RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • lfb chidzidzo 75 p. 178-p. 179 ndim. 4
  • Dhiyabhorosi Anoedza Jesu

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Dhiyabhorosi Anoedza Jesu
  • Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Mashoko Akafanana
  • Tinofanira Kukurira Miedzo
    Dzidza Kumudzidzisi Mukuru
  • “Rwisanai naDhiyabhorosi” Sezvakaita Jesu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Dzidza Pamakundiro Akaita Jesu Miedzo
    Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
  • Dhiyabhorosi—Haasi Chinhu Chokufungidzirawo Zvacho
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
Ona Zvimwe
Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
lfb chidzidzo 75 p. 178-p. 179 ndim. 4
Jesu anoramba kusvetuka kubva panzvimbo yakakwirira chaizvo yepatemberi

CHIDZIDZO 75

Dhiyabhorosi Anoedza Jesu

Jesu anoramba kuchinja matombo kuti ave zvingwa

Jesu paakanga abhabhatidzwa, mweya mutsvene wakamutungamirira kuenda kurenje. Akaita mazuva 40 asina kudya, uye akanga aziya nenzara. Dhiyabhorosi akabva auya kuzomuedza achiti: ‘Kana uchiti uri Mwanakomana waMwari, udza matombo aya kuti ave zvingwa.’ Asi Jesu akamupindura achishandisa zviri muMagwaro zvekuti: ‘Munhu haangorarami nezvekudya chete. Anofanira kuteerera mashoko ese anotaurwa naJehovha.’

Dhiyabhorosi akabva aedzazve Jesu achiti: ‘Kana uchiti uri Mwanakomana waMwari, svetuka kubva pano panzvimbo yakakwirira chaizvo yepatemberi. Zvakanyorwa kuti Mwari achatumira ngirozi dzake kuti dzikugamhe.’ Asi Jesu akataurazve mashoko emuMagwaro achiti: ‘Zvakanyorwa kuti haufaniri kuedza Jehovha.’

Jesu anoramba umambo hwese hwepanyika hwaari kupiwa naSatani

Satani akabva aratidza Jesu umambo hwese hwepanyika neupfumi nekubwinya kwahwo, akati kwaari: ‘Ndichakupa umambo hwese uhwu nekubwinya kwahwo kana ukangondinamata kamwe chete.’ Asi Jesu akati: ‘Ibva, Satani! Zvakanyorwa kuti unofanira kungonamata Jehovha chete.’

Dhiyabhorosi akabva aenda uye ngirozi dzakauya dzikapa Jesu zvekudya. Kubva ipapo zvichienda mberi, Jesu aiparidza mashoko akanaka eUmambo. Ndiro basa raakanga atumwa kuti aite panyika. Vanhu vaifarira zvavaidzidziswa naJesu uye vaimutevera kwese kwaaienda.

“Dhiyabhorosi, . . . paanotaura nhema, anotaura maererano nezvaari, nekuti iye murevi wenhema nababa venhema.”—Johani 8:44

Mibvunzo: Ndeipi miedzo mitatu yakasangana naJesu? Jesu akapindura sei Dhiyabhorosi?

Mateu 4:1-11; Mako 1:12, 13; Ruka 4:1-15; Dheuteronomi 6:13, 16; 8:3; Jakobho 4:7

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe