RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • lfb chidzidzo 93 p. 216-p. 217 ndim. 5
  • Jesu Anodzokera Kudenga

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Jesu Anodzokera Kudenga
  • Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Mashoko Akafanana
  • Mazana Evadzidzi Anomuona Asati Akwira Kudenga
    Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
  • Kuoneka Kwokupedzisira, Uye Pentekosta 33 N.V.
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • PaGomo reMiorivhi
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Jesu Anoparidza Mashoko eUmambo
    Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
Ona Zvimwe
Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
lfb chidzidzo 93 p. 216-p. 217 ndim. 5
Jesu ari kuenda kudenga uye vaapostora vake vakamutarisa

CHIDZIDZO 93

Jesu Anodzokera Kudenga

Jesu akasangana nevateveri vake muGarireya. Akavapa murayiro unokosha chaizvo wekuti: ‘Endai munoita kuti vanhu vemunyika dzese vave vadzidzi. Vadzidzisei zvinhu zvandakakudzidzisai uye vabhabhatidzei.’ Akabva avavimbisa kuti: ‘Ndicharamba ndiinemi.’

Mumazuva 40 pashure pekunge amutswa, Jesu akazviratidza kumazana evadzidzi vake muGarireya nemuJerusarema. Akavadzidzisa zvidzidzo zvinokosha uye akaita zvishamiso zvakawanda. Jesu akabva azosangana nevaapostora vake kekupedzisira paGomo reMiorivhi.

Jesu akanga avaudza kuti: ‘Musabuda muJerusarema. Rambai makamirira zvakavimbiswa naBaba vangu.’ Asi vaapostora vake vainge vasina kunzwisisa zvaaireva. Saka vakamubvunza kuti: ‘Mava kutova Mambo wevaIsraeri here?’ Jesu akati: ‘Nguva yaJehovha yekuti ndive Mambo haisati yakwana. Nekukurumidza muchagamuchira simba remweya mutsvene, uye muchava zvapupu zvangu. Endai munoparidza muJerusarema, muJudhiya, muSamariya nekunzvimbo dziri kure chaizvo dzepanyika.’

Jesu akatanga kukwira kudenga uye gore rakamuvhara. Vadzidzi vake vakaramba vakatarisa mudenga asi Jesu akanga atoenda.

Vadzidzi vacho vakabva muGomo reMiorivhi vakaenda kuJerusarema. Vaigara vachiungana muimba yepamusoro, vachinyengetera. Vainge vakamirira kuti Jesu avape mimwe mirayiridzo.

“Aya mashoko akanaka eUmambo achaparidzwa munyika yese kuti ave uchapupu kumarudzi ese, mugumo wozosvika.”—Mateu 24:14

Mibvunzo: Jesu akapa vadzidzi vake murayiro upi? Chii chakaitika muGomo reMiorivhi?

Mateu 28:16-20; Ruka 24:49-53; Johani 20:30, 31; Mabasa 1:2-14; 1 VaKorinde 15:3-6

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe