RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • lfb chidzidzo 48 p. 116-p. 117 ndim. 1
  • Mwanakomana Wechirikadzi Akamutswa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mwanakomana Wechirikadzi Akamutswa
  • Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Mashoko Akafanana
  • Chirikadzi yeZarefati Yakapiwa Mubayiro Nokuti Yaiva Nokutenda
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
  • Une Kutenda Kwakafanana nokwaEria Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Akanyaradzwa naMwari Wake
    Tevedzera Kutenda Kwavo
  • Akabvuma Kunyaradzwa naMwari Wake
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
Ona Zvimwe
Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
lfb chidzidzo 48 p. 116-p. 117 ndim. 1
Eriya ari kutaura nechirikadzi iri kuunganidza huni

CHIDZIDZO 48

Mwanakomana Wechirikadzi Akamutswa

Chirongo chefurawa nechirongo chemafuta

Panguva yekusanaya kwemvura, Jehovha akaudza Eriya kuti: ‘Enda kuZarefati. Chirikadzi iri ikoko ichakupa zvekudya.’ Paakasvika pagedhi reguta, Eriya akaona chirikadzi yaiva murombo ichiunganidza huni. Akakumbira chirikadzi yacho mvura yekunwa. Mukadzi wacho paaienda kunotora mvura, Eriya akabva amuudzawo kuti: ‘Ndiunzirewo chingwa.’ Asi chirikadzi yacho yakati: ‘Handina chingwa chekukupai ini. Ndingori netufurawa netumafuta tunokwana kungobika zvekudya zvangu nemwanakomana wangu chete.’ Eriya akabva audza mukadzi wacho kuti: ‘Jehovha avimbisa kuti kana ukandibikira chingwa, furawa yako nemafuta ako hazvizoperi kusvikira kwanaya zvakare.’

Saka chirikadzi yacho yakaenda kumba ikanobikira muprofita waJehovha chingwa. Sezvakanga zvavimbiswa naJehovha, chirikadzi iya nemwanakomana wayo vakaramba vaine zvekudya munguva yekusanaya kwemvura. Mukadzi wacho akangoramba aine mafuta nefurawa muzvirongo zvake.

Asi pane dambudziko rakazoitika. Mwanakomana wechirikadzi yacho akarwara chaizvo achibva afa. Chirikadzi yacho yakateterera kuna Eriya kuti aibatsire. Eriya akatora mukomana wacho mumaoko aamai vake achibva aenda naye mukamuri repamusoro reimba yechirikadzi yacho. Akanomuradzika pamubhedha, achibva anyengetera achiti: ‘Jehovha ndinokumbirawo kuti muite kuti mwana uyu avezve mupenyu.’ Unoziva here kuti nei zvaizoshamisa kuti Jehovha aite izvozvo? Nekuti sekuziva kwatinoita, hapana mumwe munhu akafa akanga ambomutswa izvi zvisati zvaitika. Uyewo, chirikadzi iyi nemwanakomana wayo vakanga vasitombori vaIsraeri.

Asi mukomana wacho akabva ava mupenyu, ndokutangazve kufema! Eriya akabva ati kuchirikadzi yacho: ‘Ona! Mwanakomana wako ava mupenyu.’ Mukadzi wacho akafara chaizvo ndokuti kuna Eriya: ‘Chokwadi muri munhu waMwari. Ndinodaro nekuti munongotaura zvamunenge maudzwa naJehovha kuti mutaure uye zvinotoitika.’

Eriya ari kupa chirikadzi mwanakomana wayo amutswa

“Fungai nezvemakunguo: Haadyari mbeu kana kukohwa; haana matura kana tsapi; asi Mwari anoapa zvekudya. Ko imi hamukoshi kupfuura shiri here?”—Ruka 12:24

Mibvunzo: Chirikadzi yeZarefati yakaratidza sei kuti yaivimba naJehovha? Tinoziva sei kuti Eriya aiva muprofita wechokwadi waMwari?

1 Madzimambo 17:8-24; Ruka 4:25, 26

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe