RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • lfb pp. 2-3
  • Tsamba Inobva kudare Rinotungamirira

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Tsamba Inobva kudare Rinotungamirira
  • Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Mashoko Akafanana
  • Tevedzera Kutenda Kwavo
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2015
  • Chikamu 2 Kudzokorora
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
  • Kushandisa Bhurocha raNdivanaani Vari Kuita Kuda kwaJehovha Mazuva Ano?
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa (2017)
  • Sumo
    Mukai!—2019
Ona Zvimwe
Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
lfb pp. 2-3
Mhuri iri kushandisa Bhaibheri pakudzidza bhuku rinonzi Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri

Tsamba Inobva kudare Rinotungamirira

Kuvashumiri vaJehovha Vanodiwa:

Sevanamati vaJehovha, tinoda Shoko rake, Bhaibheri. Tine chokwadi chekuti rinotaura zvakarurama nezvezvakaitika kare, ndiro chete rinogona kutitungamirira muupenyu uye rine uchapupu hunofadza hunoratidza kuti Jehovha anoda vanhu. (Pisarema 119:105; Ruka 1:3; 1 Johani 4:19) Tinoda chaizvo kubatsira vamwe kuti vadzidze chokwadi chinokosha chiri muShoko raMwari. Saka, tinofara chaizvo kubudisa bhuku rino rinonzi, “Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri.” Regai timbokuudzai zvishoma nezvebhuku racho.

Bhuku rino rakanyanya kunyorerwa vana, asi rinogonawo kushandiswa pakubatsira vanhu vakuru vanoda kudzidza zvakawanda nezveBhaibheri. Uyewo, sezvo Bhaibheri rakanyorerwa munhu wese, hapana mubvunzo kuti tese zvedu tichabatsirwa nekuongorora zvidzidzo zvirimo, towana mufaro wechokwadi.

Bhuku rino rine nyaya dziri muBhaibheri dzinotaura nezvevanhu, kubva pavakasikwa zvichienda mberi. Pakashandwa zvakasimba kuti nyaya dzemuBhaibheri dzitsanangurwe nemashoko akapfava, akajeka uye pese pazvaiita dzakarongwa zvichienderana nenguva yadzakaitika.

Bhuku rino rinotaura nyaya dziri muBhaibheri. Mashoko akashandiswa pakurinyora nemifananidzo irimo zvinobatsira munhu kuti aite seari kutoona nyaya dzemuBhaibheri dzichiitika uye zvinonyatsobudisa manzwiro evanhu vanenge vachitaurwa nezvavo.

Bhuku rino rinotibatsira kuona kuti Bhaibheri ibhuku rinotaura nezvevanhu, vaya vakateerera Jehovha nevaya vasina kumuteerera. Rinoitawo kuti tide kudzidza kubva pane zvavakaita. (VaRoma 15:4; 1 VaKorinde 10:6) Bhuku racho rine zvikamu 14. Panotanga chikamu chimwe nechimwe, pane pfupiso yezvatinogona kudzidza.

Kana uri mubereki, unogona kuverenga chidzidzo nemwana wako mobva makurukura mifananidzo irimo. Zvadaro, munogona kuzoverenga mese mavhesi eBhaibheri akatorwa chidzidzo chacho. Batsira mwana wako kuti aone kubatana kwezvaanenge averenga muBhaibheri nezviri muchidzidzo chacho. Izvi zvinogona kushandawo pakubatsira munhu mukuru kuti anzwisise zvinotaurwa neBhaibheri.

Tine chivimbo chekuti bhuku rino richabatsira vanhu vese vane mwoyo yakatendeseka, vangava vakuru kana vadiki, kuti vadzidze zviri muShoko raMwari, voshandisa zvavanenge vadzidza muupenyu hwavo. Izvi zvichaita kuti vamunamate vari pamwe chete nevanhu vake vaanoda.

Hama dzenyu,

Dare Rinotungamirira reZvapupu zvaJehovha

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe