RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • lfb chidzidzo 72 p. 170-p. 171 ndim. 2
  • Jesu Achiri Mudiki

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Jesu Achiri Mudiki
  • Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Mashoko Akafanana
  • Akagamuchira Nhungamiro Youmwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Akadzivirira, Akariritira Uye Akaramba Achiita Basa Rake
    Tevedzera Kutenda Kwavo
  • Akadzivirira, Akariritira Uye Akaramba Achiita Basa Rake
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Jesu Anokurira muNazareta
    Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
Ona Zvimwe
Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
lfb chidzidzo 72 p. 170-p. 171 ndim. 2
Jesu aine makore 12 akagara pakati pevadzidzisi mutemberi

CHIDZIDZO 72

Jesu Achiri Mudiki

Josefa naMariya vaigara muNazareta naJesu nevamwe vanakomana nevanasikana vavo. Josefa aiita basa rekuveza kuti ariritire mhuri yake. Aidzidzisa mhuri yake nezvaJehovha uye Mutemo waMwari. Mhuri yacho yaigara ichienda kusinagogi kuti inonamata uye yaiendawo kuJerusarema gore negore kunoita Paseka.

Paakanga ava nemakore 12, Jesu nevemumhuri make vakafamba rwendo rwakareba rwekuenda kuJerusarema sezvavaigara vachiita. Guta racho rakanga rakazara vanhu vakanga vauya kuPaseka. Payakanga yapera, Josefa naMariya vakabva vatanga rwendo rwekudzokera kumba, vachifunga kuti Jesu akanga ari pakati pevanhu vavaifamba navo. Asi pavakazomutsvaga pakati pehama dzavo, vakamushaya.

Vakadzokera kuJerusarema, uye vakaita mazuva matatu vachimutsvaga. Vakabva vazoenda kutemberi, vachibva vamuwana akagara pakati pevadzidzisi, achinyatsoteerera uye achivabvunza mibvunzo ine musoro. Vadzidzisi vacho vaishamiswa chaizvo naJesu, zvekuti vakatotanga kumubvunza mibvunzo. Uye vaishamiswa nemhinduro dzake. Vainyatsoona kuti Jesu ainzwisisa Mutemo waJehovha.

Josefa naMariya vakanga vanetseka chaizvo. Mariya akati: ‘Mwanangu, wanga uri kupi? Tanga tichikutsvaga!’ Jesu akati: ‘Hamuzivi here kuti ndinofanira kunge ndiri muno mumba maBaba vangu?’

Jesu akabva adzokera kumba, kuNazareta nevabereki vake. Josefa akadzidzisa Jesu basa rekuveza. Unofunga kuti Jesu aiva munhu akaita sei paakanga ari mukomana? Sezvaaikura, Jesu aiwedzera kuva neuchenjeri uye airamba achifarirwa naMwari nevanhu.

Josefa naMariya naJesu vakagara patafura nevanin’ina uye hanzvadzi dzaJesu

“Ndinofarira kuita kuda kwenyu, haiwa Mwari wangu, uye mutemo wenyu uri mukatikati mangu.”—Pisarema 40:8

Mibvunzo: Josefa naMariya vakawana Jesu ari kupi? Nei akanga ari ikoko?

Mateu 13:55, 56; Mako 6:3; Ruka 2:40-52; 4:16; Dheuteronomi 16:15, 16

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe