RWIYO 145
Vimbiso yaMwari yeParadhiso
Rakaprindwa
1. Paradhiso yakavimbiswa,
Mukutonga kweChiuru.
Mwari paachabvisa chivi,
Rufu, nemisodzi yese.
(KORASI)
Nyika yova paradhiso.
Nekutenda tozviona.
Kristu achazvizadzisa,
Anoda kuda kwaMwari.
2. Pasi pano, munguva pfupi
Jesu achamutsa vanhu.
Sezvaakavimbisa kuti:
‘Uchava muParadhiso.’
(KORASI)
Nyika yova paradhiso.
Nekutenda tozviona.
Kristu achazvizadzisa,
Anoda kuda kwaMwari.
3. Akavimbisa Paradhiso,
Iye zvino ndiye Mambo.
Totenda Mwari Baba vedu,
Tiimbe nemwoyo wese.
(KORASI)
Nyika yova paradhiso.
Nekutenda tozviona.
Kristu achazvizadzisa,
Anoda kuda kwaMwari.
(Onawo Mat. 5:5; 6:10; Joh. 5:28, 29.)