RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • lfb chidzidzo 19 p. 50-p. 51 ndim. 2
  • Matambudziko 3 Ekutanga

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Matambudziko 3 Ekutanga
  • Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Mashoko Akafanana
  • Mosesi naAroni Vanoona Farao
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Mamwe Matambudziko 6 Anotevera
    Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Jehovha Ndianiko?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Mosesi naAroni Vazivisi Vaiva Noushingi veShoko raMwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
Ona Zvimwe
Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
lfb chidzidzo 19 p. 50-p. 51 ndim. 2
Mozisi naAroni vakamira pamberi paFarao

CHIDZIDZO 19

Matambudziko 3 Ekutanga

VaIsraeri vaimanikidzwa kuti vashande zvakaoma sevaranda. Jehovha akatuma Mozisi naAroni kunoudza Farao kuti: ‘Rega vanhu vangu vaende, kuti vanondinamata kurenje.’ Achizvikudza, Farao akapindura kuti: ‘Handina basa nekuti Jehovha ati chii, uye handisi kuzorega vaIsraeri vachienda.’ Farao akabva atovamanikidza kuti vashande zvakaoma kupfuura zvavaimboita. Jehovha aizodzidzisa Farao chidzidzo. Unoziva here kuti akazviita sei? Akaunza Matambudziko 10 panyika yeIjipiti. Jehovha akaudza Mozisi kuti: ‘Farao haasi kunditeerera. Mangwanani achange ari parwizi rwaNire. Enda kwaari umuudze kuti mvura yese yerwizi rwaNire ichachinja kuva ropa nekuti haana kurega vanhu vangu vachienda.’ Mozisi akateerera uye akabva aenda kuna Farao. Farao akaona Aroni achirova mvura yerwizi rwaNire netsvimbo yake, uye mvura yacho yakachinja kuva ropa. Mvura yerwizi rwacho yakabva yatanga kunhuwa, hove dzikafa, uye kwakanga kusisina mvura yakachena yekunwa kubva murwizi rwaNire. Asi Farao akarambazve kuti vaIsraeri vaende.

Papera mazuva 7, Jehovha akatumirazve Mozisi kuna Farao kuti amuudze kuti: ‘Ukarambidza vanhu vangu kuenda, Ijipiti ichazara nematatya.’ Farao haana kuteerera, saka Aroni akasimudza tsvimbo yake, matatya akatanga kuzara panyika yese. Vanhu vaiona matatya ari mudzimba dzavo, pavanorara, uye mumidziyo yavo. Matatya akanga akazara pese pese! Farao akaudza Mozisi kuti akumbire Jehovha kuti agumise dambudziko iri. Farao akavimbisa kuti aizosiya vaIsraeri vachienda. Saka Jehovha akamisa dambudziko racho, uye vaIjipiti vakaunganidza mirwi nemirwi yematatya akafa. Nyika yakatanga kunhuwa. Asi kunyange zvakadaro, Farao haana kurega vaIsraeri vachienda.

Jehovha akabva audza Mozisi kuti: ‘Aroni ngaarove pasi netsvimbo yake, uye guruva richabva rachinja kuita unyunyu, kana kuti tunhunzi tudiki tunoruma.’ Ipapo unyunyu hwakabva hwazara pese pese. Vamwe vanhu vemuIjipiti vakatoudza Farao kuti: ‘Dambudziko iri riri kubva kuna Mwari.’ Asi Farao akaramba kuti vaIsraeri vaende.

Matambudziko 3 pamatambudziko 10 akaitika muIjipiti: ropa muRwizi rwaNire, matatya, uye unyunyu

“Ndichaita kuti vazive simba rangu neukuru hwangu, uye vachaziva kuti ndinonzi Jehovha.”—Jeremiya 16:21

Mibvunzo: Ndeapi aiva matambudziko 3 ekutanga? Nei Jehovha akaita kuti pave nematambudziko aya?

Eksodho 5:1-18; 7:8–8:19; Nehemiya 9:9, 10

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe