RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • lfb chidzidzo 101 p. 234-p. 235 ndim. 4
  • Pauro Anoendeswa kuRoma

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Pauro Anoendeswa kuRoma
  • Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Mashoko Akafanana
  • Shinga—Jehovha Ndiye Mubatsiri Wako
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2020
  • “Hapana Kana Mumwe Wenyu Achaparara”
    Kupa “Uchapupu Hwakasimba nezveUmambo hwaMwari”
  • Zivisa Umambo hwaJehovha Noushingi!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Kupa “Uchapupu Hwakasimba”
    Kupa “Uchapupu Hwakasimba nezveUmambo hwaMwari”
Ona Zvimwe
Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
lfb chidzidzo 101 p. 234-p. 235 ndim. 4
Pauro nevamwe vari kushambira uye vamwe vari kuyangarara vari pazvimedu zvengarava yapwanyika vakananga pachitsuwa cheMarita

CHIDZIDZO 101

Pauro Anoendeswa kuRoma

Rwendo rwechitatu rwekunoparidza rwaPauro rwakazogumira muJerusarema. Ari imomo akasungwa ndokuvharirwa mujeri. Ava manheru, akarota Jesu achimuudza kuti: ‘Uchaenda kuRoma kunoparidza ikoko.’ Pauro akabviswa muJerusarema ndokuendeswa kuKesariya, uko kwaakapedza makore maviri ari mujeri. Paakanga achitongwa naGavhuna Festo, Pauro akati: ‘Ndinoda kunotongwa naKesari kuRoma.’ Festo akabva ati: ‘Sezvo wakwidza nyaya yako kuna Kesari, uchaenda kuna Kesari.’ Pauro akakwidzwa mungarava yaienda kuRoma, uye akaenda nehama mbiri dzechiKristu, dzaiti Ruka naAristako.

Pavakanga vari mugungwa, kwakaita dutu rakasimba chaizvo, iro rakatora mazuva akawanda. Vanhu vese vakafunga kuti vakanga vava kufa. Asi Pauro akati: ‘Varume, ndarota ngirozi ichindiudza kuti: “Pauro, usatya hako. Uchasvika kuRoma, uye munhu wese ari mungarava achange akachengeteka.” Shingai! Hatisi kuzofa.’

Dutu racho rakarova kwemazuva 14. Pava paya, vakazoona nyika yakaoma. Chaiva chitsuwa cheMarita. Ngarava yacho yakakweshera, ndokubva yapwanyika-pwanyika, asi vanhu vese 276 vaivamo vakakwanisa kusvika panyika yakaoma. Vamwe vakaita zvekushambira uye vamwe vakabatirira pazvimedu zvengarava, ndokuyangarara vakananga kumhenderekedzo. Vanhu vekuMarita vakavabatsira uye vakavabatidzira moto kuti vadziirwe.

Papera mwedzi mitatu, masoja akatora Pauro akaenda naye kuRoma neimwe ngarava. Paakasvika, hama dzakauya kuzomuona. Paakadziona, Pauro akatenda Jehovha uye akawedzera kushinga. Kunyange zvazvo akanga ari musungwa, Pauro akabvumirwa kugara muimba yekurenda uye ainge akarindwa nemusoja. Akagara ikoko kwemakore maviri. Vanhu vaiuya kuzomuona, uye aivaparidzira nezveUmambo hwaMwari nekuvadzidzisa nezvaJesu. Pauro akanyorawo tsamba kuungano dzaiva muAsia Minor nemuJudhiya. Jehovha akashandisa Pauro kuti aparadzire mashoko akanaka kuvanhu vemamwe marudzi.

“Munzira dzese tinoratidza kuti tiri vashumiri vaMwari, nekutsungirira kwatinoita zvinhu zvizhinji, matambudziko, kushayiwa, kuomerwa.”—2 VaKorinde 6:4

Mibvunzo: Nei Festo akaendesa Pauro kuRoma? Chii chakaitika kuna Pauro paakanga achienda kuRoma?

Mabasa 21:30; 23:11; 25:8-12; 27:1–28:31; VaRoma 15:25, 26

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe