RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • lfb chidzidzo 50 p. 120-p. 121 ndim. 5
  • Jehovha Anodzivirira Jehoshafati

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Jehovha Anodzivirira Jehoshafati
  • Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Mashoko Akafanana
  • Jehoshafati Anovimba naJehovha
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Shingairira Imba yaJehovha!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Rutongeso Rwakaitwa Mumupata Wokutonga
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Zviri Mubhuku ra2 Makoronike
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Ona Zvimwe
Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
lfb chidzidzo 50 p. 120-p. 121 ndim. 5
Mambo Jehoshafati nevaRevhi vaiimba vari kutungamirira masoja kubuda muJerusarema

CHIDZIDZO 50

Jehovha Anodzivirira Jehoshafati

Jehoshafati mambo waJudha, akaparadza atari dzaBhaari nezvidhori zvaiva munyika yacho. Aida kuti vanhu vazive mitemo yaJehovha. Saka akaita kuti machinda nevaRevhi vaende munyika yese yeJudha vachidzidzisa vanhu mitemo yaJehovha.

Vanhu vemamwe marudzi aiva pedyo vaitya kurwisa nyika yeJudha nekuti vaiziva kuti Jehovha akanga aine vanhu vake. Vaitouya nezvipo kuna Mambo Jehoshafati. Asi vaMoabhi, vaAmoni nevaya vaibva kunzvimbo yainzi Seiri vakauya kuzorwisa vaJudha. Jehoshafati aiziva kuti aida kubatsirwa naJehovha. Saka akaita kuti varume, vakadzi nevana, vese vaungane muJerusarema. Akabva anyengetera ari pamberi pavo vese achiti: ‘Jehovha, kana mukasatibatsira, tinokundwa. Tinokumbirawo kuti mutiudze zvekuita.’

Jehovha akapindura munyengetero wacho achiti: ‘Musatya. Ndichakubatsirai. Mirai munzvimbo dzenyu, moramba makamira, muone kuti ndichakuponesai sei.’ Jehovha akavaponesa sei?

Mangwanani ezuva rakatevera, Jehoshafati akasarudza vaimbi, akabva avaudza kuti vafore pamberi pemasoja. Vaimbi vacho vakafora vachibva kuJerusarema vachienda kunzvimbo yainzi Tekoa uko kwairwirwa hondo.

Vaimbi vacho pavaiimba vachifara uye vachirumbidza Jehovha nenzwi guru, Jehovha akarwira vanhu vake. Akaita kuti vaAmoni nevaMoabhi vavhiringidzike, vachibva vatanga kurwisana pachavo, uye hapana kana mumwe chete wavo akapona. Asi Jehovha akadzivirira vanhu veJudha, masoja nevapristi. Vanhu vese vemunyika dzaiva pedyo vakanzwa zvakanga zvaitwa naJehovha, vakabva vaziva kuti Jehovha akanga achiri kudzivirira vanhu vake. Jehovha anoponesa vanhu vake sei? Anoshandisa nzira dzakawanda. Haadi rubatsiro rwevanhu kuti aite izvozvo.

“Hamufaniri zvenyu kurwa hondo yacho. Endai munzvimbo dzenyu, moramba makamira, muone kuponeswa kwamuchaitwa naJehovha.”—2 Makoronike 20:17

Mibvunzo: Jehoshafati aiva mambo akaita sei? Jehovha akadzivirira sei vaJudha?

2 Makoronike 17:1-19; 20:1-30

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe