RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • lfb chidzidzo 27 p. 68-p. 69 ndim. 2
  • Vakapandukira Jehovha

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Vakapandukira Jehovha
  • Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Mashoko Akafanana
  • Tsvimbo yaAroni Inoita Maruva
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Remekedza Chiremera chaMwari Nokuvimbika
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
  • Jehovha Anokuziva Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Kuzvikudza Kunotungamirira Kukunyadziswa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
Ona Zvimwe
Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
lfb chidzidzo 27 p. 68-p. 69 ndim. 2
Kora nevaya vaimutsigira vakamira pamberi paMozisi naAroni

CHIDZIDZO 27

Vakapandukira Jehovha

Papfuura nguva yakati, vaIsraeri pavakanga vachiri murenje, Kora, Dhatani naAbhiramu nevamwewo vanhu 250, vakapandukira Mozisi naAroni. Vakati kwavari: ‘Taneta nemi! Nei iwe uchifanira kuva mutungamiriri wedu uye Aroni ari mupristi mukuru? Jehovha anesuwo, haasingori newe naAroni chete.’ Jehovha haana kufara nazvo. Akazviona kuti vanhu ava vakanga vachipandukira iye!

Mozisi akaudza Kora nevatsigiri vake kuti: ‘Huyai kutebhenekeri mangwana, uye muuye nemidziyo yekuisira moto yakazadzwa nerusenzi. Jehovha achatiratidza kuti ndiani waakasarudza.’

Mangwana acho, Kora nevarume vaya 250 vakaenda kunosangana naMozisi kutebhenekeri. Vari ikoko vakapisa rusenzi, basa raifanira kungoitwa nevapristi chete. Jehovha akaudza Mozisi naAroni kuti: ‘Zviparadzanisei kubva kuna Kora nevatsigiri vake.’

Kora paakaenda kwaiva naMozisi kutebhenekeri, Dhatani naAbhiramu pamwe nemhuri dzavo vakaramba kuenda. Jehovha akaudza vaIsraeri kuti vabve pedyo nematende aKora, Dhatani naAbhiramu. Pakarepo, vaIsraeri vakabva vasuduruka. Dhatani naAbhiramu nemhuri dzavo vakamira kunze kwematende avo. Ipapo pasi pakabva pavhurika pakavamedza! Kutebhenekeri, moto wakaburuka kubva kudenga ukapisa Kora nevarume 250 vaimutsigira.

Pasi panovhurika, pomedza Dhatani, Abhiramu nemhuri dzavo

Jehovha akabva audza Mozisi kuti: ‘Tora tsvimbo kubva kumukuru wedzinza rimwe nerimwe, wonyora zita rake pairi. Asi patsvimbo yedzinza raRevhi, nyora zita raAroni. Tora tsvimbo dzacho udziise mukati metebhenekeri, uye tsvimbo yemunhu wandichasarudza ichamera maruva.’

Zuva rakatevera racho, Mozisi akatora tsvimbo dzese akadziratidza kuvakuru vemadzinza. Tsvimbo yaAroni yakanga iri kumera maruva nemaarumondi akaibva. Izvi zvakaratidza kuti Jehovha akanga asarudza Aroni kuti ave mupristi mukuru.

“Teererai vaya vari kukutungamirirai, uye zviisei pasi pavo.”—VaHebheru 13:17

Mibvunzo: Nei Kora nevatsigiri vake vakapandukira Mozisi? Tinoziva sei kuti Jehovha akasarudza Aroni kuti ave mupristi mukuru?

Numeri 16:1–17:13; 26:9-11; Pisarema 106:16-18

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe