RWIYO 35
‘Zvinhu Zvinokosha Kupfuura Zvimwe’
Rakaprindwa
1. Tinoda kunzwisisa chokwadi,
Tizive zvinokosha.
Zvinokosha kupfuura zvimwe;
Izvozvo tizviite!
(KORASI)
Tide zvakanaka chete,
Tifadze She.
Tinokomborerwa tikadzidza,
Tikaziva,
Toita zvinhu zvinokosha.
2. Hapana chingakosha kupfu’ra
Kuparidza Umambo,
Kutsvaga vanoda chokwadi
Tichivaratidza nzira.
(KORASI)
Tide zvakanaka chete,
Tifadze She.
Tinokomborerwa tikadzidza,
Tikaziva,
Toita zvinhu zvinokosha.
3. Tikaita zvinhu zvinokosha,
Tichafara pamwoyo.
Rugare rwukuru rwucharinda
Pfungwa dzedu nemwoyo.
(KORASI)
Tide zvakanaka chete,
Tifadze She.
Tinokomborerwa tikadzidza,
Tikaziva,
Toita zvinhu zvinokosha.
(Onawo Pis. 97:10; Joh. 21:15-17; VaF. 4:7.)