RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • lfb chidzidzo 65 p. 154-p. 155 ndim. 1
  • Esteri Anoponesa Vanhu Vake

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Esteri Anoponesa Vanhu Vake
  • Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Mashoko Akafanana
  • Modhekai naEstere
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Bhuku reBhaibheri Nhamba 17—Estere
    “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera”
  • Akaratidza Uchenjeri, Ushingi, Uye Kuzvipira
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Akaratidza Uchenjeri, Ushingi Uye Kuzvipira
    Tevedzera Kutenda Kwavo
Ona Zvimwe
Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
lfb chidzidzo 65 p. 154-p. 155 ndim. 1
Mambokadzi Esteri ari kupinda muchivanze chemuzinda waMambo Ahashivheroshi umo mune varindi vanotyisa

CHIDZIDZO 65

Esteri Anoponesa Vanhu Vake

Mambokadzi Esteri

Esteri akanga ari musikana wechiJudha aigara muguta rePezhiya rainzi Shushani. Makore akawanda izvi zvisati zvaitika, madzitateguru ake akanga atorwa kuJerusarema naNebhukadhinezari. Akarerwa nehanzvadzi yake Modhekai, uyo aishandira Mambo wePezhiya ainzi Ahashivheroshi.

Mambo Ahashivheroshi aida mambokadzi mutsva. Vashandi vake vakamuunzira vakadzi vainge vakanaka kupfuura vese munyika yacho, kusanganisirawo Esteri. Pavakadzi vacho vese mambo akasarudza Esteri kuti ave mambokadzi. Modhekai akaudza Esteri kuti asataura kuti aiva werudzi rwechiJudha.

Mumwe murume aizvikudza ainzi Hamani ndiye aitungamirira machinda ese. Aida kuti vanhu vese vamupfugamire. Modhekai akaramba kuita izvozvo, uye Hamani akatsamwa chaizvo zvekuti akafunga kumuuraya. Hamani paakaziva kuti Modhekai akanga ari muJudha, akaronga zano rekuuraya vaJudha vese vaiva munyika yacho. Akaudza mambo kuti: ‘VaJudha vanhu vakaipa, munofanira kuvauraya vese.’ Ahashivheroshi akati: ‘Ita chero zvawada,’ uye akamupa simba rekuti adzike mutemo. Hamani akadzika mutemo wekuti vanhu vauraye vaJudha vese musi wa13 wemwedzi wechiJudha unonzi Adhari. Jehovha akanga achiona zvaiitika.

Esteri akanga asiri kuziva nezvemutemo wacho. Saka Modhekai akamutumira kopi yemutemo uyu akabva amuudza kuti: ‘Enda unotaura namambo.’ Esteri akati: ‘Kana munhu akaenda kuna mambo asina kushevedzwa anourayiwa. Ndatova nemazuva 30 ndisati ndashevedzwa namambo! Asi ndichangoenda. Kana akandisimudzira tsvimbo yake, ndichararama. Asi kana akasadaro, ndichafa.’

Esteri akaenda pachivanze cheimba yamambo. Mambo paakamuona, akamusimudzira tsvimbo yake. Esteri akabva aenda kwaaiva, uye mambo akamubvunza kuti: ‘Chii chandingakuitira Esteri?’ Iye akati: ‘Ndiri kukukokai imi naHamani kumabiko.’ Pavakauya, Esteri akavakokazve kune mamwe mabiko. Pamabiko echipiri, mambo akabvunzazve kuti: ‘Chii chandingakuitira?’ Iye akati: ‘Pane munhu ari kuda kutiuraya, ini nevanhu vangu. Tiponeseiwo.’ Mambo akamubvunza kuti: ‘Ndiani iyeye ari kuda kukuurayai?’ Iye akati: ‘NdiHamani uyu akaipa.’ Ahashivheroshi akatsamwa chaizvo, akarayira kuti Hamani abve atourayiwa.

Asi hapana aigona kuchinja mutemo waHamani, kunyange mambo pachake. Saka mambo akabva agadza Modhekai kuva mukuru wemachinda uye akamupa simba rekuti adzike mumwe mutemo. Modhekai akadzika mutemo waibvumira vaJudha kuzvidzivirira vachirwisa vavengi vavo. Musi wa13 wemwedzi waAdhari, vaJudha vakakunda vavengi vavo. Kubva ipapo zvichienda mberi, vaJudha vaipemberera kukunda uku gore negore.

“Muchaendeswa pamberi pemagavhuna nemadzimambo nekuda kwangu, kuti zvive uchapupu kwavari nekune mamwe marudzi.”​—Mateu 10:18

Mibvunzo: VaJudha vakanga varongerwei? Esteri akaratidza sei kuti aiva nekutenda muna Jehovha?

Esteri 2:5-20; 3:1–5:8; 7:1–8:14; 9:1-28

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe