RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • lfb chidzidzo 43 p. 104
  • Chivi Chakaitwa naMambo Dhavhidhi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chivi Chakaitwa naMambo Dhavhidhi
  • Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Mashoko Akafanana
  • Chinetso Mumba yaDhavhidhi
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Vimba Nomudzimu waMwari Mukuchinja Kunoitika Muupenyu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2004
  • Kureurura Kunoita Kuti Upore
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • “Mwoyo Wakaputsika Nowakapwanyika” Paunenge Uchida Kukanganwirwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
Ona Zvimwe
Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
lfb chidzidzo 43 p. 104
Muprofita Natani ari kutsiura Dhavhidhi

CHIDZIDZO 43

Chivi Chakaitwa naMambo Dhavhidhi

Sauro paakafa, Dhavhidhi akava mambo. Panguva iyoyo Dhavhidhi akanga ava nemakore 30. Makore sezvaaifamba, mumwe musi manheru paakanga ari pamusoro pedenga reimba yake, akaona mukadzi akanga akanaka. Dhavhidhi akazoziva kuti mukadzi wacho ainzi Bhati-shebha uye kuti akanga akaroorwa nemusoja ainzi Uriya. Dhavhidhi akaita kuti Bhati-shebha aunzwe kumba kwake. Vakabva varara vese uye Bhati-shebha akava nepamuviri. Dhavhidhi akaedza kuhwandisa chikanganiso chake. Akaudza mukuru mukuru wemasoja ake kuti aite kuti Uriya aende pamberi muhondo uye vamwe vodzokera kumashure vachimusiya ega. Uriya paakaurayiwa muhondo, Dhavhidhi akabva aroora Bhati-shebha.

Mambo Dhavhidhi ari kunyengetera achikumbira ruregerero

Asi Jehovha akaona zvakaipa zvese zvakanga zvaitika. Aizoita sei? Jehovha akatumira muprofita ainzi Natani kuna Dhavhidhi. Natani akati: ‘Mumwe murume mupfumi akanga aine makwai akawanda, uye murume murombo akanga aine gwai diki rimwe chete raaida chaizvo. Mupfumi uya akatorera murombo gwai rake.’ Dhavhidhi akatsamwa achibva ati: ‘Murume mupfumi iyeye anofanira kufa!’ Natani akabva ati kuna Dhavhidhi: ‘Ndimi murume wacho!’ Dhavhidhi akashungurudzika uye akabva abvuma mhosva yake kuna Natani akati: ‘Ndakatadzira Jehovha.’ Chivi ichi chakaita kuti Dhavhidhi nemhuri yake vatambure chaizvo. Jehovha akaranga Dhavhidhi, asi akamubvumira kuti arambe achirarama nekuti aiva munhu akavimbika uye aizvininipisa.

Dhavhidhi aida kuvakira Jehovha temberi asi Jehovha akasarudza mwanakomana waDhavhidhi ainzi Soromoni kuti avake temberi yacho. Dhavhidhi akatanga kuunganidza zvinhu zvaizoshandiswa naSoromoni uye akati: ‘Temberi yaJehovha inofanira kunge yakanaka chaizvo. Soromoni achiri mudiki, asi ndichamubatsira kugadzirira zvinhu zvinodiwa.’ Dhavhidhi akapa mari yake yakawanda chaizvo kuti ishandiswe pakuvaka. Akatsvaga vashandi vane unyanzvi. Akaunganidza goridhe nesirivha, uye akaita kuti matanda emisidhari aunzwe kubva kuTire nekuSidhoni. Paakanga ava pedyo nekufa, Dhavhidhi akapa Soromoni purani yemavakiro aaizoita temberi. Akati: ‘Jehovha akaita kuti ndikunyorere zvinhu izvi. Jehovha achakubatsira. Usatya. Shinga, utange basa.’

Dhavhidhi ari kutaura naSoromoni achiri mudiki nezvepurani yetemberi

“Munhu anofukidza zvivi zvake haazobudiriri, asi wese anoreurura ozvisiya achanzwirwa tsitsi.”—Zvirevo 28:13

Mibvunzo: Dhavhidhi akaita chivi chei? Dhavhidhi akaitei kuti abatsire mwanakomana wake Soromoni?

2 Samueri 5:3, 4, 10; 7:1-16; 8:1-14; 11:1–12:14; 1 Makoronike 22:1-19; 28:11-21; Pisarema 51:1-19

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe