

11 Vakuru vachatanga vaedza kubatsira munhu akadaro vachishandisa Magwaro. Asi kana akaramba achiomesa musoro achiita zvinhu zvinopesana neMagwaro nepo abatsirwa kakawanda, vakuru vangaona zvakakodzera kuti vape hurukuro yekunyevera. Vakuru vachashandisa uchenjeri kuti vaone kana nyaya yacho yakanyanya kukura uye ichikanganisa ungano zvekuti hurukuro yekunyevera inofanira kupiwa. Mukurukuri wacho acharatidza zvinotaurwa neMagwaro nezvemufambiro wacho asi haazotauri zita remunhu wacho. Vanoziva nyaya yacho iri kutaurwa muhurukuro vacharamba vachiita zvinhu zvine chekuita nekunamata naye, ‘vachimurayira sehama’ asi havazoshamwaridzani naye.

12 Ungano inotarisirwa kuti itevedzere zvinenge zvataurwa muhurukuro nekuti zvinobatsira anenge arasika kuti anyare nemaitiro ake obva achinja. Kana munhu wacho anyatsoratidza kuti asiya maitiro ake, panenge pasisina chikonzero chekuti arambe achionekwa seane mucherechedzo.

ZVINGAITWA KANA VANHU VATADZIRANA

13 Kusangoti nangananga nekukanganisirwa kwatinenge taitirwa hazvirevi kuti hatitomborina kana hanya nazvo. Hatifaniri kupomera chivi pazvese zvinokanganiswa; uye hazvina kunaka kuti hama kana kuti ungano ifuratire zvakaipa zvinenge zvaitwa. (Revh. 19:17; Pis. 141:5) Mutemo wakapiwa vaIsraeri wairatidza kuti mhosva dzinosiyana-siyana kukura kwadzo uye ndizvowo zvinoitika muungano yechiKristu.—1 Joh. 5:16, 17.

14 Jesu akataura matanho atinofanira kutora kuti tigadzirise kana tatadzirana nemumwe muKristu. Matanho acho ndeaya: “Kana hama yako ikatadza, [1], enda unomuudza mhosva yake muri mega. Kana akakuteerera, wawana hama yako. Asi kana akasateerera, [2] enda nemumwe kana vamwe vaviri, kuti nyaya yacho itongwe papiwa uchapupu hwevanhu vaviri kana vatatu. Kana akasavateerera, [3] taura neungano. Kana akasateerera kunyange ungano, ngaave kwauri semunhu wemamwe marudzi uye semuteresi.”—Mat. 18:15-17.

15 Kana tikatarisa muenzaniso wakazotaurwa naJesu pana Mateu 18:23-35, zvinoratidza kuti chimwe chezvivi zvinotaurwa pana Mateu 18:15-17 chinosanganisira nyaya dzemari, dzakadai sekutadza kubhadhara chikwereti kana kuti kutsotsa munhu. Inogonawo kunge iri nyaya yekuchera munhu zvekuti zvinogona kutosvibisa zita rake.

16 Kana uine uchapupu hwekuti mumwe munhu ari muungano akakutadzira zvakadaro, usakurumidza kuenda kunoudza vakuru, uchivakumbira kuti vapindire munyaya yako. Jesu akati tanga wataura nemunhu wacho akakutadzira. Edzai kugadzirisa nyaya yacho muri vaviri musingabatanidzi mumwe munhu. Yeuka kuti Jesu haana kuti ‘enda kamwe chete unomuudza mhosva yake.’ Saka kana munhu wacho asingabvumi mhosva yake uye asingadi kukumbira ruregerero, zvinganaka kuzodzoka pane imwe nguva wotaurazve naye. Kana nyaya yacho ikagadzirisika, munhu wacho achafara chaizvo kuti hauna kuudza vamwe nezvenyaya yake kana kusvibisa zita rake muungano. Unenge “wawana hama yako.”

17 Kana mutadzi wacho akabvuma mhosva yake, akakumbira ruregerero, ogadzirisa nyaya yacho, panenge pasisina chikonzero chekutora rimwe danho. Kunyange zvazvo nyaya yacho yanga iri hombe, inogona kugadziriswa nevanhu vatadzirana vari vega.

18 Kana watadza kuwana hama yako “muri mega,” unogona kuita sezvakataurwa naJesu ‘zvekuenda nemumwe kana vamwe vaviri,’ wotaurazve nehama yako. Vaunoenda navo vanofanira kuvawo nechinangwa chekuti uwane hama yako. Zvingava zvakanaka kuti vave zvapupu zvinonyatsoziva nezvenyaya yacho, asi kana pasina anoziva, unogona kukumbira munhu mumwe chete kana vaviri kuti vave zvapupu pamunenge muchikurukura nyaya yacho. Vangava neruzivo panyaya dzakada kufanana neiri kukurukurwa uye vanogona kuona kana munhu wacho akakanganisa zvechokwadi. Vakuru veungano vanenge vasarudzwa kuti vave zvapupu munyaya yacho vanenge vasiri kumiririra ungano nekuti havana kutumwa nedare revakuru.

19 Kana waedza kugadzirisa nyaya yacho nekutaurirana naye muri mega, waenda nemumwe kana vaviri asi zvoramba uye uchiri kungonzwa kuti haugoni kungoisiya yakadaro, unofanira kutaurira vakuru veungano. Yeuka kuti chinangwa chavo ndechekuita kuti ungano irambe iine rugare uye yakachena. Kana waudza vakuru, chisiya nyaya yacho mumaoko avo wovimba naJehovha. Usambofa wabvumira kuti zvinoitwa nemumwe munhu zvikutadzise kunamata kana kukushayisa mufaro pakushumira Jehovha.—Pis. 119:165.

20 Vafudzi vachaongorora nyaya yacho. Kana zvikaonekwa kuti munhu wacho akakutadzira zvechokwadi uye haasi kuda kupfidza uye kuedza kugadzirisa nyaya yacho, zvingava zvakanaka kuti dare revatariri ridzinge muungano mutadzi wacho asingapfidzi. Nekuita izvi vanodzivirira makwai voita kuti ungano irambe yakachena.—Mat. 18:17.

KUGADZIRISA MHOSVA DZAKANYANYA KUKURA

21 Zvivi zvakakura zvakadai seunzenza, upombwe, ungochani, kumhura, kutsauka pakutenda, kunamata zvidhori nezvimwewo zvakadaro hazvingopereri pakuti anenge atadzirwa akanganwire mutadzi. (1 VaK. 6:9, 10; VaG. 5:19-21) Sezvo manamatiro uye kuchena kweungano zvichigona kuzokanganiswa, vakuru vanofanira kuudzwa zvivi zvakakura kudaro vozvigadzirisa. (1 VaK. 5:6; Jak. 5:14, 15) Munhu akaita chivi anogona kureurura ega kuvakuru kana kuti vanogona kuudzwa nyaya yacho nemumwe munhu. (Revh. 5:1; Jak. 5:16) Pasinei nekuti vakuru vachaudzwa sei nezvemhosva dzakanyanya kukura dzinenge dzaitwa nemuparidzi akabhabhatidzwa, vakuru vaviri vachatanga kuongorora nyaya yacho. Kana vakaona kuti zvavakaudzwa ichokwadi uye kuti pane uchapupu hunoratidza kuti chivi chakakura chakaitwa, dare revakuru richaronga kuti pave nedare rinotonga nyaya yacho rine vakuru vasiri pasi pevatatu.

22 Vakuru vanotarisira makwai, vachiedza kuadzivirira pane zvese zvinogona kuakanganisa pakunamata. Vanoedzawo kushandisa Shoko raMwari zvine unyanzvi pakutsiura vese vanenge vatadza voita kuti vavezve neukama hwakanaka naMwari. (Jud. 21-23) Izvi zvinoenderana nemirayiridzo yakanyorerwa Timoti nemuapostora Pauro kuti: “Pamberi paMwari naKristu Jesu, uyo achatonga vapenyu nevakafa, . . . ndinokuudza zvakasimba kuti: . . . Tsiura, rayira, kurudzira nemwoyo murefu neunyanzvi hwekudzidzisa.” (2 Tim. 4:1, 2) Kuita izvi kungada nguva yakawanda, asi ndiro rimwe remabasa anokosha anoitwa nevakuru. Ungano inotenda chaizvo zvavanoita uye inovati “vakakodzera kukudzwa zvakapetwa kaviri.”—1 Tim. 5:17.

23 Vakuru pavanoona kuti zvechokwadi munhu akapara mhosva, chinangwa chavo chikuru ndechekuti mutadzi wacho avezve neukama hwakanaka naMwari. Kana akanyatsopfidza uye vachikwanisa kumubatsira, kumutsiura kwavanomuita ari ega kana kuti pamberi pevanhu vanenge vauya kuzopupura nezvenyaya yacho mudare, kuchamubatsira uye zvichaita kuti vamwe vatye kuzoitawo zvakafanana. (2 Sam. 12:13; 1 Tim. 5:20) Pese panotsiurwa munhu nedare, pane zvaanonzi ambomira kuita. Saka mutadzi wacho anobatsirwa ‘kururamisa nzira dzetsoka dzake.’ (VaH. 12:13) Nekufamba kwenguva, kana zvichioneka kuti munhu wacho ava kuita zviri nani pakunamata, anozonzi achiita zvaanga ambomiswa.

CHIZIVISO CHEKUTSIURA

24 Kana dare rinotonga rikaona kuti munhu apfidza asi zvimwe nyaya yacho ichazivikanwa muungano kana munharaunda kana kuti kana ungano ichifanira kunyeverwa nezvake, chiziviso chipfupi chichapiwa pamusangano Weushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu. Chinofanira kuti: “[Zita remunhu wacho] atsiurwa.”

KANA PAKASARUDZWA KUTI ADZINGWE

25 Dzimwe nguva, mutadzi anenge anyura muchivi chake zvoita kuti atadze kuteerera zvinenge zvichiitwa kuti abatsirwe. “Mabasa anoratidza kupfidza zvivi” anogona kusaoneka panguva yaanenge achitongwa. (Mab. 26:20) Saka zvofambiswa sei? Pakadaro, zvakakodzera kudzinga mutadzi asingapfidzi muungano, zvoita kuti arege kuwadzana nevanhu vaJehovha vakachena. Kana mutadzi akabviswa muungano zvichaita kuti ungano irambe yakachena pakunamata uye patsika. (Dheut. 21:20, 21; 22:23, 24) Paakaziva nezvemabasa anonyadzisa emumwe munhu aiva muungano yeKorinde, muapostora Pauro akarayira vakuru kuti “munofanira kuisa munhu akadaro kuna Satani kuti . . maonero eungano azochengetedzwa.” (1 VaK. 5:5, 11-13) Pauro akataurawo nezvekudzingwa muungano yechiKristu yepakutanga kwevamwe vakanga varamba chokwadi.—1 Tim. 1:20.

26 Kana zvikaoneka kuti mutadzi asingapfidzi anofanira kudzingwa, dare rinotonga rinofanira kumuudza nezvazvo, richinyatsomutaurira zvikonzero zviri muMagwaro zvaita kuti adzingwe. Dare racho richamuudza kuti kana achifunga kuti pane zvakakanganiswa pakutonga uye achida kukwidza nyaya yake, anofanira kunyora tsamba achinyatsotaura zvikonzero zvaari kukwidzira nyaya yake. Anopiwa mazuva 7 ekuita izvi kubva pamusi waanoudzwa zvinenge zvasarudzwa nedare racho. Kana dare revakuru ragamuchira tsamba yake richabva rataura nemutariri wedunhu, uyo anozosarudza vakuru vanokwanisa kuti vatongezve nyaya yacho. Vachaedza zvese zvavanogona kuti vatonge nyaya yacho vhiki rimwe chete risati rapera kubva pavanogamuchira tsamba iyi. Pakadai chiziviso chekudzinga chinombomira kupiwa. Panguva iyi, munhu wacho ari kupomerwa achambonzi arege kupindura kana kunyengetera pamisangano kana kuita zvimwe zvinhu kunze kwekuparidza.

27 Zvinoratidza mutsa kubvumira munhu kuti akwidze nyaya yake zvoita kuti ataure mafungiro ake. Saka kana mutadzi akarega nemaune kuuya kudare racho, chiziviso chekudzinga chichapiwa pashure pekunge vamboedza zvese zvavanogona kuti vataure naye.

28 Kana mutadzi asingadi kukwidza nyaya yake, dare rinotonga richamutsanangurira kukosha kwekupfidza uyewo matanho aanogona kutora kuti nekufamba kwenguva azodzorerwa. Izvi zvinobatsira uye zvinoratidza mutsa uye zvinofanira kuitwa pachitarisirwa kuti achachinja maitiro ake zvekuti anozodzorerwa musangano raJehovha.—2 VaK. 2:6, 7.

CHIZIVISO CHEKUDZINGA

29 Kana zvakakodzera kudzinga mutadzi asingapfidzi, chiziviso chipfupi chinopiwa, chichiti: “[Zita remunhu wacho] haasisiri mumwe weZvapupu zvaJehovha.” Izvi zvichaita kuti ungano irege kuwadzana naye.—1 VaK. 5:11.

KUZVIBVISA MUSANGANO

30 Munhu anonzi ‘azvibvisa musangano’ anenge ari Chapupu chakabhabhatidzwa asi ozoramba kuva muKristu achitaura kuti haachadi kunzi Chapupu chaJehovha. Kana kuti anenge ava kuita zvinhu zvakadai sekuva nhengo yesangano renyika rine zvinangwa zvinopesana nezvinodzidziswa neBhaibheri uye risingadiwi naJehovha Mwari.—Isa. 2:4; Zvak. 19:17-21.

31 Muapostora Johani akanyora nezvevanhu vemunguva yake vakasiya kutenda kwavo kwechiKristu achiti: “Ivo vakabva kwatiri, asi vakanga vasiri vamwe vedu; nekuti kudai vaiva vamwe vedu, vangadai vakaramba vari pamwe chete nesu. Asi vakabva kwatiri kuti zvionekwe kuti havasi vese vari pamwe chete nesu.”—1 Joh. 2:19.

32 Kana munhu azvibvisa musangano, Jehovha anenge ava kumuona zvakasiyana nemuKristu asingachaiti basa, uya asingachaendi kunoparidza. Munhu anogona kurega kuita basa pamusana pekuti haagari achidzidza Shoko raMwari. Kutambudzwa kana kuti matambudziko aari kusangana nawo zvinogonawo kuita kuti arege kushingaira pakushumira Jehovha. Vakuru pamwe chete nevamwe vari muungano vacharamba vachimubatsira mune zvekunamata.—VaR. 15:1; 1 VaT. 5:14; VaH. 12:12.

33 Asi kana muKristu akasarudza kuzvibvisa musangano, ungano inopiwa chiziviso chipfupi chinoti: “[Zita remunhu wacho] haasisiri mumwe weZvapupu zvaJehovha.” Munhu akadaro anobatwa sezvinongoitwa akadzingwa.

KUDZORERWA

34 Munhu akadzingwa kana kuti akazvibvisa musangano anogona kudzorerwa kana akaratidza kuti zvechokwadi apfidza uye kuti asiya maitiro ake akaipa. Anenge ava kuratidza kuti ava kuda kuva neukama hwakanaka naJehovha. Vakuru vanofanira kupa munhu wacho nguva yakakwana yekuratidza kuti anyatsopfidza. Izvi zvingareva mwedzi yakawanda, gore kana kutodarika. Dare revakuru parinogamuchira tsamba yekukumbira kudzorerwa, dare rekudzorera richataura nemunhu wacho. Dare racho richaongorora kuti rione kana achiratidza “mabasa anoratidza kupfidza zvivi” rosarudza kuti odzorerwa here kana kuti kwete.—Mab. 26:20.

35 Kana munhu akadzingwa akatamira kune imwe ungano uye okumbira kudzorerwa, dare rekudzorera remuungano yaava richaonana naye ronzwa chikumbiro chake. Kana dare racho richiona sekuti anokodzera kudzorerwa, richataura nedare revakuru veungano yakatonga nyaya yacho. Matare aya achashanda pamwe chete kuti ave nechokwadi chekuti ajekerwa nezvavanoda kuziva zvoita kuti vazoita chisarudzo chakarurama. Asi chisarudzo chekuti munhu wacho odzorerwa here chichaitwa nedare rekudzorera reungano yakatanga kutonga nyaya yacho.

CHIZIVISO CHEKUDZORERWA

36 Kana dare rekudzorera rikaona kuti munhu akadzingwa kana akazvibvisa musangano apfidza zvechokwadi uye anofanira kudzorerwa, chiziviso chekuti adzorerwa chichapiwa muungano yakatanga kutonga nyaya yacho. Kana munhu wacho ava kune imwe ungano, chiziviso chacho chinopiwawo zvakare kuungano iyoyo. Chinofanira kungoti: “[Zita remunhu wacho] adzorerwa kuti ave mumwe weZvapupu zvaJehovha.”

VANA VADIKI VAKABHABHATIDZWA PAVANOITA CHIVI

37 Vakuru vanofanira kuudzwa nezvechivi chakakura chinoitwa nemwana mudiki akabhabhatidzwa. Pavanotonga mhosva yakakura inobatanidza mwana, zvinenge zvakanaka kuti vabereki vemwana wacho vavepo kana vakabhabhatidzwa. Vanofanira kushandira pamwe nedare rinotonga, vasingavharidziri mwana wacho kuti asarangwa. Dare racho rinoedza kutsiura uye kubatsira mwana wacho kuti adzoke sezvinongoitwawo munhu mukuru anenge aita chivi. Asi kana mwana wacho asingapfidzi anodzingwa.

VAPARIDZI VASATI VABHABHATIDZWA PAVANOITA CHIVI

38 Ko kana muparidzi asati abhabhatidzwa akaita chivi chakakura? Sezvo asati abhabhatidzwa, haagoni kudzingwa. Anogona kunge asiri kunyatsonzwisisa mitemo yeBhaibheri, asi akanyatsobatsirwa, anogona ‘kururamisa nzira dzetsoka dzake.’—VaH. 12:13.

39 Kana muparidzi asati abhabhatidzwa asingapfidzi asi vakuru vaviri vamboedza kumubatsira, ungano inofanira kuziviswa. Chiziviso chipfupi chinopiwa chichiti: “[Zita remunhu wacho] haasisiri muparidzi asina kubhabhatidzwa.” Ungano ichabva yaona mutadzi wacho semunhu wenyika. Kunyange zvazvo munhu wacho asingadzingwi, vaKristu vanofanira kungwarira pakuwadzana naye. (1 VaK. 15:33) Mishumo yake yebasa remumunda haizogamuchirwi.

40 Kana zvikaitika kuti munhu asati abhabhatidzwa anenge akabviswa pakuva muparidzi ava kudazve kuva muparidzi, vakuru vaviri vachataura naye voona kana afambira mberi pakunamata. Kana vakaona zvakakodzera, chiziviso chipfupi chinopiwa, chichiti: “[Zita remunhu wacho] avazve muparidzi asina kubhabhatidzwa.”

JEHOVHA ANOKOMBORERA KUNAMATA KUNE RUGARE UYE KWAKACHENA

41 Vese vari muungano yaMwari vanofara nekuti vari muparadhiso yezvekunamata yavakagadzirirwa naJehovha. Mafuro edu ezvekunamata akanyatsosvibirira uye tine mvura yakawanda yechokwadi inotizorodza. Jehovha anotidzivirirawo achishandisa sangano rake rinotungamirirwa naKristu. (Pis. 23; Isa. 32:1, 2) Kunyange tichirarama mumazuva ano ekupedzisira ane matambudziko, kuva kwedu muparadhiso yezvekunamata kuri kuita kuti tinzwe takachengeteka.

Tikaita kuti ungano irambe iine rugare uye yakachena, tinoramba tichiita kuti chokwadi cheUmambo chipenye

42 Tikaita kuti ungano irambe iine rugare uye yakachena, tinoramba tichiita kuti chokwadi cheUmambo chipenye. (Mat. 5:16; Jak. 3:18) Nechikomborero chaJehovha, tichafara kuona vanhu vakawanda vachisvika pakuziva Jehovha vobatana nesu pakumushumira uye kuita kuda kwake.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe