RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • od chits. 15 pp. 157-161
  • Kuzviisa Pasi Peurongwa hwaMwari Kwakanakirei?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuzviisa Pasi Peurongwa hwaMwari Kwakanakirei?
  • Takarongwa Kuti Tiite Zvinoda Jehovha
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • PATINOFANIRA KUZVIISA PASI MUURONGWA HWAMWARI
  • Icho Kuzviisa Pasi Kwoumwari Kunoda Kwatiri
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Kuzviisa Pasi Kwoumwari—Nei Uye Naani?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Zvinorevei Kuva Musoro Weimba?
    Mukai!—2004
  • Chii Chinoreva Kuzviisa Pasi Muroorano?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
Ona Zvimwe
Takarongwa Kuti Tiite Zvinoda Jehovha
od chits. 15 pp. 157-161

CHITSAUKO 15

Kuzviisa Pasi Peurongwa hwaMwari Kwakanakirei?

KANA tichizova vanhu vakarongeka pakuita zvinoda Jehovha, tinofanira kuzviisa pasi pake sezvo ari iye Changamire wezvese. Tinofanirawo kuzviisa pasi peMwanakomana wake Jesu, nekuti ndiye musoro weungano yechiKristu. Uye zvakakosha kuti tiremekedze urongwa hwekuzviisa pasi mune zvimwewo zvinhu zvakasiyana-siyana muupenyu. Kana tikaita izvi, zvinhu zvinotifambira zvakanaka.

2 Nyaya yekuti vanhu vazviise pasi yakatangira mumunda weEdheni. Tinoona izvi pamirayiro yaMwari iri pana Genesisi 1:28 na2:16, 17. Mhuka dzaifanira kuzviisa pasi pevanhu, uye Adhamu naEvha vaifanira kuzviisa pasi paMwari vachiita zvaanoda. Kuita izvi kwaizoita kuti pave nerugare uye zvinhu zvifambe zvakanaka. Nyaya iyi yekuzviisa pasi inobuda zvakare pana 1 VaKorinde 11:3. Muapostora Pauro akanyora kuti: “Asi ndinoda kuti muzive kuti musoro wemurume wese ndiKristu; uye musoro wemukadzi murume; uye musoro waKristu ndiMwari.” Izvi zvinoratidza kuti kunze kwaJehovha, munhu wese ane waanofanira kuzviisa pasi pake.

3 Mazuva ano vanhu vakawanda havazviisi pasi. Nemhaka yei? Dambudziko racho rakatangira muEdheni Adhamu naEvha pavakasarudza kuti havadi kuzviisa pasi paMwari. (Gen. 3:4, 5) Asi pane kuti vawane rusununguko rwavaifungidzira, vakatozviisa pasi pechisikwa chisingaoneki uye chakaipa, Satani Dhiyabhorosi. Kupanduka kwavakaita uku ndiko kwakaita kuti vanhu vaparadzaniswe naMwari. (VaK. 1:21) Izvi ndizvo zviri kuita kuti vanhu vakawanda varambe vachitongwa neakaipa.—1 Joh. 5:19.

4 Kudzidza chokwadi chiri muShoko raMwari uye kuita zvarinotiudza ndiko kunoita kuti tirambe kutongwa naSatani. Sezvo takazvitsaurira tikabhabhatidzwa seZvapupu, tinobvuma kuti Jehovha ndiye Changamire wedu. Tinobvuma kuti Jehovha ndiye “mukuru pane zvese” sezvakaitwa naMambo Dhavhidhi. (1 Mak. 29:11) Tinotaura pachena kuti: “Zivai kuti Jehovha ndiMwari. Ndiye akatisika, uye tiri vake. Tiri vanhu vake nemakwai emafuro ake.” (Pis. 100:3) Tinobvuma kuti Jehovha mukuru uye kuti akakodzera kuti tinyatsozviisa pasi pake, nekuti ndiye akasika zvinhu zvese. (Zvak. 4:11) Sevashumiri vaMwari wechokwadi, tinotevedzera Jesu Kristu uyo akaratidza zvakakwana kuti kuzviisa pasi paMwari kunoitwa sei.

5 Jesu akadzidzei nekutambura kwaakaita pano panyika? VaHebheru 5:8 inoti: “Kunyange zvazvo aiva mwanakomana, akadzidza kuteerera pamatambudziko aakasangana nawo.” Akaramba achizviisa pasi paBaba vake vekudenga kunyange pazvaiva zvakaoma. Uyezve, haana kumboita kana chinhu chimwe chete chaakazvitangira ega. Haana kumbotaura zvake ega, uye haana kutsvaga kuti akudzwe. (Joh. 5:19, 30; 6:38; 7:16-18) Muushumiri, aifadzwa nekuita kuda kwaBaba vake kunyange zvazvo aipikiswa uye aitambudzwa. (Joh. 15:20) “Akazvininipisa” kusvikira afa “padanda rekutambudzirwa.” Kuzviisa pasi kwake kwakabatsira mune zvakawanda, uye kwakaita kuti vanhu vawane upenyu husingaperi, iye wacho akwidziridzwe, uye Baba vake vakudzwe.—VaF. 2:5-11; VaH. 5:9.

PATINOFANIRA KUZVIISA PASI MUURONGWA HWAMWARI

6 Kana tikabvumira Mwari kutitungamirira hatizonyanyi kuzvidya mwoyo kana kurwadziwa nezvinoitika muupenyu sezvinoita vaya vanoramba kutongwa naJehovha. Muvengi wedu Dhiyabhorosi, anoramba achiedza kutiparadza. Asi kana tikamurwisa, tozvininipisa pamberi paJehovha, iye achatinunura kuti tisakundwa naDhiyabhorosi.—Mat. 6:10, 13; 1 Pet. 5:6-9.

7 Tinobvuma kuti Kristu ndiye musoro weungano, uye kuti akapa “muranda akatendeka, akangwara” simba. Kuziva izvi kunoita kuti tiremekedzane uye tibatane zvakanaka. Kuzviisa pasi paMwari muungano kunoita kuti titeerere Shoko raMwari pazvinhu zvese zvine chekuita nekunamata. Zvinhu zvacho zvinosanganisira ushumiri hwedu, kupinda misangano uye kuva nezvatinoita pamisangano yacho, kuzviisa pasi pevakuru, uye kufambirana neurongwa hwesangano.—Mat. 24:45-47; 28:19, 20; VaH. 10:24, 25; 13:7, 17.

8 Kuzviisa pasi paMwari kunoita kuti pave nerugare, tinzwe takachengeteka uye kuti zvinhu zvifambe zvakanaka muungano yechiKristu. Unhu hwaJehovha hunooneka muvanamati vake. (1 VaK. 14:33, 40) Pamusana pekuva musangano raJehovha, mumwe nemumwe wedu ane zvaakaona muupenyu hwake zvinoita kuti ataure mashoko akafanana neaMambo Dhavhidhi. Pashure pekuona musiyano uri pakati pevashumiri vaJehovha nevakaipa, nemufaro Dhavhidhi akati: “Vanofara vanhu vana Jehovha saMwari wavo!”—Pis. 144:15.

9 Kana muri mumhuri, “musoro wemukadzi murume.” Varume vanofanirawo kuzviisa pasi paKristu ukuwo Kristu achizviisa pasi paMwari. (1 VaK. 11:3) Madzimai anofanira kuzviisa pasi pevarume vawo uye vana vanofanira kuzviisa pasi pevabereki vavo. (VaEf. 5:22-24; 6:1) Kana munhu wese akaremekedza urongwa uhwu, mhuri inova nerugare.

10 Murume anofanira kutungamirira mhuri yake nerudo, achitevedzera Kristu. (VaEf. 5:25-29) Asi kana murume achidzvinyirira mhuri yake kana kuti asingaichengeti, mhuri yake ichaomerwa nekuzviisa pasi pake. Basa remudzimai nderekubatsira murume wake. (Gen. 2:18) Kana akamutsigira nekumuremekedza, murume wake achawedzera kumuda uye izvi zvichaita kuti Mwari akudzwe. (1 Pet. 3:1-4) Varume nemadzimai pavanotevedzera zvinotaurwa neBhaibheri panyaya yekuzviisa pasi, vanenge vachidzidzisa vana vavo kuteerera Mwari.

Kuzviisa pasi paMwari kunobata zvinhu zvakasiyana-siyana muupenyu hwedu

11 Kuzviisa pasi paMwari kunoitawo kuti tiremekedze “vane masimba” nekuti “vakaiswa munzvimbo dzavo dzakasiyana-siyana naMwari.” (VaR. 13:1-7) VaKristu vanoteerera mitemo yemunyika yavanogara nekubhadhara mitero. Pavanodaro vanenge vachipa “zvinhu zvaKesari kuna Kesari, asi zvinhu zvaMwari kuna Mwari.” (Mat. 22:21) Uyewo mashandirwe achaitwa ndima anofanira kuenderana neMutemo Wekuchengetedza Mashoko Ane Chekuita Nemunhu. Kuzviisa pasi uye kuteerera vane masimba pazvinhu zvese zvisingatyori mitemo yaJehovha yakarurama, kunoita kuti tishandise simba redu rakawanda pabasa rekuparidza.—Mako 13:10; Mab. 5:29.

12 Kuzviisa pasi paMwari kunobata zvinhu zvakasiyana-siyana muupenyu hwedu. Nekutenda, tinogona kuona ramangwana apo munhu wese anenge ava pasi paMwari. (1 VaK. 15:27, 28) Jehovha achakomborera chaizvo vaya vanobvuma kutonga kwake uye vanoramba vachizviisa pasi pake!

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe