RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • lfb chidzidzo 94 p. 220-p. 221 ndim. 1
  • Vadzidzi Vanopiwa Mweya Mutsvene

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Vadzidzi Vanopiwa Mweya Mutsvene
  • Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Mashoko Akafanana
  • Vanomira muJerusarema
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • ‘Muzita Romudzimu Mutsvene’
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Jehovha Ndiye Mutongi Wedu!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Mazana Evadzidzi Anomuona Asati Akwira Kudenga
    Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
Ona Zvimwe
Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
lfb chidzidzo 94 p. 220-p. 221 ndim. 1
Vanhu vari muJerusarema vanoshamisika pavari kunzwa vadzidzi vaJesu vachitaura navo nemitauro yavo

CHIDZIDZO 94

Vadzidzi Vanopiwa Mweya Mutsvene

Papera mazuva 10 kubva pakadzokera Jesu kudenga, vadzidzi vake vakagamuchira mweya mutsvene. Pakanga pari paPendekosti ya33 C.E., uye vanhu vakanga vauya kuJerusarema vachibva kunzvimbo dzakawanda kuti vazoipemberera. Paiva nevadzidzi vaJesu vanenge 120 vainge vakaungana mukamuri repamusoro reimwe imba. Pakabva paitika chinhu chinoshamisa. Pamusoro pemudzidzi mumwe nemumwe pakanga paine chinhu chaiita serimi remoto, uye vese vakatanga kutaura mimwe mitauro. Ruzha rukuru rwakaita serwemhepo ine simba, rwakazadza imba yacho.

Vanhu vainge vauya kuJerusarema vachibva kune dzimwe nyika vakanzwa ruzha rwacho vakamhanyira kuimba yacho kuti vanoona kuti chii chakanga chichiitika. Vakashamiswa pavakanzwa vadzidzi vachitaura mimwe mitauro. Vakati: ‘Vanhu ava ndevekuGarireya. Saka nei vari kukwanisa kutaura mitauro yedu?’

Petro nevamwe vaapostora vakabva vamira pamberi peboka revanhu. Petro akaudza vanhu kuti Jesu akaurayiwa sei uye kuti akazomutswa sei naJehovha. Petro akati: ‘Iye zvino Jesu atova kudenga, kuruoko rwerudyi rwaMwari, uye ndiye adurura mweya mutsvene waakavimbisa. Ndizvo zvaita kuti munzwe uye muone zvishamiso izvi.’

Vanhu vakabayiwa mwoyo nemashoko aPetro, uye vakabvunza kuti: “Toitei?” Iye akati kwavari: ‘Pfidzai musiye zvivi zvenyu uye bhabhatidzwai muzita raJesu. Muchagamuchirawo chipo chemweya mutsvene.’ Pazuva iroro, vanhu vanenge 3 000 vakabhabhatidzwa. Kubvira ipapo, vadzidzi vakatanga kuwedzera chaizvo muJerusarema. Vachibatsirwa nemweya mutsvene, vaapostora vakaumba ungano dzakawanda kuitira kuti vadzidzise vadzidzi zvinhu zvese zvavakarayirwa naJesu.

“Kana uchizivisa pachena nemuromo wako kuti Jesu ndiShe, uye uchitenda mumwoyo mako kuti Mwari akamumutsa kuvakafa, uchaponeswa.”—VaRoma 10:9

Mibvunzo: Chii chakaitika paPendekosti ya33 C.E.? Nei vanhu vakawanda chaizvo vakabhabhatidzwa?

Mabasa 1:15; 2:1-42; 4:4; Johani 15:26

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe