RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ypq mubvunzo 7 pp. 21-23
  • Ndingaita Sei Kana Ndichinzi Ndiite Zvepabonde?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndingaita Sei Kana Ndichinzi Ndiite Zvepabonde?
  • Mhinduro 10 Dzemibvunzo Yevechiduku
  • Mashoko Akafanana
  • Kuita Zvepabonde Kuchaita Kuti Tiwedzere Kudanana Here?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, Bhuku 1
  • Kuita Zvepabonde Kuchaita Kuti Tinyanye Kudanana Here?
    Mukai!—2010
  • Ndingaita Sei Kuti Ndisabvume Kufurirwa Kuita Zvebonde?
    Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • Ndingatsanangurira Sei Vamwe Zvandinotenda Panyaya Dzebonde?
    Vechidiki Vanobvunza Kuti
Ona Zvimwe
Mhinduro 10 Dzemibvunzo Yevechiduku
ypq mubvunzo 7 pp. 21-23
Musikana ari kuramba zvakasimba kufurirwa nemukomana

MUBVUNZO 7

Ndingaita Sei Kana Ndichinzi Ndiite Zvepabonde?

NEI UCHIFANIRA KUZVIZIVA?

Kana ukatadza kusarudza zvakanaka panyaya iyi, unogona kuzvikanganisira ramangwana rako.

WAIZOITA SEI?

Chimbofungidzira izvi: Heather ava nemwedzi miviri chete achidanana naMike, asi anoona sekuti ava kunyatsomuziva. Vanogara vachitumirana mameseji, vanoita maawa vachitaura pafoni, uye mumwe asati apedza kutaura mumwe anenge ava kutoziva kuti mumwe wake ari kuda kuti chii! Asi Mike ava kuda zvinopfuura kungotaura chete.

Mumwedzi miviri yapfuura, Mike naHeather vaingogumira pakubatana maoko nekukisana zvishoma. Heather haadi kuti zvipfuure ipapo. Asiwo haadi kurambwa naMike. Mike anoita kuti Heather anzwe sekuti ndiye ega panyika. Heather anozviudza kuti, ‘Ini naMike tiri kupengesana . . . ’

Kana uri pazera rekudanana nemumwe munhu, wobva wasangana nezvakaitika kuna Heather waizoita sei?

CHIMBOMIRA UFUNGE!

Hembe iri kushandiswa sejira rekupukutisa

Kuita zvepabonde chipo chinobva kuna Mwari chaanopa vanhu vakaroorana chete. Kurara nemunhu wausina kuroorana naye kusakoshesa chipo ichi. Kwakafanana nekutora hembe yakanaka yawakapiwa woishandisa sejira rekupukutisa zvinhu

Kana ukajamba kubva mumuti uchida kubhururuka seshiri, unokuvara. Izvozvo zvakangofanana nokusateerera mutemo unoti: “Murege ufeve.”​—1 VaTesaronika 4:3.

hii chinoitika kana ukasauteerera? Bhaibheri rinoti: “Ane tsika yokuita ufeve ari kutadzira muviri wake pachake.” (1 VaKorinde 6:18) Sei mashoko aya ari echokwadi?

Vanoongorora vakaona kuti vechidiki vakawanda vanoita zvepabonde vasati varoora kana kuroorwa vanowanzosangana nematambudziko anotevera.

  • KUNETSEKA. Vechiduku vakawanda vanoita zvepabonde vasati varoora kana kuroorwa vanozozvidemba.

  • KUSAVIMBANA. Pashure pokuita zvepabonde mumwe nomumwe anotanga kuzvibvunza kuti, ‘Ndini ndoga here waarara naye kana kuti kune vamwe?’

  • KURWADZIWA. Chinonyanya kudiwa nevasikana vakawanda munhu anovachengetedza kwete anovashandisa. Uye vakomana vakawanda havawanzoda musikana wavakamborara naye.

  • Chinhu chinokosha: Kana ukabvuma kuita zvepabonde usati waroora kana kuroorwa unenge wazvidzikisira nekutambisa chinhu chinokosha. (VaRoma 1:24) Muviri wako unokosha chaizvo, hausi wokungotambisa!

Ratidza kuti unogona kuzvidzora kuti ‘usaita ufeve.’ (1 VaTesaronika 4:3) Kana wazoroorwa kana kuroora unenge wasununguka kuita zvepabonde. Uchazonyatsonakidzwa nazvo, uye hauzozvidembi kana kunetseka sezvinowanzoita vanhu vanoita zvepabonde vasina kuroora kana kuroorwa.​—Zvirevo 7:22, 23; 1 VaKorinde 7:3.

UNOTIWO CHII?

  • Munhu anokuda zvechokwadi angada here kuita zvinhu zvinokanganisa ramangwana rako uye wosara uchizvidemba?

  • Munhu anonyatsokuda angakuisa pamuedzo kuti ukanganise ushamwari hwako naMwari here?​—VaHebheru 13:4.

KUVASIKANA

Musikana ari kufunga

Vakomana vakawanda vanotaura kuti havafi vakaroora musikana wavakamborara naye. Nei? Nokuti vanoda munhu asina kumboita zvepabonde!

Izvozvo zvinokushamisa here, kana kuti kutokushatirisa? Yeuka izvi: Mafirimu uye zvinobudiswa paTV zvinoita kuti vanhu vafunge kuti hapana chakaipa kana vechidiki vakarara vese vasati varoorana uye kuti ndirwo runonzi rudo rwechokwadi.

Asi hazvisirizvo! Vaya vanoedza kukunyengetedza kuti muite zvepabonde musati maroorana vari kungotsvaka zvakavanakira chete.​—1 VaKorinde 13:4, 5.

KUVAKOMANA

Mukomana ari kufunga

Kana uine musikana zvibvunze kuti, ‘Ndinonyatsomuda here?’ Kana uchimuda, unganyatsozviratidza sei? Nokuva nesimba rokutevedzera mitemo yaMwari, kuva nouchenjeri hwokusazvipinza mumiedzo, uye kuva nerudo rwokuita zvakamunakira.

Kana ukaita izvozvo, musikana wako anogona kutaura sezvakaita muShuramiti ainge akazvibata, uyo akati: “Mudiwa wangu ndewangu uye ini ndiri wake.” (Rwiyo rwaSoromoni 2:16) Uchaona kuti musikana wako achatowedzera kukuda!

MAZANO

Kana mumwe munhu akaedza kukunyengetedza kuti muite zvepabonde achiti, “Kana uchindida, bvuma kani,” nyatsomubudira pachena uchiti, “Kana uchindida, haungambotauri zvauri kutaura izvozvo!”

Kana uine munhu wauri kudanana naye, zano rakanaka ndeiri: Kana paine chinhu chausingadi kuti vabereki vako vakuone uchiita, haufaniri kuchiita.

ZVANDICHAITA

  • Uchaita sei kana mumwe munhu akati muite zvepabonde?

  • Zvii zvingaita kuti zvikuomere kuramba?

  • Zvii zvauchaita kuti usazviisa pamuedzo?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe