RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • lfb chidzidzo 22 p. 56-p. 57 ndim. 3
  • Chishamiso Chakaitika paGungwa Dzvuku

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chishamiso Chakaitika paGungwa Dzvuku
  • Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Mashoko Akafanana
  • Kuyambuka Gungwa Dzvuku
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • ‘Jah Ndiye Ruponeso Rwangu’
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
  • “Mirai Makasimba Muone Ruponeso rwaJehovha”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
  • Mwari Anonunura Vanakomana vaIsraeri
    Bhaibheri—Rinombotaura Nezvei?
Ona Zvimwe
Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
lfb chidzidzo 22 p. 56-p. 57 ndim. 3
Farao nemasoja ake

CHIDZIDZO 22

Chishamiso Chakaitika paGungwa Dzvuku

Farao paakangonzwa kuti vaIsraeri vabuda muIjipiti, akabva afunga kuvadzosa. Akaudza masoja ake kuti: ‘Torai ngoro dzangu dzese dzehondo mugadzirire kuti tivatevere! Tanga tisingafaniri kuvasiya vachienda.’ Farao nemasoja ake vakabva vatanga kutevera vaIsraeri.

Jehovha aitungamirira vanhu vake achishandisa gore masikati uye usiku aishandisa moto. Akavatungamirira kuGungwa Dzvuku uye akavaudza kuti vavake musasa.

VaIsraeri vakabva vaona Farao nemasoja ake vachiuya kwavari. Vakanga vasisina kwekutizira sezvo kumberi kwavo kwaiva negungwa uye kumashure kwavo kwaiva nemasoja evaIjipiti. Vakatanga kuchemera Mozisi vachiti: ‘Tava kufa! Dai wakatisiya tiri muIjipiti.’ Asi Mozisi akati: ‘Musatya. Mirai muone kuponeswa kwatichaitwa naJehovha.’ Mozisi ainyatsovimba naJehovha, handiti?

Jehovha akaudza vaIsraeri kuti vaputse musasa. Usiku ihwohwo, Jehovha akafambisa gore akariisa pakati pevaIjipiti nevaIsraeri. Kudivi revaIjipiti kwaiva nerima. Asi kudivi revaIsraeri kwaiva nechiedza.

Jehovha akaudza Mozisi kuti atambanudzire ruoko rwake kugungwa. Uye Jehovha akaita kuti mhepo ine simba ivhuvhute usiku hwese. Gungwa rakavhurika nepakati uye pakabva pava nenzira yekuti vapinde nayo. Mamiriyoni evaIsraeri akafamba nepakaoma kuenda kune rimwe divi achipfuura nepakati pemvura yakaita semadziro kurudyi nekuruboshwe kwavo.

VaIsraeri vari kufamba nepanyika yakaoma uye mvura yakaita semadziro kumativi avo

Masoja aFarao akapindawo nepakati pegungwa pakanga pakaoma achitevera vaIsraeri. Jehovha akabva avhiringidza masoja acho. Mavhiri engoro dzavo dzehondo akatanga kugurunuka. Masoja acho akatanga kushevedzera achiti: ‘Ngatibvei pano! Jehovha ndiye ari kuvarwira.’

Jehovha akaudza Mozisi kuti: ‘Tambanudzira ruoko rwako kugungwa.’ Ipapo mvura yemugungwa yakabva yadzokera pane zvayakanga yakaita, ikafukidza masoja evaIjipiti. Farao nevanhu vake vese vakabva vafa. Hapana kana mumwe chete wavo akapukunyuka.

Boka guru revanhu vaiva kune rimwe divi regungwa vakarumbidza Mwari vachiimba rwiyo, vachiti: “Imbirai Jehovha, nokuti akwidziridzwa kwazvo. Akanda bhiza nomutasvi waro mugungwa.” Vanhu pavaiimba, vakadzi vaitamba nekuridza matambureni. Vanhu vese vaifarira kuti iye zvino vakanga vasunungurwa zvechokwadi.

“Kuti tive vakanyatsoshinga tichiti: ‘Jehovha ndiye mubatsiri wangu; handizotyi. Munhu angandiitei?’”—VaHebheru 13:6

Mibvunzo: Nei vaIsraeri vakatya pavakasvika paGungwa Dzvuku? Jehovha akaponesa sei vaIsraeri?

Eksodho 13:21–15:21; Nehemiya 9:9-11; Pisarema 106:9-12; 136:11-15; VaHebheru 11:29

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe