RWIYO 38
Achakusimbisa
Rakaprindwa
1. Nei Jehovha akakupa chokwadi,
Akakudana ubve murima?
Akaona kuti waitomutsvaga
Uchida kuita zvakanaka.
Wakavimbisa kumute’rera.
Akabatsira, achabatsira.
(KORASI)
Mwari akakutenga neropa raJesu.
Achakutsigisa, achakusimbisa.
Achafamba newe, achakudzivirira.
Achakutsigisa, achakusimbisa.
2. Mwari akapa Mwanakomana wake,
Saka anoda kuti ukunde.
Zvaasina kukunyima Mwana wake,
Achakupa simba raunoda.
Haazokanganwi rudo rwako;
Haazotadzi kukutsigira.
(KORASI)
Mwari akakutenga neropa raJesu.
Achakutsigisa, achakusimbisa.
Achafamba newe, achakudzivirira.
Achakutsigisa, achakusimbisa.
(Onawo VaR. 8:32; 14:8, 9; VaH. 6:10; 1 Pet. 2:9.)