RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • lfb chidzidzo 14 p. 40-p. 41 ndim. 1
  • Muranda Akateerera Mwari

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Muranda Akateerera Mwari
  • Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Mashoko Akafanana
  • “Ndingaita Seiko Chinhu Ichi Chakaipa Kwazvo?”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
  • Vakoma vaJosefa Vanomuvenga
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Jehovha Ari Kukubatsira Kuti Ubudirire
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2023
  • Josefa Anoiswa Mutorongo
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
Ona Zvimwe
Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
lfb chidzidzo 14 p. 40-p. 41 ndim. 1
Josefa ari kutiza mudzimai waPotifari

CHIDZIDZO 14

Muranda Akateerera Mwari

Josefa aiva mumwe wevanakomana vadiki vaJakobho. Vakoma vake vakaona kuti Jakobho ainyanya kuda Josefa. Unofunga kuti vakazvifarira here? Vaiitira Josefa shanje uye vaimuvenga. Josefa paakarota hope dzainetsa kunzwisisa, akaudza vakoma vake nezvadzo. Hope dzacho dzaireva kuti rimwe zuva vaizomukotamira. Vakabva vatowedzera kumuvenga!

Vakoma vaJosefa vari kumukanda mugomba

Rimwe zuva vakoma vaJosefa vaifudza makwai pedyo neguta reShekemu. Jakobho akatuma Josefa kuti anoona kuti vakoma vake vakanga vakadii. Vakoma vacho vakaona Josefa achiri kure, vachibva vatanga kutaurirana vachiti: ‘Muroti uya ari kuuya kuno. Ngatimuurayei!’ Vakabva vamubata, ndokumukanda mugomba rakadzika. Asi mumwe wevakoma vake ainzi Judha, akati: ‘Musamuuraya! Ngatimutengesei kuti ave muranda.’ Saka vakabva vatengesa Josefa nemasirivha 20 kuvatengesi vekuMidhiyani vaienda kuIjipiti.

Vakoma vaJosefa vakabva vanyika jasi raJosefa muropa rembudzi, vachibva vaenda naro kuna baba vavo, vakabva vati: ‘Harisi jasi remwanakomana wenyu here iri?’ Saka Jakobho akafunga kuti Josefa akanga aurayiwa nemhuka yemusango. Zvakamurwadza chaizvo. Akanga asingadi kunyaradzwa.

Josefa ari mujeri

Ava kuIjipiti, Josefa akatengeswa kune mumwe mukuru mukuru ainzi Potifari. Asi Jehovha akanga aina Josefa. Potifari akaona kuti Josefa aigona basa, uye kuti aiva munhu aigona kuvimbwa naye. Saka Josefa ndiye akanga ava kutungamirira zvinhu zvese zvaPotifari.

Mudzimai waPotifari akaona kuti Josefa akanga akanaka chaizvo uye akasimba. Zuva nezuva aigara achiudza Josefa kuti arare naye. Josefa aizoita sei? Akaramba uye akabva ati: ‘Aiwa! Hazviiti. Tenzi wangu anovimba neni uye imimi muri mudzimai wake. Kana ndikarara nemi, ndinenge ndatadzira Mwari!’

Rimwe zuva mudzimai waPotifari akaedza kumanikidza Josefa kuti arare naye. Akabata hembe dzaJosefa, asi Josefa akatiza. Potifari paakadzoka kumba, mudzimai wake akati Josefa aida kumubata chibharo. Ikoko kwaiva kunyepa. Potifari akatsamwa chaizvo, uye akakanda Josefa mujeri. Asi Jehovha haana kukanganwa Josefa.

“Saka zvininipisei pasi peruoko rwaMwari rune simba, kuti akukwidziridzei panguva yakakodzera.”—1 Petro 5:6

Mibvunzo: Vakoma vaJosefa vaimubata sei? Chii chakaita kuti Josefa apedzisire ava mujeri?

Genesisi 37:1-36; 39:1-23; Mabasa 7:9

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe