RWIYO 70
Tsvagai Vakakodzera
Rakaprindwa
1. Ishe akaratidza kuparidza
Kwatingaita achiti:
‘Kwese kwamunoenda tsvagaiwo
Vaya vanoda kunamata.
Pamunoti ivai nerugare,
Mucharupa vakakodzera.
Vamwe vakaramba, vokudzingai,
Zunzai guruva mutsoka.’
2. Mwari achavhura mwoyo yevaya
Vanokugamuchirai.
Kuda upenyu husina mugumo
Kuchavabatanidza nemi.
Musanetseke nechekutaura,
Mwari achakubatsirai.
Kana mukapindura zvakarungwa,
Izvi zvichafadza vanyoro.
(Onawo Mab. 13:48; 16:14; VaK. 4:6.)