RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • lfb chidzidzo 57 p. 138-p. 139 ndim. 1
  • Jehovha Anotuma Jeremiya Kunoparidza

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Jehovha Anotuma Jeremiya Kunoparidza
  • Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Mashoko Akafanana
  • Jeremiya Haana Kurega Kutaura nezvaJehovha
    Dzidzisai Vana Venyu
  • “Handigoni Kuramba Ndakanyarara”
    Shoko raMwari Kwatiri Achishandisa Jeremiya
  • Uchasarudza Shamwari Dzakaita Sei?
    Shoko raMwari Kwatiri Achishandisa Jeremiya
  • “Ndaisa Mashoko Angu Mumuromo Mako”
    Shoko raMwari Kwatiri Achishandisa Jeremiya
Ona Zvimwe
Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
lfb chidzidzo 57 p. 138-p. 139 ndim. 1
Jeremiya ari kupwanya chirongo pamberi pevakuru

CHIDZIDZO 57

Jehovha Anotuma Jeremiya Kunoparidza

Jehovha akasarudza Jeremiya kuti ave muprofita kuvanhu veJudha. Akamuudza kuti aparidzire vanhu vacho achivanyevera kuti varege kuita zvakaipa. Jeremiya akati: ‘Aiwa Jehovha, ndichiri mudiki ini. Handitombogoni kutaura nevanhu vacho.’ Jehovha akati kwaari: ‘Usatya. Ndichakuudza zvekutaura. Ndichakubatsira.’

Jehovha akaudza Jeremiya kuti ashevedze vakuru vaitungamirira vanhu, opwanya chirongo vakatarisa, obva ati: ‘Jerusarema richaparadzwa sezvaitwa chirongo ichi.’ Jeremiya paakaita zvakanga zvataurwa naJehovha, vakuru vacho vakatsamwa chaizvo. Mumwe mupristi ainzi Pashuri akarova Jeremiya achibva amusungirira mumatanda. Jeremiya akapedza usiku hwese asingakwanisi kana kupfakanyika. Pashuri akazomusunungura mangwana acho mangwanani. Jeremiya akati: ‘Handichazvikwanisi. Saka handichadi kuparidza.’ Asi akabva arega here? Aiwa. Jeremiya paakafunga nezvazvo zvakare akati: ‘Shoko raJehovha rakaita semoto mukati mangu. Hazviiti kuti ndirege kuparidza.’ Jeremiya akaramba achinyevera vanhu.

Papera makore akati kuti, muJudha makava namambo mutsva. Vapristi nevaprofita venhema vakanga vasingafariri zvaitaurwa naJeremiya. Vakaudza machinda kuti: ‘Munhu uyu anofanira kufa.’ Jeremiya akati: ‘Kana mukandiuraya, munenge mauraya munhu asina mhosva. Ndinotaura mashoko aJehovha kwete angu.’ Machinda acho paakazvinzwa akabva ati: ‘Munhu uyu haafaniri hake kufa.’

Jeremiya akaramba achiparidza, asi machinda akagumburwa nazvo. Machinda acho akabva akumbira mambo kuti Jeremiya aurayiwe. Mambo wacho akavaudza kuti vaite chero zvavaida naJeremiya. Vakatora Jeremiya vakamukanda mumugodhi wakadzika wakanga uine matope kuti afire imomo. Jeremiya akatanga kunyura mumatope acho.

Ebhedhi-mereki nevarume vaainavo vari kubudisa Jeremiya mumugodhi

Mumwe mukuru mukuru wedare ainzi Ebhedhi-mereki akaudza mambo kuti: ‘Machinda akanda Jeremiya mumugodhi! Kana tikarega kumubudisa, achafira imomo.’ Mambo akabva arayira Ebhedhi-mereki kuti atore varume 30 kuti vanobudisa Jeremiya mumugodhi wacho. Tinofanira kuita sezvakanga zvakaita Jeremiya, uyo asina kurega chero chii zvacho chichimutadzisa kuparidza.

“Muchavengwa nevanhu vese nekuda kwezita rangu, asi anenge atsungirira kusvikira kumugumo achaponeswa.”—Mateu 10:22

Mibvunzo: Chii chakaita kuti Jeremiya ateerere Jehovha kunyange paakanga achiri mudiki? Ndivanaani vakaedza kuita kuti Jeremiya asaparidza?

Jeremiya 1:1-19; 19:1-11; 20:1-13; 25:8-11; 26:7-16; 38:1-13

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe