RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • lfb chidzidzo 12 p. 34-p. 35 ndim. 5
  • Jakobho Anowana Nhaka

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Jakobho Anowana Nhaka
  • Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Mashoko Akafanana
  • Manyambiri Akanga Akasiana
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Chengetedza Nhaka Yako Nokusarudza Nokuchenjera
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
  • Jakobho naIsau Vanotangazve Kuwirirana
    Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
Ona Zvimwe
Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
lfb chidzidzo 12 p. 34-p. 35 ndim. 5
Jakobho achipa Isau ndiro yenyemba kuti apiwe udangwe naIsau

CHIDZIDZO 12

Jakobho Anowana Nhaka

Isaka naRibheka vaine vanakomana vavo mapatya, Jakobho naIsau

Isaka akanga ava nemakore 40 paakaroora Ribheka. Aimuda chaizvo. Nekufamba kwenguva, vakava nevanakomana vaviri avo vaiva mapatya.

Mukuru wacho ainzi Isau, uye mudiki wacho ainzi Jakobho. Isau aifarira zvekugara ari musango achivhima mhuka. Asi Jakobho aifarira hake kugara pamba.

Mumazuva iwayo, mwanakomana mukuru ndiye aipiwa nzvimbo yekugara yakakura, nemari yakawanda kana baba vake vafa. Iyoyo ndiyo yainzi nhaka. Mumhuri yaIsaka, nhaka yacho yaisanganisirawo zvakanga zvavimbiswa naJehovha kuna Abrahamu. Isau akanga asinganyanyi kukoshesa vimbiso idzodzo, asi Jakobho aiziva kuti dzaikosha chaizvo.

Jakobho naIsau

Rimwe zuva Isau akauya kumba akaneta chaizvo achibva kunovhima. Akanzwa kunhuwirira kwechikafu chakanaka chaibikwa naJakobho, achibva ati: ‘Ndine nzara! Ndipewo zvekudya zvitsvuku izvo!’ Jakobho akati: ‘Ndichakupa, asi tanga wandivimbisa kuti uchandipa nhaka yako.’ Isau akati: ‘Handina basa nenhaka yacho ini! Tora hako. Ini chandiri kungoda kudya chete.’ Unofunga kuti Isau akagona here paakaita izvozvo? Aiwa, haana. Isau akachinjanisa chinhu chinokosha chaizvo nendiro yenyemba tsvuku chete.

Isaka paakanga akwegura chaizvo, yakanga yava nguva yekuti akomborere mwanakomana wake mukuru. Asi Ribheka akabatsira mwanakomana mudiki wacho Jakobho, kuti awane chikomborero chacho. Isau paakazviziva akatsamwa chaizvo uye akabva afunga kuuraya munin’ina wake. Isaka naRibheka vakanga vasingadi kuti Jakobho aurayiwe, saka vakamuudza kuti: ‘Enda unogara nehanzvadzi yaamai vako Rabhani, kusvikira hasha dzemukoma wako Isau dzadzikira.’ Jakobho akateerera zvaakaudzwa nevabereki vake, akabva atiza kuti aponese upenyu hwake.

“Zvinobatsirei kuti munhu awane nyika yese orasikirwa neupenyu hwake? Munhu angapa chii chaizvo, kuti arege kurasikirwa neupenyu hwake?”—Mako 8:36, 37

Mibvunzo: Isau aiva munhu akaita sei? Jakobho aiva munhu akaita sei? Nei Jakobho ari iye akawana chikomborero panzvimbo paIsau?

Genesisi 25:20-34; 27:1–28:5; VaHebheru 12:16, 17

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe