RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • lfb chidzidzo 39 p. 96
  • Mambo Wekutanga wevaIsraeri

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mambo Wekutanga wevaIsraeri
  • Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Mashoko Akafanana
  • Sauro—Mambo Wokutanga waIsraeri
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • “Kuteerera Kuri Nani Kupfuura Chibayiro”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Akaodzwa Mwoyo Asi Haana Kukanda Mapfumo Pasi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Akatsungirira Pasinei Nezvinhu Zvaiodza Mwoyo
    Tevedzera Kutenda Kwavo
Ona Zvimwe
Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
lfb chidzidzo 39 p. 96
Mambo Sauro anobata mupendero wejasi raSamueri uye rinobva rabvaruka

CHIDZIDZO 39

Mambo Wekutanga wevaIsraeri

Jehovha akapa vaIsraeri vatongi kuti vavatungamirire, asi vaIsraeri vaida mambo. Vakati kuna Samueri: ‘Mamwe marudzi ese akatipoteredza ane madzimambo. Nesuwo tinoda mambo.’ Samueri akaona kuti izvi zvakanga zvakaipa chaizvo saka akanyengetera kuna Jehovha nezvazvo. Jehovha akati kwaari: ‘Vanhu ava havasi kuramba iwewe. Asi vari kuramba inini. Vaudze kuti kana vakava namambo, mambo wacho achavamanikidza kuti vamupe uye vamuitire zvinhu zvakawanda.’ Asi vanhu vakati: ‘Hatina basa nazvo. Isu tiri kungoda mambo chete!’

Jehovha akaudza Samueri kuti murume ainzi Sauro ndiye aizova mambo wekutanga. Sauro paakaenda kunoona Samueri kuRama, Samueri akamuzodza kuti ave mambo kuburikidza nekumudira mafuta mumusoro.

Pava paya, Samueri akashevedza vaIsraeri, akavaunganidza kuti avaratidze mambo wavo. Asi havana kuona kuti Sauro akanga ari kupi. Unoziva here kuti nei? Nekuti akanga akahwanda pakati penhumbi. Pavakazomuwana, vakauya naye vakamumisa pakati pevanhu. Sauro akanga akareba kupfuura vanhu vese, uye akanga akanaka chaizvo. Samueri akati: ‘Honai munhu asarudzwa naJehovha.’ Vanhu vacho vakabva vashevedzera vachiti: ‘Mambo ngaararame!’

Pakutanga, Mambo Sauro aiteerera Jehovha paaiita zvaaiudzwa naSamueri. Asi akazochinja. Semuenzaniso, mambo Sauro akanga asingafaniri kupa zvibayiro. Pane imwe nguva, Samueri akanga audza Sauro kuti amumirire kuti auye, asi Samueri akanonoka. Saka Sauro akabva asarudza kupa zvibayiro zvacho ega. Ko Samueri akaita sei nazvo? Akaudza Sauro kuti: ‘Wanga uchifanira kuteerera Jehovha.’ Sauro aizodzidza here kubva pachikanganiso chake?

Gare gare, Sauro paakazoenda kunorwa nevaAmareki, Samueri akamuudza kuti avauraye vese zvavo. Asi Sauro akasarudza kusauraya Mambo Agagi. Jehovha akati kuna Samueri: ‘Sauro andisiya uye haasi kunditeerera.’ Samueri akarwadziwa chaizvo uye akabva audza Sauro kuti: ‘Jehovha achasarudza mumwe mambo nekuti hauchamuteereri.’ Samueri paakatendeuka kuti aende, Sauro akabata mupendero wejasi raSamueri uye rakabva rabvaruka. Samueri akabva ati kuna Sauro: ‘Jehovha abvarura umambo kubva kwauri.’ Jehovha aizopa umambo hwacho kune mumwe munhu aimuda uye aimuteerera.

“Kuteerera kunokunda chibayiro.”—1 Samueri 15:22

Mibvunzo: VaIsraeri vakakumbirei? Nei Jehovha akasarudza mumwe munhu kuti ave mambo panzvimbo paSauro?

1 Samueri 8:1-22; 9:1, 2, 15-17; 10:8, 20-24; 13:1-14; 15:1-35

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe