RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • lfb chidzidzo 49 p. 118-p. 119 ndim. 2
  • Mambokadzi Akaipa Anorangwa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mambokadzi Akaipa Anorangwa
  • Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Mashoko Akafanana
  • Jezebheri—Mambokadzi Akaipa
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Jehu Aishingairira Kunamata Kwakachena
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Yava Nguva Yokusarudza Pauri
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
  • Akatsungirira Zvinhu Zvakaipa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
Ona Zvimwe
Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
lfb chidzidzo 49 p. 118-p. 119 ndim. 2
Vashandi vaJezebheri vari kumukanda nepahwindo

CHIDZIDZO 49

Mambokadzi Akaipa Anorangwa

Mambo Ahabhi achitarisa nepahwindo reimba yepamuzinda wake waiva kuJezreeri, aigona kuona munda wemazambiringa wemurume ainzi Nabhoti. Ahabhi aida munda wacho, saka akaedza kuita kuti Nabhoti amutengesere. Asi Nabhoti akaramba kumutengesera nekuti Mutemo waJehovha wairambidza kutengesa munda wenhaka. Ahabhi akaremekedza Nabhoti here nekuti akanga aita zvakanaka? Aiwa. Ahabhi akagumbuka zvekugumbuka zviya. Akatsamwa chaizvo zvekuti akaramba kubuda muimba yake yekurara, uye akaramba kudya.

Mambokadzi Jezebheri uyo aiita zvakaipa akati kuna Ahabhi murume wake: ‘Ndiwe mambo weIsraeri. Unogona kungotora chero chaunoda. Ndichaita kuti uwane munda wacho.’ Akanyorera varume vakuru veguta tsamba achivaudza kuti vanyepe kuti Nabhoti akatuka Mwari uye kuti vamuteme nematombo. Vakuru vaya vakaita zvavakaudzwa kuti vaite naJezebheri, iye achibva ati kuna Ahabhi: ‘Nabhoti afa. Munda wemazambiringa wava wako.’

Nabhoti haasiriye ega munhu asina mhosva akaurayiwa naJezebheri. Akauraya vanhu vakawanda vaida Jehovha. Jezebheri ainamata zvidhori uye aiita zvimwe zvinhu zvakaipa. Jehovha akaona zvinhu zvakaipa zvese zvaiitwa naJezebheri. Jehovha aizoita sei naye?

Ahabhi paakafa, mwanakomana wake Jehoramu ndiye akava mambo. Jehovha akatuma murume ainzi Jehu kuti arange Jezebheri nemhuri yake.

Jehu akapinda mungoro yake yemabhiza ndokuenda kuJezreeri, kwaigara Jezebheri. Jehoramu akauya ari mungoro kuti asangane naJehu achibva amubvunza kuti: ‘Kwakanaka here?’ Jehu akabva ati: ‘Hakuna kunaka nekuti amai vako, Jezebheri, vari kuita zvakaipa?’ Jehoramu akabva aedza kukonesa ngoro yake kuti atize. Asi Jehu akamupfura nemuseve, achibva afa.

Jehu ari kushevedzera kuti Jezebheri akandwe pasi

Jehu akabva aenda kumba kwamambokadzi Jezebheri. Jezebheri paakanzwa kuti Jehu akanga achiuya, akabva apoda-poda, akagadzira bvudzi rake, ndokumumirira ari pahwindo repaimba yepamusoro. Jehu paakasvika, Jezebheri akamukwazisa zvisina ruremekedzo. Jehu akashevedzera kuvashandi vaJezebheri vainge vakamira pedyo naJezebheri kuti: ‘Mukandei pasi!’ Vakabva vamukanda nepahwindo, achibva adonha pasi, ndokufira ipapo.

Jehu akazouraya vanakomana 70 vaAhabhi uye akabvisa kunamatwa kwaBhaari munyika yacho. Waona here kuti Jehovha anoziva zvese zvinenge zvichiitika uye kuti panguva yakakodzera, anoranga vaya vanoita zvakaipa?

“Nhaka inotanga kuwanikwa nemakaro haizokomborerwi pakuguma kwayo.”—Zvirevo 20:21

Mibvunzo: Jezebheri akaita sei kuti atore munda wemazambiringa waNabhoti? Nei Jehovha akaranga Jezebheri?

1 Madzimambo 21:1-29; 2 Madzimambo 9:1–10:30

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe