RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • lfb chidzidzo 2 p. 10-p. 11 ndim. 1
  • Mwari Akasika Murume Nemukadzi Vekutanga

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mwari Akasika Murume Nemukadzi Vekutanga
  • Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Mashoko Akafanana
  • Murume Nomukadzi Vokutanga
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Nei Tichichembera Uye Tichifa?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2019
  • Muvengi Wokupedzisira, Rufu, Achaparadzwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
  • Kufa Uye Kumuka kwaJesu—Kunoita Kuti Uwanei?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
Ona Zvimwe
Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
lfb chidzidzo 2 p. 10-p. 11 ndim. 1
Adhamu naEvha vari mumunda weEdheni

CHIDZIDZO 2

Mwari Akasika Murume Nemukadzi Vekutanga

Jehovha akagadzira munda munzvimbo yainzi Edheni. Munda wacho wakanga wakazara maruva, miti nemhuka. Mwari akabva asika munhu wekutanga, Adhamu, achishandisa guruva revhu uye akabva afuridzira mhepo yekufema mumhino dzake. Unoziva here kuti chii chakaitika? Munhu wacho akabva atanga kurarama! Jehovha akabva audza Adhamu kuti achengetedze munda wacho uye kuti ape mhuka dzese mazita.

Jehovha akapa Adhamu mutemo waikosha. Akaudza Adhamu kuti: ‘Unogona kudya michero yemiti yose, asi usadya michero yemuti uyu chete. Kana ukangoidya, uchafa.’

Pava paya, Jehovha akati: ‘Ndichasika mumwe munhu kuti abatsire Adhamu.’ Akabva aita kuti Adhamu arare hope huru, uye Mwari akabva atora mbabvu yaAdhamu imwe chete akaishandisa pakusika mudzimai waAdhamu. Zita rake ainzi Evha. Adhamu naEvha vakabva vava mhuri yekutanga. Ko Adhamu akaita sei paakapiwa mudzimai? Adhamu akafara chaizvo zvekuti akati: ‘Honai zvasikwa naJehovha achishandisa mbabvu yangu! Aa! Ndazowanawo akafanana neni.’

Jehovha akaudza Adhamu naEvha kuti vave nevana uye vazadze nyika yose. Aida kuti vanakidzwe nekushanda pamwe chete pakuita kuti nyika yose ive paradhiso, kana kuti paki yakanaka yakangofanana nemunda weEdheni. Asi zvinhu hazvina kuzofamba saizvozvo. Chii chakaitika? Tichadzidza nezvazvo muchitsauko chinotevera.

“Iye akavasika pakutanga akavaita munhurume nemunhukadzi.”—Mateu 19:4

Mibvunzo: Jehovha akapa Adhamu basa rei? Chii chaizoitika kuna Adhamu naEvha kana vakadya muchero wemuti wakarambidzwa naMwari?

Genesisi 1:27-31; 2:7-9, 15-23; Pisarema 115:16; Mateu 19:4-6

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe